1Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikaona nyeredzi ichiwa kubva kudenga ichiwira pasi; ikapiwa kiyi yegomba risina chigadziko.
1And the fifth angel sounded, and I saw a star fall from heaven unto the earth: and to him was given the key of the bottomless pit.
2Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka hwuchibuda mugomba, seutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba.
2And he opened the bottomless pit; and there arose a smoke out of the pit, as the smoke of a great furnace; and the sun and the air were darkened by reason of the smoke of the pit.
3Muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sezvinyavada zvenyika zvine simba.
3And there came out of the smoke locusts upon the earth: and unto them was given power, as the scorpions of the earth have power.
4Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chipi zvacho chinyoro, kana miti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.
4And it was commanded them that they should not hurt the grass of the earth, neither any green thing, neither any tree; but only those men which have not the seal of God in their foreheads.
5Uye kukapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.
5And to them it was given that they should not kill them, but that they should be tormented five months: and their torment was as the torment of a scorpion, when he striketh a man.
6Zvino namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani, uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.
6And in those days shall men seek death, and shall not find it; and shall desire to die, and death shall flee from them.
7Zvekare zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo sepane zvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.
7And the shapes of the locusts were like unto horses prepared unto battle; and on their heads were as it were crowns like gold, and their faces were as the faces of men.
8Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akange akaita seeshumba.
8And they had hair as the hair of women, and their teeth were as the teeth of lions.
9Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvematare; nekutinhira kwemapapiro adzo kwakaita sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji anomhanyira kuhondo.
9And they had breastplates, as it were breastplates of iron; and the sound of their wings was as the sound of chariots of many horses running to battle.
10Zvino dzakange dzine miswe yakaita seyezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo nesimba rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
10And they had tails like unto scorpions, and there were stings in their tails: and their power was to hurt men five months.
11Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, ari mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, asi nechiGiriki zita rake ndiAporioni.
11And they had a king over them, which is the angel of the bottomless pit, whose name in the Hebrew tongue is Abaddon, but in the Greek tongue hath his name Apollyon.
12Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.
12One woe is past; and, behold, there come two woes more hereafter.
13Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama iri pamberi paMwari,
13And the sixth angel sounded, and I heard a voice from the four horns of the golden altar which is before God,
14richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufratesi.
14Saying to the sixth angel which had the trumpet, Loose the four angels which are bound in the great river Euphrates.
15Zvino vatumwa vana vakasunungurwa, vakange vakagadzirirwa awa nezuva, nemwedzi, negore, kuponda chetatu chevanhu.
15And the four angels were loosed, which were prepared for an hour, and a day, and a month, and a year, for to slay the third part of men.
16Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwakange hwuri mazana maviri ezvuru zvezvuru; ndikanzwa uwandu hwavo.
16And the number of the army of the horsemen were two hundred thousand thousand: and I heard the number of them.
17Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo*, nezvesarufa*; nemisoro yemabhiza yakaita semisoro yeshumba; nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.
17And thus I saw the horses in the vision, and them that sat on them, having breastplates of fire, and of jacinth, and brimstone: and the heads of the horses were as the heads of lions; and out of their mouths issued fire and smoke and brimstone.
18Nezvizvi zvitatu kwakaurawa chikamu chetatu chevanhu; nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.
18By these three was the third part of men killed, by the fire, and by the smoke, and by the brimstone, which issued out of their mouths.
19Nekuti simba rawo riri mumiromo yawo, nemumiswe yawo; nekuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo.
19For their power is in their mouth, and in their tails: for their tails were like unto serpents, and had heads, and with them they do hurt.
20Zvino vakasara vevanhu vasina kuurawa nematambudziko awa asi vakasatendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kushumira madhimoni, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvematanda, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba;
20And the rest of the men which were not killed by these plagues yet repented not of the works of their hands, that they should not worship devils, and idols of gold, and silver, and brass, and stone, and of wood: which neither can see, nor hear, nor walk:
21uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.
21Neither repented they of their murders, nor of their sorceries, nor of their fornication, nor of their thefts.