Shona

King James Version

Romans

8

1Naizvozvo zvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi nenyama asi nemweya.
1There is therefore now no condemnation to them which are in Christ Jesus, who walk not after the flesh, but after the Spirit.
2Nekuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurairo wechivi nerufu.
2For the law of the Spirit of life in Christ Jesus hath made me free from the law of sin and death.
3Nekuti zvakange zvisingagoni kuitwa nemurairo, pakuti wakange une utera kubudikidza nenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake nemufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;
3For what the law could not do, in that it was weak through the flesh, God sending his own Son in the likeness of sinful flesh, and for sin, condemned sin in the flesh:
4kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi nenyama, asi nemweya.
4That the righteousness of the law might be fulfilled in us, who walk not after the flesh, but after the Spirit.
5Nekuti vari venyama vanorangarira zvinhu zvenyama asi vemweya zvinhu zvemweya.
5For they that are after the flesh do mind the things of the flesh; but they that are after the Spirit the things of the Spirit.
6Nekuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kwemweya upenyu nerugare;
6For to be carnally minded is death; but to be spiritually minded is life and peace.
7nekuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nekuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; uye hakugoniwo;
7Because the carnal mind is enmity against God: for it is not subject to the law of God, neither indeed can be.
8naizvozvo zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.
8So then they that are in the flesh cannot please God.
9Asi imwi hamusi munyama, asi mumweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari uchigara mamuri. Asi ani nani asina Mweya waKristu haazi wake.
9But ye are not in the flesh, but in the Spirit, if so be that the Spirit of God dwell in you. Now if any man have not the Spirit of Christ, he is none of his.
10Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.
10And if Christ be in you, the body is dead because of sin; but the Spirit is life because of righteousness.
11Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kuvakafa uchamutsawo miviri yenyu inofa kubudikidza neMweya wake unogara mamuri.
11But if the Spirit of him that raised up Jesus from the dead dwell in you, he that raised up Christ from the dead shall also quicken your mortal bodies by his Spirit that dwelleth in you.
12Naizvozvo, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame zvinoenderana nenyama;
12Therefore, brethren, we are debtors, not to the flesh, to live after the flesh.
13nekuti kana muchirarama panyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.
13For if ye live after the flesh, ye shall die: but if ye through the Spirit do mortify the deeds of the body, ye shall live.
14Nekuti vose vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
14For as many as are led by the Spirit of God, they are the sons of God.
15Nekuti hamuna kugamuchira mweya weurandazve kuti mutye, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba.
15For ye have not received the spirit of bondage again to fear; but ye have received the Spirit of adoption, whereby we cry, Abba, Father.
16Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
16The Spirit itself beareth witness with our spirit, that we are the children of God:
17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka vaMwari, vadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvakadaro kuti tinotambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe.
17And if children, then heirs; heirs of God, and joint-heirs with Christ; if so be that we suffer with him, that we may be also glorified together.
18Nekuti ndinoona kuti matambudziko enguva ino haafaniri kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
18For I reckon that the sufferings of this present time are not worthy to be compared with the glory which shall be revealed in us.
19Nekuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.
19For the earnest expectation of the creature waiteth for the manifestation of the sons of God.
20Nekuti chisikwa chakaiswa pasi pechisina maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi mutariro.
20For the creature was made subject to vanity, not willingly, but by reason of him who hath subjected the same in hope,
21Nekuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.
21Because the creature itself also shall be delivered from the bondage of corruption into the glorious liberty of the children of God.
22Nekuti tinoziva kuti chisikwa chose chinogomera nekurwadziwa mumarwadzo pamwe kusvikira zvino.
22For we know that the whole creation groaneth and travaileth in pain together until now.
23Zvisati zviri izvo chete, asi isuwo, kunyange tine chibereko chekutanga chemweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndirwo rudzikunuro rwemuviri wedu.
23And not only they, but ourselves also, which have the firstfruits of the Spirit, even we ourselves groan within ourselves, waiting for the adoption, to wit, the redemption of our body.
24Nekuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nekuti izvo munhu zvaanoona uchakazvitaririrei?
24For we are saved by hope: but hope that is seen is not hope: for what a man seeth, why doth he yet hope for?
25Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.
25But if we hope for that we see not, then do we with patience wait for it.
26Saizvozvo Mweyawo unobatsira utera hwedu; nekuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvatinofanira; asi Mweya amene unotireverera nekugomera kusingatauriki;
26Likewise the Spirit also helpeth our infirmities: for we know not what we should pray for as we ought: but the Spirit itself maketh intercession for us with groanings which cannot be uttered.
27zvino iye unonzvera moyo, ndiye unoziva fungwa dzeMweya, nekuti unoreverera vatsvene maererano naMwari.
27And he that searcheth the hearts knoweth what is the mind of the Spirit, because he maketh intercession for the saints according to the will of God.
28Uye tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadamwa maererano nezano rake.
28And we know that all things work together for good to them that love God, to them who are the called according to his purpose.
29Nekuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nemufananidzo weMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji.
29For whom he did foreknow, he also did predestinate to be conformed to the image of his Son, that he might be the firstborn among many brethren.
30Pamusoro pazvo, avo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; ivo nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
30Moreover whom he did predestinate, them he also called: and whom he called, them he also justified: and whom he justified, them he also glorified.
31Zvino tichatiyi kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari wedu, ndiani uchatirwisa?
31What shall we then say to these things? If God be for us, who can be against us?
32Iye usina kutongoomera neMwanakomana wake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tose, ungarega sei nayewo kutipa pachena zvinhu zvose?
32He that spared not his own Son, but delivered him up for us all, how shall he not with him also freely give us all things?
33Ndiani uchapa mhosva vasanangurwa vaMwari? NdiMwari unoruramisa;
33Who shall lay any thing to the charge of God's elect? It is God that justifieth.
34ndiani unopa mhosva? ndiKristu wakafa, zvikuru wakamutswazve, uri kuruoko rwerudyi rwaMwari, unotirevererawo.
34Who is he that condemneth? It is Christ that died, yea rather, that is risen again, who is even at the right hand of God, who also maketh intercession for us.
35Ndiani uchatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?
35Who shall separate us from the love of Christ? shall tribulation, or distress, or persecution, or famine, or nakedness, or peril, or sword?
36Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinoverengwa semakwai okubayiwa.
36As it is written, For thy sake we are killed all the day long; we are accounted as sheep for the slaughter.
37Asi pazvinhu izvi zvose tinodarika vakundi kubudikidza naiye wakatida.
37Nay, in all these things we are more than conquerors through him that loved us.
38Nekuti ndinechokwadi kuti harwusi rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana ukuru ukuru, kana masimba, kana zvinhu zvazvino, kana zvinhu zvinouya,
38For I am persuaded, that neither death, nor life, nor angels, nor principalities, nor powers, nor things present, nor things to come,
39kana urefu, kana udzamu, kana chimwe chisikwa chipi zvacho, chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
39Nor height, nor depth, nor any other creature, shall be able to separate us from the love of God, which is in Christ Jesus our Lord.