1Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani.
1And Samuel dieth, and all Israel are gathered, and mourn for him, and bury him in his house, in Ramah; and David riseth and goeth down unto the wilderness of Paran.
2Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nefuma yake paKarimeri; munhu uyu wakange ari mukuru kwazvo, wakange ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakange achiveura makwai ake paKarimeri.
2And [there is] a man in Maon, and his work [is] in Carmel; and the man [is] very great, and he hath three thousand sheep, and a thousand goats; and he is shearing his flock in Carmel.
3Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakange akangwara, uye wakange akanaka kumeso; asi murume wakange ano moyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi.
3And the name of the man [is] Nabal, and the name of his wife Abigail, and the woman [is] of good understanding, and of fair form, and the man [is] hard and evil [in] doings; and he [is] a Calebite.
4Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakange achiveura makwai ake.
4And David heareth in the wilderness that Nabal is shearing his flock,
5Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu.
5and David sendeth ten young men, and David saith to the young men, `Go ye up to Carmel, and ye have come in unto Nabal, and asked of him in my name of welfare,
6Mugoti kuna iye agere pakati pefuma yake, Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.
6and said thus: To life! and thou, peace; and thy house, peace; and all that thou hast — peace!
7Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri.
7and, now, I have heard that thou hast shearers; now, the shepherds whom thou hast have been with us, we have not put them to shame, nor hath anything been looked after by them, all the days of their being in Carmel.
8Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nekuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.
8`Ask thy young men, and they declare to thee, and the young men find grace in thine eyes, for on a good day we have come; give, I pray thee, that which thy hand findeth, to thy servants, and to thy son, to David.`
9Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo.
9And the young men of David come in, and speak unto Nabal according to all these words, in the name of David — and rest.
10Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo.
10And Nabal answereth the servants of David and saith, `Who [is] David, and who the son of Jesse? to-day have servants been multiplied who are breaking away each from his master;
11Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?
11and I have taken my bread, and my water, and my flesh, which I slaughtered for my shearers, and have given [it] to men whom I have not known whence they [are]!`
12Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose.
12And the young men of David turn on their way, and turn back, and come in, and declare to him according to all these words.
13Dhavhidhi akati kuvanhu vake, Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake; mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
13And David saith to his men, `Gird ye on each his sword;` and they gird on each his sword, and David also girdeth on his sword, and there go up after David about four hundred men, and two hundred have remained by the vessels.
14Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, Tarirai, Dhavhidhi wakange atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
14And to Abigail wife of Nabal hath one young man of the youths declared, saying, `Lo, David hath sent messengers out of the wilderness to bless our lord, and he flieth upon them;
15Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango.
15and the men [are] very good to us, and have not put us to shame, and we have not looked after anything all the days we have gone up and down with them, in our being in the field;
16Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai.
16a wall they have been unto us both by night and by day, all the days of our being with them, feeding the flock.
17Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nekuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nekuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.
17`And, now, know and consider what thou dost; for evil hath been determined against our lord, and against all his house, and he [is] too much a son of worthlessness to be spoken to.`
18Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
18And Abigail hasteth, and taketh two hundred loaves, and two bottles of wine, and five sheep, prepared, and five measures of roasted corn, and a hundred bunches of raisins, and two hundred bunches of figs, and setteth [them] on the asses.
19Akati kumajaya ake, Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai. Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
19And she saith to her young men, `Pass over before me; lo, after you I am coming;` and to her husband Nabal she hath not declared [it];
20Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo.
20and it hath come to pass, she is riding on the ass and is coming down in the secret part of the hill-country, and lo, David and his men are coming down to meet her, and she meeteth them.
21Zvino Dhavhidhi wakange ati, Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
21And David said, `Only, in vain I have kept all that this [one] hath in the wilderness, and nothing hath been looked after of all that he hath, and he turneth back to me evil for good;
22Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.
22thus doth God do to the enemies of David, and thus He doth add, if I leave of all that he hath till the light of the morning — of those sitting on the wall.`
23Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi.
23And Abigail seeth David, and hasteth and cometh down from off the ass, and falleth before David on her face, and boweth herself to the earth,
24Akawira patsoka dzake, akati, Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.
24and falleth at his feet and saith, `On me, my lord, the iniquity; and let, I pray thee, thy handmaid speak in thine ear, and hear the words of thy handmaid.
25Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nekuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.
25`Let not, I pray thee, my lord set his heart to this man of worthlessness, on Nabal, for as his name [is] so [is] he; Nabal [is] his name, and folly [is] with him; and I, thine handmaid, did not see the young men of my lord whom thou didst send;
26Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
26and now, my lord, Jehovah liveth, and thy soul liveth, in that Jehovah hath withheld thee from coming in with blood, and to save thy hand to thee — now let thine enemies be as Nabal, even those seeking evil unto my lord.
27Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
27`And, now, this blessing which thy maid-servant hath brought to my lord — it hath been given to the young men who are going up and down at the feet of my lord.
28Kangamwirai henyu kudarika komurandakadzi wenyu, nekuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nekuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose.
28`Bear, I pray thee, with the transgression of thy handmaid, for Jehovah doth certainly make to my lord a stedfast house; for the battles of Jehovah hath my lord fought, and evil is not found in thee [all] thy days.
29Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu, asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe.
29And man riseth to pursue thee and to seek thy soul, and the soul of my lord hath been bound in the bundle of life with Jehovah thy God; as to the soul of thine enemies, He doth sling them out in the midst of the hollow of the sling.
30Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri,
30`And it hath been, when Jehovah doth to my lord according to all the good which He hath spoken concerning thee, and appointed thee for leader over Israel,
31murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya moyo, nekuti makateura ropa risine mhosva, kana nekuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.
31that this is not to thee for a stumbling-block, and for an offence of heart to my lord — either to shed blood for nought, or my lord`s restraining himself; and Jehovah hath done good to my lord, and thou hast remembered thy handmaid.`
32Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni;
32And David saith to Abigail, `Blessed [is] Jehovah, God of Israel, who hath sent thee this day to meet me,
33nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nekuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu.
33and blessed [is] thy discretion, and blessed [art] thou in that thou hast restrained me this day from coming in with blood, and to restrain my hand to myself.
34Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana koedza nomwana mumwe womukomana.
34And yet, Jehovah liveth, God of Israel, who hath kept me back from doing evil with thee, for unless thou hadst hasted, and dost come to meet me, surely there had not been left to Nabal till the light of the morning, of those sitting on the wall.`
35Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.
35And David receiveth from her hand that which she hath brought to him, and to her he hath said, `Go up in peace to thy house; see, I have hearkened to thy voice, and accept thy face.`
36Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakange wakafanana nomutambo wamambo ; moyo waNabhari wakange wakafara mukati make, nekuti wakange abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana koedza.
36And Abigail cometh in unto Nabal, and lo, he hath a banquet in his house, like a banquet of the king, and the heart of Nabal [is] glad within him, and he [is] drunk unto excess, and she hath not declared to him anything, less or more, till the light of the morning.
37Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, moyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe.
37And it cometh to pass in the morning, when the wine is gone out from Nabal, that his wife declareth to him these things, and his heart dieth within him, and he hath been as a stone.
38Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa.
38And it cometh to pass, [in] about ten days, that Jehovah smiteth Nabal, and he dieth,
39Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake. Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
39and David heareth that Nabal [is] dead, and saith, `Blessed [is] Jehovah who hath pleaded the cause of my reproach from the hand of Nabal, and His servant hath kept back from evil, and the wickedness of Nabal hath Jehovah turned back on his own head;` and David sendeth and speaketh with Abigail, to take her to him for a wife.
40Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake.
40And the servants of David come in unto Abigail at Carmel, and speak unto her, saying, `David hath sent us unto thee to take thee to him for a wife.`
41Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu.
41And she riseth and boweth herself — face to the earth — and saith, `Lo, thy handmaid [is] for a maid-servant to wash the feet of the servants of my lord.`
42Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake.
42And Abigail hasteth and riseth, and rideth on the ass; and five of her young women who are going at her feet; and she goeth after the messengers of David, and is to him for a wife.
43Dhavhidhi akawanawo Ahinowamu muJezereeri, ivo vose vaviri vakava vakadzi vake.
43And Ahinoam hath David taken from Jezreel, and they are — even both of them — to him for wives;
44Zvino Sauro wakange akapa Pariti, mwanakomana waRaishi, waiva weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi.
44and Saul gave Michal his daughter, wife to David, to Phalti son of Laish, who [is] of Gallim.