Shona

Young`s Literal Translation

Isaiah

50

1Ndizvo zvinotaura Jehovha, Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, vandakaramba? Kana ndiyani wandine chikwereti naye, wandakakutengesai kwaari? Tarirai makazvitengesa nokuda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuda kokudarika kwenyu, mai venyu vakarashwa.
1Thus said Jehovah: `Where [is] this — the bill of your mother`s divorce, Whom I sent away? Or to which of My creditors have I sold you? Lo, for your iniquities ye have been sold, And for your transgressions Hath your mother been sent away.
2Sei pakusvika kwangu kwakanga kusina munhu? Pakudana kwangu kwakanga kusina anopindura? Ko ruoko rwangu rwakatongopfupiswa here?, kuti rukoniwe kudzikunura? Handina simba rokurwira here? Tarirai nokutuka kwangu, ndinopwisa gungwa , Ndinoita nzizi dzive renje; hove dzadzo dzinhuwhe, nekuti hadzina mvura, dzinofa nenyota.
2Wherefore have I come, and there is no one? I called, and there is none answering, Hath My hand been at all short of redemption? And is there not in me power to deliver? Lo, by My rebuke I dry up a sea, I make rivers a wilderness, Their fish stinketh, for there is no water, And dieth with thirst.
3Ndinofukidza matenga nokusviba, Ndinoita masaga ave chifukidziro chawo.
3I clothe the heavens [with] blackness, And sackcloth I make their covering.
4Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta ; anomuka mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
4The Lord Jehovah hath given to me The tongue of taught ones, To know to aid the weary [by] a word, He waketh morning by morning, He waketh for me an ear to hear as taught ones.
5Ishe Mwari wakadziura nzeve dzangu,vuye handina kupanduka kana kudzokera shure.
5The Lord Jehovah opened for me the ear, And I rebelled not — backward I moved not.
6Ndakapa musana wangu kuvarovi, namatama angu kuna vakatavura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
6My back I have given to those smiting, And my cheeks to those plucking out, My face I hid not from shame and spitting.
7nekuti Ishe Mwari achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu semusarasara,vuye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
7And the Lord Jehovah giveth help to me, Therefore I have not been ashamed, Therefore I have set my face as a flint, And I know that I am not ashamed.
8Ari pedo iye unondiruramsa; ndiani acharwa neni?Ngatimirisane, Ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri.
8Near [is] He who is justifying me, Who doth contend with me? We stand together, who [is] mine opponent? Let him come nigh unto me.
9Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo;zvipfunho. zvichavadya.
9Lo, the Lord Jehovah giveth help to me, Who [is] he that declareth me wicked? Lo, all of them as a garment wear out, A moth doth eat them.
10Ndianiko pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera inzwi romuranda wake? Anofamba murima,vuye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.
10Who [is] among you, fearing Jehovah, Hearkening to the voice of His servant, That hath walked in dark places, And there is no brightness for him? Let him trust in the name of Jehovah, And lean upon his God.
11Tarirai, imwi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai muchiedza chomoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.
11Lo, all ye kindling a fire, girding on sparks, Walk ye in the light of your fire, And in the sparks ye have caused to burn, From my hand hath this been to you, In grief ye lie down!