1imwi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemwi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare?
1Righteous [art] Thou, O Jehovah, When I plead towards thee, Only, judgments do I speak with Thee, Wherefore did the way of the wicked prosper? At rest have been all treacherous dealers.
2imwi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imwi muri pedo nemiromo yavo, asi muri kure nemoyo yavo.
2Thou hast planted them, yea, they have taken root, They go on, yea, they have made fruit, Near [art] Thou in their mouth, And far off from their reins.
3Asi imwi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza moyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa.
3And Thou, O Jehovah, Thou hast known me, Thou seest me, and hast tried my heart with Thee, Draw them away as sheep to slaughter, And separate them for a day of slaughter.
4Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nekuti vakati, Haangaoni kuguma kwedu.
4Till when doth the earth mourn, And the herb of the whole field wither? For the wickedness of those dwelling in it, Consumed have been beast and fowl, Because they said, `He doth not see our latter end.`
5Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvivana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJoridhani?
5For — with footmen thou hast run, And they weary thee, And how dost thou fret thyself with horses! Even in the land of peace, [In which] thou art confident — And how dost thou in the rising of Jordan!
6nekuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe.
6For even thy brethren and the house of thy father, Even they dealt treacherously against thee, Even they — they called after thee fully, Trust not in them, when they speak to thee good things.
7Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikamwa womoyo wangu mumaoko avavengi vake.
7I have forsaken My house, I have left Mine inheritance, I have given the beloved of My soul Into the hand of her enemies.
8Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga
8Mine inheritance hath been to Me as a lion in a forest, She gave forth against Me with her voice, Therefore I have hated her.
9Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.
9A speckled fowl [is] Mine inheritance to Me? Is the fowl round about against her? Come, assemble, every beast of the field, Come ye for food.
10Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikamwa rive renje risina chinhu.
10Many shepherds did destroy My vineyard, They have trodden down My portion, They have made My desirable portion Become a wilderness — a desolation.
11Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nekuti hakuna munhu une hanya nayo.
11He hath made it become a desolation, The desolation hath mourned unto Me, Desolated hath been all the land, But there is no one laying it to heart.
12Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nekuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare.
12On all high places in the plain have spoilers come in, For the sword of Jehovah is consuming, From the end of the land even unto the end of the land, There is no peace to any flesh.
13Vakakusha gorosi, asi vakacheka mhinzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kokutsamwa kukuru kwaJehovha.
13They sowed wheat, and have thorns reaped, They have become sick — they profit not, And they have been ashamed of your increases, Because of the fierceness of the anger of Jehovah.
14Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
14Thus said Jehovah concerning all my evil neighbours, who are striking against the inheritance that I caused my people — Israel — to inherit: `Lo, I am plucking them from off their ground, And the house of Judah I pluck out of their midst.
15Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake.
15And it hath been, after My plucking them out, I turn back, and have pitied them, And I have brought them back, Each to his inheritance, and each to his land.
16Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, NaJehovha mupenyu, sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
16And it hath come to pass, If they learn well the ways of My people, To swear by My name, `Jehovah liveth,` As they taught My people to swear by Baal, Then they have been built up in the midst of My people.
17Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza ndizvo zvinotaura Jehovha.
17And if they do not hearken, Then I have plucked up that nation, Plucking up and destroying, An affirmation of Jehovah!`