Shona

Young`s Literal Translation

Job

11

1Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
1And Zophar the Naamathite answereth and saith: —
2Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?
2Is a multitude of words not answered? And is a man of lips justified?
3Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?
3Thy devices make men keep silent, Thou scornest, and none is causing blushing!
4nekuti iwe unoti, Zvandinoparidza ndezvechokwadi, Ndakachena pamberi penyu.
4And thou sayest, `Pure [is] my discourse, And clean I have been in Thine eyes.`
5Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako;
5And yet, O that God had spoken! And doth open His lips with thee.
6Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokangamwira zvimwe zvakaipa zvako.
6And declare to thee secrets of wisdom, For counsel hath foldings. And know thou that God forgetteth for thee, [Some] of thine iniquity.
7Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?
7By searching dost thou find out God? Unto perfection find out the Mighty One?
8Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?
8Heights of the heavens! — what dost thou? Deeper than Sheol! — what knowest thou?
9Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.
9Longer than earth [is] its measure, And broader than the sea.
10Kana iye akapfuura, akapfigira mitongo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?
10If He pass on, and shut up, and assemble, Who then dost reverse it?
11Nekuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.
11For he hath known men of vanity, And He seeth iniquity, And one doth not consider [it]!
12Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.
12And empty man is bold, And the colt of a wild ass man is born.
13Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari;
13If thou — thou hast prepared thy heart, And hast spread out unto Him thy hands,
14Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;
14If iniquity [is] in thy hand, put it far off, And let not perverseness dwell in thy tents.
15Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
15For then thou liftest up thy face from blemish, And thou hast been firm, and fearest not.
16Nekuti uchakangamwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura;
16For thou dost forget misery, As waters passed away thou rememberest.
17Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.
17And above the noon doth age rise, Thou fliest — as the morning thou art.
18Iwe uchasimba pamoyo, nekuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa.
18And thou hast trusted because their is hope, And searched — in confidence thou liest down,
19Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.
19And thou hast rested, And none is causing trembling, And many have entreated thy face;
20Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.
20And the eyes of the wicked are consumed, And refuge hath perished from them, And their hope [is] a breathing out of soul!