1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; nekuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa.
1A Psalm. Sing ye to Jehovah a new song, For wonders He hath done, Given salvation to Him hath His right hand and His holy arm.
2Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni.
2Jehovah hath made known His salvation, Before the eyes of the nations, He hath revealed His righteousness,
3Akarangarira tsitsi dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu.
3He hath remembered His kindness, And His faithfulness to the house of Israel, All ends of earth have seen the salvation of our God.
4Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.
4Shout to Jehovah, all the earth, Break forth, and cry aloud, and sing.
5Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba.
5Sing to Jehovah with harp, With harp, and voice of praise,
6Nehwamanda, nenzwi romumhanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.
6With trumpets, and voice of a cornet, Shout ye before the king Jehovah.
7Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo.
7Roar doth the sea and its fulness, The world and the inhabitants in it.
8Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;
8Floods clap hand, together hills cry aloud,
9Pamberi paJehovha, nekuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.
9Before Jehovah, For He hath come to judge the earth, He judgeth the world in righteousness, And the people in uprightness!