Shona

الكتاب المقدس (Van Dyke)

1 Corinthians

6

1Kune mumwe wenyu here unoti anemhosva neumwe ungatsunga kumumhan'arira kuna vasakarurama, akasamumhan'arira kuvatsvene?
1أيتجاسر منكم احد له دعوى على آخر ان يحاكم عند الظالمين وليس عند القديسين.
2Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, Hamuna kufanira kutonga mhosva duku-duku here?
2ألستم تعلمون ان القديسين سيدينون العالم. فان كان العالم يدان بكم افانتم غير مستاهلين للمحاكم الصغرى.
3Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu hwuno?
3ألستم تعلمون اننا سندين ملائكة فبالأولى امور هذه الحياة.
4Zvino kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu hwuno mudziise kuti vatonge avo vanozvidzwa pakereke.
4فان كان لكم محاكم في امور هذه الحياة فأجلسوا المحتقرين في الكنيسة قضاة.
5Ndinotaura kuti munyare. Ndizvo here kuti hakuna munhu wakachenjera pakati penyu, kana neumwe, ungagona kutonga pakati pehama nehama dzake?
5لتخجيلكم اقول. أهكذا ليس بينكم حكيم ولا واحد يقدر ان يقضي بين اخوته.
6Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.
6لكن الاخ يحاكم الاخ وذلك عند غير المؤمنين.
7Zvino naizvozvo patova nemhosva kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kukanganisirwa pakudaro? Munoregereiko kutenda kubiridzirwa pakudaro?
7فالآن فيكم عيب مطلقا لان عندكم محاكمات بعضكم مع بعض. لماذا لا تظلمون بالحري. لماذا لا تسلبون بالحري.
8Asi imwi munotadza nekubiridzira, izvozvi munozviita kuhama.
8لكن انتم تظلمون وتسلبون وذلك للاخوة.
9Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havangagari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana mbodza, kana vanorara navamwe varume,
9ام لستم تعلمون ان الظالمين لا يرثون ملكوت الله. لا تضلوا. لا زناة ولا عبدة اوثان ولا فاسقون ولا مأبونون ولا مضاجعو ذكور
10kana mbavha, kana vachivi, kana zvidhakwa, kana vanyombi, kana makororo, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.
10ولا سارقون ولا طماعون ولا سكيرون ولا شتامون ولا خاطفون يرثون ملكوت الله.
11vamwe venyu vakange vakaita seizvozvo; asi imwi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.
11وهكذا كان اناس منكم. لكن اغتسلتم بل تقدستم بل تبررتم باسم الرب يسوع وبروح الهنا
12Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvibatsiri. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri asi handitongwi nechinhu.
12كل الاشياء تحل لي لكن ليس كل الاشياء توافق. كل الاشياء تحل لي لكن لا يتسلط علي شيء.
13chikafu ndechedumbu, nedumbu nderechikafu; asi Mwari uchaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupomhwe, asi waIshe, naIshe vemuviri;
13الاطعمة للجوف والجوف للاطعمة والله سيبيد هذا وتلك. ولكن الجسد ليس للزنا بل للرب والرب للجسد.
14Uye Mwari wakamutsa Ishe uye uchatimutsa isu nesimba rake.
14والله قد اقام الرب وسيقيمنا نحن ايضا بقوته.
15Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!
15ألستم تعلمون ان اجسادكم هي اعضاء المسيح. أفآخذ اعضاء المسيح واجعلها اعضاء زانية. حاشا.
16Ko hamuzivi kuti wakabatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nekuti ava vaviri, unoti, vachava nyama imwe.
16ام لستم تعلمون ان من التصق بزانية هو جسد واحد لانه يقول يكون الاثنان جسدا واحدا.
17Asi wakabatanidzwa naIshe, wava mweya umwe naye.
17واما من التصق بالرب فهو روح واحد.
18Tizai upombwe. Chivi chose munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi unoita upomhwe unotadzira muviri wake amene.
18اهربوا من الزنى. كل خطية يفعلها الانسان هي خارجة عن الجسد. لكن الذي يزني يخطئ الى جسده.
19Ko hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene, uri mamuri, wamunawo uchibva kuna Mwari, uye imwi hamuzi venyu?
19ام لستم تعلمون ان جسدكم هو هيكل للروح القدس الذي فيكم الذي لكم من الله وانكم لستم لانفسكم.
20Nekuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu uye mumweya wenyu iri yaMwari.
20لانكم قد اشتريتم بثمن. فمجّدوا الله في اجسادكم وفي ارواحكم التي هي لله