1Vana vangu vaduku, zvinhu izvi ndinokunyorerai kuti musatadza. Uye kana munhu achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;
1يا اولادي اكتب اليكم هذا لكي لا تخطئوا. وان اخطأ احد فلنا شفيع عند الآب يسوع المسيح البار
2ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; uye kwete wezvedu chete, asiwo wezvenyika yose.
2وهو كفارة لخطايانا. ليس لخطايانا فقط بل لخطايا كل العالم ايضا
3Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinomuziva kana tichichengeta mirairo yake.
3وبهذا نعرف اننا قد عرفناه ان حفظنا وصاياه.
4Uyo unoti: Ndinomuziva asi asingachengeti mirairo yake murevi wenhema, nechokwadi hachizi maari;
4من قال قد عرفته وهو لا يحفظ وصاياه فهو كاذب وليس الحق فيه.
5asi ani nani unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;
5واما من حفظ كلمته فحقا في هذا قد تكملت محبة الله. بهذا نعرف اننا فيه.
6uyo unoti unogara maari unofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iye.
6من قال انه ثابت فيه ينبغي انه كما سلك ذاك هكذا يسلك هو ايضا.
7Hama dzangu, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo musharu wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo musharu ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.
7ايها الاخوة لست اكتب اليكم وصية جديدة بل وصية قديمة كانت عندكم من البدء. الوصية القديمة هي الكلمة التي سمعتموها من البدء.
8Ndinopamhazve kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nekuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chovhenekera.
8ايضا وصية جديدة اكتب اليكم ما هو حق فيه وفيكم ان الظلمة قد مضت والنور الحقيقي الآن يضيء.
9Uyo unoti uri muchiedza, asi achivenga hama yake uchiri murima kusvikira zvino.
9من قال انه في النور وهو يبغض اخاه فهو الى الآن في الظلمة.
10Uyo unoda hama yake unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.
10من يحب اخاه يثبت في النور وليس فيه عثرة.
11Asi uyo unovenga hama yake uri murima, iye unofamba murima haazivi kwaanoenda, nekuti rima rakapofumadza meso ake.
11واما من يبغض اخاه فهو في الظلمة وفي الظلمة يسلك ولا يعلم اين يمضي لان الظلمة اعمت عينيه
12Ndinonyora kwamuri, vana vaduku, nekuti zvivi zvenyu makazvikangamwirwa nekuda kwezita rake.
12اكتب اليكم ايها الاولاد لانه قد غفرت لكم الخطايا من اجل اسمه
13Ndinonyora kwamuri madzibaba, nekuti makamuziva iye wakavapo kubva pakutanga. Ndinonyora kwamuri, majaya, nekuti makakunda wakaipa. Ndinonyora kwamuri vana vaduku, nekuti makaziva Baba.
13اكتب اليكم ايها الآباء لانكم قد عرفتم الذي من البدء. اكتب اليكم ايها الاحداث لانكم قد غلبتم الشرير. اكتب اليكم ايها الاولاد لانكم قد عرفتم الآب.
14Ndanyora kwamuri, madzibaba, nekuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, majaya, nekuti makasimba uye shoko raMwari rinogara mamuri zvekare mukakunda wakaipa.
14كتبت اليكم ايها الآباء لانكم قد عرفتم الذي من البدء. كتبت اليكم ايها الاحداث لانكم اقوياء وكلمة الله ثابتة فيكم وقد غلبتم الشرير.
15Musada nyika kunyange zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba harusi maari.
15لا تحبوا العالم ولا الاشياء التي في العالم. ان احب احد العالم فليست فيه محبة الآب.
16Nekuti zvose zviri munyika, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza koupenyu hazvibvi kuna Baba asi zvinobva panyika.
16لان كل ما في العالم شهوة الجسد وشهوة العيون وتعظم المعيشة ليس من الآب بل من العالم.
17Uye nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.
17والعالم يمضي وشهوته واما الذي يصنع مشيئة الله فيثبت الى الابد
18Vana vaduku, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu uchauya, nazvino vapikisi waKristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.
18ايها الاولاد هي الساعة الاخيرة. وكما سمعتم ان ضد المسيح يأتي قد صار الآن اضداد للمسيح كثيرون. من هنا نعلم انها الساعة الاخيرة
19Vakabuda kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nekuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti vose havasi vedu.
19منا خرجوا لكنهم لم يكونوا منا لانهم لو كانوا منا لبقوا معنا لكن ليظهروا انهم ليسوا جميعهم منا.
20Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvose.
20واما انتم فلكم مسحة من القدوس وتعلمون كل شيء.
21Handina kukunyorerai nekuti hamuzivi chokwadi, asi nekuti munochiziva, uye nekuti hakuna nhema dzingabva pachokwadi.
21لم اكتب اليكم لانكم لستم تعلمون الحق بل لانكم تعلمونه وان كل كذب ليس من الحق.
22Ndianiko murevi wenhema kunze kwaiye unoramba kuti Jesu ndiKristu? Ndiye mupikisi waKristu, unoramba Baba noMwanakomana.
22من هو الكذاب الا الذي ينكر ان يسوع هو المسيح. هذا هو ضد المسيح الذي ينكر الآب والابن.
23Ani nani unoramba Mwanakomana, ndiye usina Baba, asi unobvuma Mwanakomana una Babawo.
23كل من ينكر الابن ليس له الآب ايضا ومن يعترف بالابن فله الآب ايضا
24Kana muri imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri, nemwiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba.
24اما انتم فما سمعتموه من البدء فليثبت اذا فيكم. ان ثبت فيكم ما سمعتموه من البدء فانتم ايضا تثبتون في الابن وفي الآب.
25Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa upenyu hwusingaperi.
25وهذا هو الوعد الذي وعدنا هو به الحياة الابدية.
26Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
26كتبت اليكم هذا عن الذين يضلونكم.
27Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye kunyange sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.
27واما انتم فالمسحة التي اخذتموها منه ثابتة فيكم ولا حاجة بكم الى ان يعلّمكم احد بل كما تعلّمكم هذه المسحة عينها عن كل شيء وهي حق وليست كذبا. كما علّمتكم تثبتون فيه
28Uye ikozvino, vana vaduku, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tirege kunyara pamberi pake pakuvuya kwake.
28والآن ايها الاولاد اثبتوا فيه حتى اذا أظهر يكون لنا ثقة ولا نخجل منه في مجيئه.
29Kana muchiziva kuti iye wakarurama, imwi zivaiwo kuti umwe neumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.
29ان علمتم انه بار هو فاعلموا ان كل من يصنع البر مولود منه