Shona

الكتاب المقدس (Van Dyke)

1 John

4

1Vadiwa, musatenda mweya yose yose, asi muidze mweya, kuti yakabva kuna Mwari here; nekuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
1ايها الاحباء لا تصدقوا كل روح بل امتحنوا الارواح هل هي من الله لان انبياء كذبة كثيرين قد خرجوا الى العالم.
2Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya umwe neumwe unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya munyama unobva kuna Mwari.
2بهذا تعرفون روح الله. كل روح يعترف بيسوع المسيح انه قد جاء في الجسد فهو من الله.
3Mweya umwe neumwe usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi kuna Mwari; uye uyu ndiye uya womupikisi waKristu wamakanzwa kuti unouya nazvino watova panyika.
3وكل روح لا يعترف بيسوع المسيح انه قد جاء في الجسد فليس من الله. وهذا هو روح ضد المسيح الذي سمعتم انه يأتي والآن هو في العالم.
4Imwi muri vaMwari vana vaduku, uye makavakunda, nekuti uyo uri mamuri mukuru kuna iye uri munyika.
4انتم من الله ايها الاولاد وقد غلبتموهم لان الذي فيكم اعظم من الذي في العالم.
5Ivo ndevenyika; naizvozvo vanotaura zvinobva kunyika, uye nyika inovanzwa.
5هم من العالم. من اجل ذلك يتكلمون من العالم والعالم يسمع لهم.
6Isu tiri vaMwari; uyo unoziva Mwari unotinzwa; usi waMwari haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi nomweya wokutsauka.
6نحن من الله فمن يعرف الله يسمع لنا ومن ليس من الله لا يسمع لنا. من هذا نعرف روح الحق وروح الضلال.
7Vadiwa, ngatidanane; nekuti rudo runobva kuna Mwari, uye umwe neumwe unoda wakaberekwa naMwari, zvekare unoziva Mwari.
7ايها الاحباء لنحب بعضنا بعضا لان المحبة هي من الله وكل من يحب فقد ولد من الله ويعرف الله.
8Usingadi, haazivi Mwari, nekuti Mwari rudo.
8ومن لا يحب لم يعرف الله لان الله محبة.
9Naizvozvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.
9بهذا أظهرت محبة الله فينا ان الله قد ارسل ابنه الوحيد الى العالم لكي نحيا به.
10Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikunuro rwezvivi zvedu.
10في هذه هي المحبة ليس اننا نحن احببنا الله بل انه هو احبنا وارسل ابنه كفارة لخطايانا
11Vadiwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanirawo kudanana.
11ايها الاحباء ان كان الله قد احبنا هكذا ينبغي لنا ايضا ان يحب بعضنا بعضا.
12Hakuna munhu wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari unogara matiri uye norudo rwake rwunoperedzerwa matiri.
12الله لم ينظره احد قط. ان احب بعضنا بعضا فالله يثبت فينا ومحبته قد تكملت فينا.
13Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nekuti wakatipa zvemweya wake.
13بهذا نعرف اننا نثبت فيه وهو فينا انه قد اعطانا من روحه.
14Isu takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.
14ونحن قد نظرنا ونشهد ان الآب قد ارسل الابن مخلّصا للعالم.
15Ani nani unobvuma kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye muna Mwari.
15من اعترف ان يسوع هو ابن الله فالله يثبت فيه وهو في الله.
16Nesu takaziva tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; uye unogara murudo unogara muna Mwari, naMwari maari.
16ونحن قد عرفنا وصدقنا المحبة التي للّه فينا. الله محبة ومن يثبت في المحبة يثبت في الله والله فيه.
17Rudo rwakapedzeredzwa nesu pachinhu ichi, kuti tive neushingi nezuva rekutongwa; nekuti sezvaari iye, ndizvo zvatiriwo panyika ino.
17بهذا تكملت المحبة فينا ان يكون لنا ثقة في يوم الدين لانه كما هو في هذا العالم هكذا نحن ايضا.
18Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera runodzinga kutya, nekuti kutya kune marwadzo, unotya haana kuperedzerwa parudo.
18لا خوف في المحبة بل المحبة الكاملة تطرح الخوف الى خارج لان الخوف له عذاب واما من خاف فلم يتكمل في المحبة.
19Isu tinomuda, nekuti iye wakatanga kutida.
19نحن نحبه لانه هو احبنا اولا.
20Kana munhu achiti: Ndinoda Mwari asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nekuti uyo usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari waasina kuona?
20ان قال احد اني احب الله وابغض اخاه فهو كاذب. لان من لا يحب اخاه الذي ابصره كيف يقدر ان يحب الله الذي لم يبصره.
21Iwoyu murairo tinawo unobva kwaari, kuti unoda Mwari ngaadewo hama yake.
21ولنا هذه الوصية منه ان من يحب الله يحب اخاه ايضا