Shona

الكتاب المقدس (Van Dyke)

Acts

18

1Shure kwezvinhu izvi, Pauro wakabva Atene akasvika Korinde;
1وبعد هذا مضى بولس من اثينا وجاء الى كورنثوس‎.
2akawana umwe muJudha wainzi Akwira nezita, wePonto, achibva Itaria, naPrisira mukadzi wake; nekuti Kraudhio wakange araira kuti vaJudha vose vabve Roma, akaenda kwavari;
2‎فوجد يهوديا اسمه اكيلا بنطي الجنس كان قد جاء حديثا من ايطالية وبريسكلا امراته. لان كلوديوس كان قد امر ان يمضي جميع اليهود من رومية. فجاء اليهما‎.
3zvino zvaakange ari webasa rimwe navo, wakagara navo vachibata; nekuti vaiva vagadziri vematende pabasa ravo.
3‎ولكونه من صناعتهما اقام عندهما وكان يعمل لانهما كانا في صناعتهما خياميّين‎.
4sabata rimwe nerimwe waiparidza musinagoge, achikumbirisa vaJudha nevaGiriki.
4‎وكان يحاج في المجمع كل سبت ويقنع يهودا ويونانيين‎.
5Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa mumweya, akapupura kuvaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.
5‎ولما انحدر سيلا وتيموثاوس من مكدونية كان بولس منحصرا بالروح وهو يشهد لليهود بالمسيح يسوع‎.
6Zvino vakati vachimupikisa nekunyomba, akazuza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.
6‎واذ كانوا يقاومون ويجدفون نفض ثيابه وقال لهم دمكم على رؤوسكم. انا بري. من الآن اذهب الى الامم‎.
7Akabva ipapo akapinda mumba meumwe, wainzi Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.
7‎فانتقل من هناك وجاء الى بيت رجل اسمه يوستس كان متعبدا لله وكان بيته ملاصقا للمجمع‎.
8NaKrispo mutungamiriri mukuru wesinagoge akatenda kuna Ishe neimba yake yose; nevazhinji vevaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
8‎وكريسبس رئيس المجمع آمن بالرب مع جميع بيته. وكثيرون من الكورنثيين اذ سمعوا آمنوا واعتمدوا
9Zvino Ishe akataura kuna Pauro usiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;
9فقال الرب لبولس برؤيا في الليل لا تخف بل تكلم ولا تسكت‎.
10nekuti ini ndinewe, hapana munhu ungakumukira kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.
10‎لاني انا معك ولا يقع بك احد ليؤذيك. لان لي شعبا كثيرا في هذه المدينة‎.
11Akagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
11‎فاقام سنة وستة اشهر يعلّم بينهم بكلمة الله
12Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pachigaro chekutonga,
12ولما كان غاليون يتولى اخائية قام اليهود بنفس واحدة على بولس وأتوا به الى كرسي الولاية
13vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.
13قائلين ان هذا يستميل الناس ان يعبدوا الله بخلاف الناموس‎.
14Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama kana kunyengera kwakaipa, imwi maJudha ndaifanira kuva nemoyo murefu kwamuri;
14‎واذ كان بولس مزمعا ان يفتح فاه قال غاليون لليهود لو كان ظلما او خبثا رديّا ايها اليهود لكنت بالحق قد احتملتكم‎.
15asi kana dziri nharo pamusoro pemashoko nemazita nemurairo wenyu, zvionerei imwi; nekuti ini handidi kuva mutongi waizvozvo.
15‎ولكن اذا كان مسئلة عن كلمة واسماء وناموسكم فتبصرون انتم‎. ‎لاني لست اشاء ان اكون قاضيا لهذه الامور‎.
16Akavadzinga pachigaro chekutonga.
16‎فطردهم من الكرسي‎.
17Zvino vaGiriki vose vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.
17‎فاخذ جميع اليونانيين سوستانيس رئيس المجمع وضربوه قدام الكرسي ولم يهم غاليون شيء من ذلك
18Pauro wakati agara mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda Siria, anaPrisira naAkwira, aveura musoro paKenikirea, nekuti wakange ane mhiko.
18واما بولس فلبث ايضا اياما كثيرة ثم ودع الاخوة وسافر في البحر الى سورية ومعه بريسكلا واكيلا بعدما حلق راسه في كنخريا. لانه كان عليه نذر‎.
19Zvino wakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana nevaJudha.
19‎فاقبل الى افسس وتركهما هناك. واما هو فدخل المجمع وحاج اليهود.
20Zvino vakati vachimukumbira kugara navo nguva refu, haana rutendo;
20واذ كانوا يطلبون ان يمكث عندهم زمانا اطول لم يجب‎.
21asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzose kuchengetedza mutambo uyu unouya muJerusarema; asi ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.
21‎بل ودعهم قائلا ينبغي على كل حال ان اعمل العيد القادم في اورشليم. ولكن سارجع اليكم ايضا ان شاء الله. فاقلع من افسس‎.
22Zvino wakati asvika Kesariya akakwira akakwazisa kereke, akaburukira Andiyokiya.
22‎ولما نزل في قيصرية صعد وسلم على الكنيسة ثم انحدر الى انطاكية.
23Wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
23وبعدما صرف زمانا خرج واجتاز بالتتابع في كورة غلاطية وفريجية يشدد جميع التلاميذ
24Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muArekisandira nekuzvarwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso;
24ثم اقبل الى افسس يهودي اسمه أبلوس اسكندري الجنس رجل فصيح مقتدر في الكتب‎.
25Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete.
25‎كان هذا خبيرا في طريق الرب وكان وهو حار بالروح يتكلم ويعلّم بتدقيق ما يختص بالرب عارفا معمودية يوحنا فقط‎.
26Iye akatanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.
26‎وابتدأ هذا يجاهر في المجمع. فلما سمعه اكيلا وبريسكلا اخذاه اليهما وشرحا له طريق الرب باكثر تدقيق‎.
27Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.
27‎واذ كان يريد ان يجتاز الى اخائية كتب الاخوة الى التلاميذ يحضونهم ان يقبلوه. فلما جاء ساعد كثيرا بالنعمة الذين كانوا قد آمنوا‎.
28Nekuti wakapikisa vaJudha nesimba pachena akakunda, achiratidza nemagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.
28‎لانه كان باشتداد يفحم اليهود جهرا مبينا بالكتب ان يسوع هو المسيح