Shona

الكتاب المقدس (Van Dyke)

Daniel

4

1Mambo Nebhukadhinezari kuvanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere pasi pose, rugare rwenyu rwupamhidzirwe!
1من نبوخذناصّر الملك الى كل الشعوب والامم والألسنة الساكنين في الارض كلها ليكثر سلامكم.
2Ndakati zvakanaka kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvishamiso, zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.
2الآيات والعجائب التي صنعها معي الله العلي حسن عندي ان اخبر بها.
3Zviratidzo zvake zvakakura sei! Zvishamiso zvake zvine simba guru sei! Ushe hwake ushe husingaperi, kubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi.
3آياته ما اعظمها وعجائبه ما اقواها. ملكوته ملكوت ابدي وسلطانه الى دور فدور
4Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndakazorora norugare mumba mangu, ndakajeka muimba yangu youshe.
4انا نبوخذناصّر قد كنت مطمئنا في بيتي وناضرا في قصري.
5Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhovo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza.
5رأيت حلما فروّعني والافكار على فراشي ورؤى راسي افزعتني.
6Naizvozvo ndakatema chirevo kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu, kuti vandizivise kududzirwa kokurota.
6فصدر مني امر باحضار جميع حكماء بابل قدامي ليعرفوني بتعبير الحلم.
7Ipapo vakachenjera nen'anga navaKaradhea navafemberi vakuya, ndikavaudza kurota kwangu, asi havana kundizivisa kududzirwa kwazvo.
7حينئذ حضر المجوس والسحرة والكلدانيون والمنجمون وقصصت الحلم عليهم فلم يعرفوني بتعبيره.
8Asi pakupedzisira Dhanyeri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti,
8اخيرا دخل قدامي دانيال الذي اسمه بلطشاصر كاسم الهي والذي فيه روح الآلهة القدوسين فقصصت الحلم قدامه
9Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakavanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.
9يا بلطشاصر كبير المجوس من حيث اني اعلم ان فيك روح الآلهة القدوسين ولا يعسر عليك سرّ فاخبرني برؤى حلمي الذي رايته وبتعبيره.
10Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhovo dzangu, ndezvizvi: Ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru.
10فرؤى راسي على فراشي هي اني كنت ارى فاذا بشجرة في وسط الارض وطولها عظيم.
11Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakange uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose.
11فكبرت الشجرة وقويت فبلغ علوها الى السماء ومنظرها الى اقصى كل الارض.
12Mashizha awo akanga akanaka, nemichero yawo yakanga iri mizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo.
12اوراقها جميلة وثمرها كثير وفيها طعام للجميع وتحتها استظل حيوان البر وفي اغصانها سكنت طيور السماء وطعم منها كل البشر.
13Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhovo dzangu, ndikaona mutumwa, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga.
13كنت ارى في رؤى راسي على فراشي واذا بساهر وقدوس نزل من السماء
14Akadanidzira, akati, Temai muti, dimurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai michero yawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo.
14فصرخ بشدة وقال هكذا. اقطعوا الشجرة واقضبوا اغصانها وانثروا اوراقها وابذروا ثمرها ليهرب الحيوان من تحتها والطيور من اغصانها.
15Asi siyai hunde nemidzi yawo muvhu, zvakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoroveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwechete nemhuka dzenyika;
15ولكن اتركوا ساق اصلها في الارض وبقيد من حديد ونحاس في عشب الحقل وليبتلّ بندى السماء وليكن نصيبه مع الحيوان في عشب الحقل
16mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo.
16ليتغيّر قلبه عن الانسانية وليعط قلب حيوان ولتمضي عليه سبعة ازمنة.
17Kutonga uku kwauya nechirevo chavachengeti, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wekumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anohupa waanoda, nokugadza pauri vaduku pakati pavanhu.
17هذا الأمر بقضاء الساهرين والحكم بكلمة القدوسين لكي تعلم الاحياء ان العلي متسلط في مملكة الناس فيعطيها من يشاء وينصب عليها ادنى الناس.
18Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nekuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.
18هذا الحلم رأيته انا نبوخذناصّر الملك. اما انت يا بلطشاصر فبيّن تعبيره لان كل حكماء مملكتي لا يستطيعون ان يعرفوني بالتعبير. اما انت فتستطيع لان فيك روح الآلهة القدوسين
19Zvino Dhanyeri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa. Bheteshazari akapindura, akati, Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu.
19حينئذ تحيّر دانيال الذي اسمه بلطشاصر ساعة واحدة وافزعته افكاره. اجاب الملك وقال يا بلطشاصر لا يفزعك الحلم ولا تعبيره. فاجاب بلطشاصر وقال يا سيدي الحلم لمبغضيك وتعبيره لاعاديك.
20Muti wamakaona, iwo wakakura ukasimba, wakasvika kudenga pakureba kwawo, wakange uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose;
20الشجرة التي رأيتها التي كبرت وقويت وبلغ علوها الى السماء ومنظرها الى كل الارض
21wakange una mashizha akanaka, nemuchero wawo uri muzhinji, paiwana zvose zvokudya, waigara mhuka dzesango pasi pawo, uye paigara shiri dzokudenga mumatavi awo,
21واوراقها جميلة وثمرها كثير وفيها طعام للجميع وتحتها سكن حيوان البر وفي اغصانها سكنت طيور السماء
22ndiyemi mambo; imwi makakura, mukava nesimba, nekuti ukuru bwenyu hwakakura, hunosvikira kudenga, uye ushe bwenyu hunosvikira kumugumo wenyika.
22انما هي انت يا ايها الملك الذي كبرت وتقويت وعظمتك قد زادت وبلغت الى السماء وسلطانك الى اقصى الارض.
23Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;
23وحيث رأى الملك ساهرا وقدوسا نزل من السماء وقال اقطعوا الشجرة واهلكوها ولكن اتركوا ساق اصلها في الارض وبقيد من حديد ونحاس في عشب الحقل وليبتلّ بندى السماء وليكن نصيبه مع حيوان البر حتى تمضي عليه سبعة ازمنة.
24uku ndiko kududzirwa kwazvo, imwi mambo, ndicho chirevo cheWekumusoro-soro, chichauya pamusoro pashe wangu mambo.
24فهذا هو التعبير ايها الملك وهذا هو قضاء العلي الذي يأتي على سيدي الملك.
25Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro bwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wekumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.
25يطردونك من بين الناس وتكون سكناك مع حيوان البر ويطعمونك العشب كالثيران ويبلونك بندى السماء فتمضي عليك سبعة ازمنة حتى تعلم ان العلي متسلط في مملكة الناس ويعطيها من يشاء.
26Uye zvavakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiiwe ushe bwenyu bwuchakumutsiraizve , kana matenda kuti Wokudenga ndiye unobata ushe.
26وحيث أمروا بترك ساق اصول الشجرة فان مملكتك تثبت لك عندما تعلم ان السماء سلطان.
27Naizvozvo imwi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.
27لذلك ايها الملك فلتكن مشورتي مقبولة لديك وفارق خطاياك بالبر وآثامك بالرحمة للمساكين لعله يطال اطمئنانك
28Izvozvi zvose zvakawira mambo Nebhukadhinezari.
28كل هذا جاء على نبوخذناصّر الملك.
29Mwedzi ine gumi nemiviri yakati yapera, akanga achifamba paimba youshe muBhabhironi.
29عند نهاية اثني عشر شهرا كان يتمشى على قصر مملكة بابل.
30Mambo akataura, akati, Ko iri harizi Bhabhironi guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve hugaro hwamadzimambo, here?
30واجاب الملك فقال أليست هذه بابل العظيمة التي بنيتها لبيت الملك بقوة اقتداري ولجلال مجدي.
31Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, Ushe hwabva kwauri.
31والكلمة بعد في فم الملك وقع صوت من السماء قائلا لك يقولون يا نبوخذناصّر الملك ان الملك قد زال عنك
32Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wekumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.
32ويطردونك من بين الناس وتكون سكناك مع حيوان البر ويطعمونك العشب كالثيران فتمضي عليك سبعة ازمنة حتى تعلم ان العلي متسلط في مملكة الناس وانه يعطيها من يشاء
33Nenguva iyo chinhu ichi chakaitikapamusoro paNebhukadhinezari; wakadzingwa pakati pavanhu, akadya uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri.
33في تلك الساعة تم الأمر على نبوخذناصّر فطرد من بين الناس واكل العشب كالثيران وابتلّ جسمه بندى السماء حتى طال شعره مثل النسور واظفاره مثل الطيور
34Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wekumusoro-soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nekuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi;
34وعند انتهاء الايام انا نبوخذناصّر رفعت عينيّ الى السماء فرجع اليّ عقلي وباركت العلي وسبحت وحمدت الحي الى الابد الذي سلطانه سلطان ابدي وملكوته الى دور فدور.
35vose vagere panyika vakaita sapasina; iye anoita sezvaanoda pahondo yokudenga, napakati pavagere panyika; hakuna angadzora ruoko rwake, kana angati kwaari, Unoiteiko?
35وحسبت جميع سكان الارض كلا شيء وهو يفعل كما يشاء في جند السماء وسكان الارض ولا يوجد من يمنع يده او يقول له ماذا تفعل.
36Nenguva iyeyo simba rangu rokufunga rakadzokera kwandiri; uye kana iri mbiri youshe hwangu, umambo hwangu nokubwinya kwangu zvakadzokera kwandiri; makurukota angu namadzishe angu akandishanyirazve, ndikagadzwazve paushe hwangu, ukuru hwakaisvonaka hukawedzerwa.
36في ذلك الوقت رجع اليّ عقلي وعاد اليّ جلال مملكتي ومجدي وبهائي وطلبني مشيريّ وعظمائي وتثبّت على مملكتي وازدادت لي عظمة كثيرة.
37Zvino ini ebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nekuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.
37فالآن انا نبوخذناصّر اسبح واعظم واحمد ملك السماء الذي كل اعماله حق وطرقه عدل ومن يسلك بالكبرياء فهو قادر على ان يذلّه