1Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro paGogi, uti, zvanzi nalshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi, naMesheki naTubhari;
1وانت يا ابن آدم تنبأ على جوج وقل. هكذا قال السيد الرب. هانذا عليك يا جوج رئيس روش ماشك وتوبال.
2ndichakutendeusa, ndikusiire zvikamu zviviri zvetanhatu nokukutungamirira, nokukuuyisa uchibva kumativi okumusoro-soro; ndichakusvitsa pamakomo aIsiraeri;
2واردك واقودك واصعدك من اقاصي الشمال وآتي بك على جبال اسرائيل
3Ndicharova uta hwako hubve muruoko rwako rworuboshwe, nokuwisira pasi miseve yako iri muruoko rwako rworudyi.
3واضرب قوسك من يدك اليسرى واسقط سهامك من يدك اليمنى.
4Uchaparadzwa pamakomo aIsiraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi avanhu anewe; ndichakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, nezvikara zvesango, kuti udyiwe nazvo.
4فتسقط على جبال اسرائيل انت وكل جيشك والشعوب الذين معك. ابذلك مأكلا للطيور الكاسرة من كل نوع ولوحوش الحقل.
5Uchawira pakachena pabani; nekuti ini ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
5على وجه الحقل تسقط لاني تكلمت يقول السيد الرب.
6Ndichatuma moto kuna Magogi, nokuna vagere zvakanaka pazviwi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
6وارسل نارا على ما جوج وعلى الساكنين في الجزائر آمنين فيعلمون اني انا الرب.
7Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsiraeri; handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha, iye Mutsvene waIsiraeri.
7واعرّف باسمي المقدس في وسط شعبي اسرائيل ولا ادع اسمي المقدس ينجّس بعد فتعلم الامم اني انا الرب قدوس اسرائيل
8Tarirai, zvinouya, zvichaitwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndiro zuva randareva.
8ها هو قد أتى وصار يقول السيد الرب. هذا هو اليوم الذي تكلمت عنه.
9Vagere mumaguta aIsiraeri vachabuda, vachavesa moto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, zvinoti nhovo duku nenhovo huru, nouta nemiseve, netsvimbo namapfumo; vachavesa moto nazvo vachiita makore manomwe;
9ويخرج سكان مدن اسرائيل ويشعلون ويحرقون السلاح والمجان والاتراس والقسي والسهام والحراب والرماح ويوقدون بها النار سبع سنين.
10naizvozvo havangandotori huni kusango, kana kundodzitema kumatondo, nekuti vachavesa moto nenhumbi dzokurwa; vachaparadza vaivaparadza, nokupamba vaivapamba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10فلا يأخذون من الحقل عودا ولا يحتطبون من الوعور لانهم يحرقون السلاح بالنار وينهبون الذين نهبوهم ويسلبون الذين سلبوهم يقول السيد الرب.
11Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, Hamonigogi
11ويكون في ذلك اليوم اني اعطي جوجا موضعا هناك للقبر في اسرائيل ووادي عباريم بشرقي البحر فيسد نفس العابرين وهناك يدفنون جوجا وجمهوره كله ويسمونه وادي جمهور جوج.
12Imba yalsiraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga, kuti vanatse nyika.
12ويقبرهم بيت اسرائيل ليطهّروا الارض سبعة اشهر.
13Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga, ichava mbiri kwavari nezuva randichakudzwa naro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13كل شعب الارض يقبرون ويكون لهم يوم تمجيدي مشهورا يقول السيد الرب.
14Uye vachatsaura vanhu vanobata basa misi yose, vachapota nenyika pamwechete navanogaropfuura napo, vachiviga vakasiiwa pachena, kuti vanatse nyika; kana mwedzi minomwe yapera vachacherekedza pose.
14ويفرزون اناسا مستديمين عابرين في الارض قابرين مع العابرين اولئك الذين بقوا على وجه الارض تطهيرا لها. بعد سبعة اشهر يفحصون
15Vanopfuura napanyika vachapfuura havo; zvino ani naani kana achinge achiona pfupa romunhu, achaisapo chiratidzo, kusvikira vavigi vachiriviga mumupata waHamonigogi.
15فيعبر العابرون في الارض واذا راى احد عظم انسان يبني بجانبه صوّة حتى يقبره القابرون في وادي جمهور جوج ــ
16Hamoni richava zitawo reguta. Saizvozvo vachanatsa nyika.
16وايضا اسم المدينة همونة ــ فيطهّرون الارض
17Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokumwa ropa.
17وانت يا ابن آدم فهكذا قال السيد الرب. قل لطائر كل جناح ولكل وحوش البر اجتمعوا وتعالوا احتشدوا من كل جهة الى ذبيحتي التي انا ذابحها لكم ذبيحة عظيمة على جبال اسرائيل لتاكلوا لحما وتشربوا دما.
18Muchadya nyama yavane simba, nokumwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
18تأكلون لحم الجبابرة وتشربون دم رؤساء الارض كباش وحملان واعتدة وثيران كلها من مسمنات باشان.
19Muchadya zvakakora kusvikira maguta, nokumwa ropa kusvikira mabatwa, zvechibayiro chandakakubayirai.
19وتأكلون الشحم الى الشبع وتشربون الدم الى السكر من ذبيحتي التي ذبحتها لكم.
20Muchaguta patafura rangu namabhiza nengoro, navanhu vane simba, navarwi vamarudzi ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20فتشبعون على مائدتي من الخيل والمركبات والجبابرة وكل رجال الحرب يقول السيد الرب.
21Ndichaisa mbiri yangu pakati pamarudzi avanhu, marudzi ose achaona kutonga kwandakaita, noruoko rwangu rwandakaisa pamusoro pavo.
21واجعل مجدي في الامم وجميع الامم يرون حكمي الذي اجريته ويدي التي جعلتها عليهم.
22Naizvozvo imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi.
22فيعلم بيت اسرائيل اني انا الرب الههم من ذلك اليوم فصاعدا.
23Marudzi ose achaziva kuti imba yaIsiraeri yakatapwa nokuda kwezvakaipa zvavo, nekuti vakandidarikira, ndikavavanzira chiso changu; naizvozvo ndakavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakaparadzwa vose nomunondo.
23وتعلم الامم ان بيت اسرائيل قد أجلوا باثمهم لانهم خانوني فحجبت وجهي عنهم وسلمتهم ليد مضايقيهم فسقطوا كلهم بالسيف.
24Ndakavaitira zvakafanira kusanaka kwavo nokudarika kwavo, ndikavavanzira chiso changu.,
24كنجاستهم وكمعاصيهم فعلت معهم وحجبت وجهي عنهم
25Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJakove, nokunzwira imba yose yaIsiraeri nyasha; ndichashingairira zita rangu dzvene.
25لذلك هكذا قال السيد الرب. الآن ارد سبي يعقوب وارحم كل بيت اسرائيل واغار على اسمي القدوس.
26Vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo neyokudarika kwavo kwavakandidarikira nako, kana vachizogara zvakanaka munyika yavo, kusina anozovatyisa;
26فيحملون خزيهم وكل خيانتهم التي خانوني اياها عند سكنهم في ارضهم مطمئنين ولا مخيف.
27kana ndavadzosa kumarudzi avanhu, nokuvaunganidza kunyika dzavavengi vavo, ndikazviita mutsvene pamberi pamarudzi mazhinji.
27عند ارجاعي اياهم من الشعوب وجمعي اياهم من اراضي اعدائهم وتقديسي فيهم امام عيون امم كثيرين
28Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, zvandakavatapisa pakati pamarudzi, ndikavaunganidzirazve munyika yavo; handingatongozosii mumwe wavopo;
28يعلمون اني انا الرب الههم باجلائي اياهم الى الامم ثم جمعهم الى ارضهم. ولا اترك بعد هناك احدا منهم
29uye handingazovavanziri chiso changu; nekuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
29ولا احجب وجهي عنهم بعد لاني سكبت روحي على بيت اسرائيل يقول السيد الرب