Shona

الكتاب المقدس (Van Dyke)

John

20

1Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
1وفي اول الاسبوع جاءت مريم المجدلية الى القبر باكرا والظلام باق فنظرت الحجر مرفوعا عن القبر.
2Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
2فركضت وجاءت الى سمعان بطرس والى التلميذ الآخر الذي كان يسوع يحبه وقالت لهما اخذوا السيد من القبر ولسنا نعلم اين وضعوه.
3Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
3فخرج بطرس والتلميذ الآخر وأتيا الى القبر.
4Zvino vakamhanya vari vaviri pamwechete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
4وكان الاثنان يركضان معا. فسبق التلميذ الآخر بطرس وجاء اولا الى القبر
5Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
5وانحنى فنظر الاكفان موضوعة ولكنه لم يدخل.
6Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
6ثم جاء سمعان بطرس يتبعه ودخل القبر ونظر الاكفان موضوعة
7nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo woga.
7والمنديل الذي كان على راسه ليس موضوعا مع الاكفان بل ملفوفا في موضع وحده.
8Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
8فحينئذ دخل ايضا التلميذ الآخر الذي جاء اولا الى القبر ورأى فآمن.
9nekuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti unofanira kumuka kuvakafa.
9لانهم لم يكونوا بعد يعرفون الكتاب انه ينبغي ان يقوم من الاموات.
10Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.
10فمضى التلميذان ايضا الى موضعهما
11Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
11اما مريم فكانت واقفة عند القبر خارجا تبكي. وفيما هي تبكي انحنت الى القبر
12akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kumakumbo, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
12فنظرت ملاكين بثياب بيض جالسين واحدا عند الراس والآخر عند الرجلين حيث كان جسد يسوع موضوعا.
13Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nekuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
13فقالا لها يا امرأة لماذا تبكين. قالت لهما انهم اخذوا سيدي ولست اعلم اين وضعوه.
14Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
14ولما قالت هذا التفتت الى الوراء فنظرت يسوع واقفا ولم تعلم انه يسوع.
15Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
15قال لها يسوع يا امرأة لماذا تبكين. من تطلبين. فظنت تلك انه البستاني فقالت له يا سيد ان كنت انت قد حملته فقل لي اين وضعته وانا آخذه.
16Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
16قال لها يسوع يا مريم. فالتفتت تلك وقالت له ربوني الذي تفسيره يا معلّم.
17Jesu akati kwaari: Usandibata, nekuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
17قال لها يسوع لا تلمسيني لاني لم اصعد بعد الى ابي. ولكن اذهبي الى اخوتي وقولي لهم اني اصعد الى ابي وابيكم والهي والهكم.
18Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
18فجاءت مريم المجدلية واخبرت التلاميذ انها رأت الرب وانه قال لها هذا
19Zvino ava madekwana nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya vaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
19ولما كانت عشية ذلك اليوم وهو اول الاسبوع وكانت الابواب مغلقة حيث كان التلاميذ مجتمعين لسبب الخوف من اليهود جاء يسوع ووقف في الوسط وقال لهم سلام لكم.
20Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
20ولما قال هذا أراهم يديه وجنبه. ففرح التلاميذ اذ رأوا الرب.
21Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
21فقال لهم يسوع ايضا سلام لكم. كما ارسلني الآب ارسلكم انا.
22Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
22ولما قال هذا نفخ وقال لهم اقبلوا الروح القدس.
23Vose vamunokangamwira zvivi, vazvikangamwirwa; vose vamunobata zvavo zvabatwa.
23من غفرتم خطاياه تغفر له. ومن امسكتم خطاياه أمسكت
24Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.
24اما توما احد الاثني عشر الذي يقال له التوأم فلم يكن معهم حين جاء يسوع.
25Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa mumwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
25فقال له التلاميذ الآخرون قد رأينا الرب. فقال لهم ان لم أبصر في يديه اثر المسامير واضع اصبعي في اثر المسامير واضع يدي في جنبه لا أؤمن
26Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
26وبعد ثمانية ايام كان تلاميذه ايضا داخلا وتوما معهم. فجاء يسوع والابواب مغلقة ووقف في الوسط وقال سلام لكم.
27Ipapo akati kuna Tomasi: Uyisa mumwe wako pano uone zvanza zangu; uuyise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usina rutendo, asi unotenda.
27ثم قال لتوما هات اصبعك الى هنا وابصر يديّ وهات يدك وضعها في جنبي ولا تكن غير مؤمن بل مؤمنا.
28Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
28اجاب توما وقال له ربي والهي.
29Jesu akati kwaari: Nekuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
29قال له يسوع لانك رأيتني يا توما آمنت. طوبى للذين آمنوا ولم يروا
30Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
30وآيات أخر كثيرة صنع يسوع قدام تلاميذه لم تكتب في هذا الكتاب.
31Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.
31واما هذه فقد كتبت لتؤمنوا ان يسوع هو المسيح ابن الله ولكي تكون لكم اذا آمنتم حياة باسمه