1Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
1في تلك الايام اذ كان الجمع كثيرا جدا ولم يكن لهم ما يأكلون دعا يسوع تلاميذه وقال لهم
2Ndine tsitsi nechaunga; nekuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.
2اني اشفق على الجمع لان الآن لهم ثلاثة ايام يمكثون معي وليس لهم ما يأكلون.
3Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nekuti vamwe vavo vanobva kure.
3وان صرفتهم الى بيوتهم صائمين يخورون في الطريق. لان قوما منهم جاءوا من بعيد.
4Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
4فاجابه تلاميذه. من اين يستطيع احد ان يشبع هؤلاء خبزا هنا في البرية.
5Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
5فسألهم كم عندكم من الخبز. فقالوا سبعة.
6Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
6فامر الجمع ان يتكئوا على الارض. واخذ السبع خبزات وشكر وكسر واعطى تلاميذه ليقدموا فقدموا الى الجمع.
7Uye vakange vane hove duku shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziise pamberi pavo.
7وكان معهم قليل من صغار السمك. فبارك وقال ان يقدموا هذه ايضا.
8Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
8فاكلوا وشبعوا. ثم رفعوا فضلات الكسر سبعة سلال.
9Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
9وكان الآكلون نحو اربعة آلاف. ثم صرفهم.
10Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
10وللوقت دخل السفينة مع تلاميذه وجاء الى نواحي دلمانوثة
11Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
11فخرج الفريسيون وابتدأوا يحاورونه طالبين منه آية من السماء لكي يجربوه.
12Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
12فتنهد بروحه وقال لماذا يطلب هذا الجيل آية. الحق اقول لكم لن يعطى هذا الجيل آية
13Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
13ثم تركهم ودخل ايضا السفينة ومضى الى العبر.
14Zvino vadzidzi vakange vakangamwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
14ونسوا ان يأخذوا خبزا ولم يكن معهم في السفينة الا رغيف واحد.
15Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhe.
15واوصاهم قائلا انظروا وتحرزوا من خمير الفريسيين وخمير هيرودس.
16Vakarangana pakati pavo vachiti: Nekuti hatina zvingwa.
16ففكروا قائلين بعضهم لبعض ليس عندنا خبز.
17Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mikukutu here?
17فعلم يسوع وقال لهم لماذا تفكرون ان ليس عندكم خبز. ألا تشعرون بعد ولا تفهمون. أحتى الآن قلوبكم غليظة.
18Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
18ألكم اعين ولا تبصرون ولكم آذان ولا تسمعون ولا تذكرون.
19Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
19حين كسّرت الارغفة الخمسة للخمسة الآلاف كم قفة مملوءة كسرا رفعتم. قالوا له اثنتي عشرة.
20Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ndokuti: Manomwe.
20وحين السبعة للاربعة الآلاف كم سل كسر مملوّا رفعتم. قالوا سبعة.
21Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?
21فقال لهم كيف لا تفهمون
22Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauyisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
22وجاء الى بيت صيدا. فقدموا اليه اعمى وطلبوا اليه ان يلمسه.
23Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
23فاخذ بيد الاعمى واخرجه الى خارج القرية وتفل في عينيه ووضع يديه عليه وسأله هل ابصر شيئا.
24Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti, vachifamba.
24فتطلع وقال ابصر الناس كاشجار يمشون.
25Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vose zvakajeka.
25ثم وضع يديه ايضا على عينيه وجعله يتطلع فعاد صحيحا وابصر كل انسان جليّا.
26Akarirega richienda kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
26فارسله الى بيته قائلا لا تدخل القرية ولا تقل لاحد في القرية
27Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
27ثم خرج يسوع وتلاميذه الى قرى قيصرية فيلبس. وفي الطريق سأل تلاميذه قائلا لهم من يقول الناس اني انا.
28Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
28فاجابوا. يوحنا المعمدان. وآخرون ايليا. وآخرون واحد من الانبياء.
29Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
29فقال لهم وانتم من تقولون اني انا. فاجاب بطرس وقال له انت المسيح.
30Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
30فانتهرهم كي لا يقولوا لاحد عنه
31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure mamazuva matatu amukezve.
31وابتدأ يعلّمهم ان ابن الانسان ينبغي ان يتألم كثيرا ويرفض من الشيوخ ورؤساء الكهنة والكتبة ويقتل. وبعد ثلاثة ايام يقوم.
32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
32وقال القول علانية. فاخذه بطرس اليه وابتدأ ينتهره.
33Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nekuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
33فالتفت وابصر تلاميذه فانتهر بطرس قائلا اذهب عني يا شيطان. لانك لا تهتم بما لله لكن بما للناس
34Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani unoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
34ودعا الجمع مع تلاميذه وقال لهم من اراد ان يأتي ورائي فلينكر نفسه ويحمل صليبه ويتبعني.
35Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharashikirwa nahwo, asi ani nani ucharashikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, ndiye uchahuponesa.
35فان من اراد ان يخلّص نفسه يهلكها. ومن يهلك نفسه من اجلي ومن اجل الانجيل فهو يخلّصها.
36Nekuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yose akarashikirwa nemweya wake?
36لانه ماذا ينتفع الانسان لو ربح العالم كله وخسر نفسه.
37Kana kuti munhu uchapei kuti chive muripo wemweya wake?
37او ماذا يعطي الانسان فداء عن نفسه.
38Nekuti ani nani unonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu uchanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.
38لان من استحى بي وبكلامي في هذا الجيل الفاسق الخاطئ فان ابن الانسان يستحي به متى جاء بمجد ابيه مع الملائكة القديسين