1Batsirai, Jehovha, nekuti vanoda Mwari vopera; nekuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.
1لامام المغنين على القرار. مزمور لداود. خلص يا رب لانه قد انقرض التقي لانه قد انقطع الامناء من بني البشر.
2Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri.
2يتكلمون بالكذب كل واحد مع صاحبه بشفاه ملقة بقلب فقلب يتكلمون.
3Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;
3يقطع الرب جميع الشفاه الملقة واللسان المتكلم بالعظائم
4Ivo vakati, Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?
4الذين قالوا بألسنتنا نتجبر. شفاهنا معنا من هو سيد علينا
5Nokuda kokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.
5من اغتصاب المساكين من صرخة البائسين الآن اقوم يقول الرب. اجعل في وسع الذي ينفث فيه
6Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.
6كلام الرب كلام نقي كفضة مصفّاه في بوطة في الارض ممحوصة سبع مرات.
7Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.
7انت يا رب تحفظهم. تحرسهم من هذا الجيل الى الدهر.
8Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.
8الاشرار يتمشون من كل ناحية عند ارتفاع الارذال بين الناس