Shona

الكتاب المقدس (Van Dyke)

Revelation

20

1Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.
1ورأيت ملاكا نازلا من السماء معه مفتاح الهاوية وسلسلة عظيمة على يده.
2Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
2فقبض على التنين الحية القديمة الذي هو ابليس والشيطان وقيّده الف سنة
3akamukandira mugomba risina chigadziko, akamupfigira, akaisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; shure kweizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
3وطرحه في الهاوية واغلق عليه وختم عليه لكي لا يضل الامم في ما بعد حتى تتم الالف سنة وبعد ذلك لا بد ان يحل زمانا يسيرا
4Zvino ndakaona zvigaro zveushe, vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwaari; ndikaona mweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, nekweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo, nepamaoko avo; vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
4ورأيت عروشا فجلسوا عليها وأعطوا حكما ورأيت نفوس الذين قتلوا من اجل شهادة يسوع ومن اجل كلمة الله والذين لم يسجدوا للوحش ولا لصورته ولم يقبلوا السمة على جباههم وعلى ايديهم فعاشوا وملكوا مع المسيح الف سنة.
5Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
5واما بقية الاموات فلم تعش حتى تتم الالف السنة. هذه هي القيامة الاولى.
6Wakaropafadzwa uye mutsvene une mugove pakumuka kwekutanga, uye pana ivava rufu rwechipiri haruna simba; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwe naye makore churu.
6مبارك ومقدس من له نصيب في القيامة الاولى. هؤلاء ليس للموت الثاني سلطان عليهم بل سيكونون كهنة للّه والمسيح وسيملكون معه الف سنة
7Zvino kana makore churu apera, Satani uchasunungurwa mutirongo rake,
7ثم متى تمت الالف السنة يحل الشيطان من سجنه
8zvino uchabuda kunonyengera marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; uwandu hwakaita sejecha regungwa.
8ويخرج ليضل الامم الذين في اربع زوايا الارض جوج وما جوج ليجمعهم للحرب الذين عددهم مثل رمل البحر.
9Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yevatsvene neguta rinodikamwa; moto ndokuburuka uchibva kuna Mwari uchibuda kudenga ukavaroromesa.
9فصعدوا على عرض الارض واحاطوا بمعسكر القديسين وبالمدينة المحبوبة فنزلت نار من عند الله من السماء واكلتهم.
10Zvino dhiabhorosi wakavanyengera akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi.
10وابليس الذي كان يضلّهم طرح في بحيرة النار والكبريت حيث الوحش والنبي الكذاب وسيعذبون نهارا وليلا الى ابد الآبدين
11Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, naiye wakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
11ثم رأيت عرشا عظيما ابيض والجالس عليه الذي من وجهه هربت الارض والسماء ولم يوجد لهما موضع.
12Uye ndakaona vakafa vaduku nevakuru, vamire pamberi paMwari, zvino mabhuku akazarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu, vakafa vakatongwa nezvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
12ورأيت الاموات صغارا وكبارا واقفين امام الله وانفتحت اسفار وانفتح سفر آخر هو سفر الحياة ودين الاموات مما هو مكتوب في الاسفار بحسب اعمالهم.
13Gungwa rikabudisa vakafa vakange vari mariri; nerufu neguva zvikabudisa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo.
13وسلم البحر الاموات الذين فيه وسلم الموت والهاوية الاموات الذين فيهما ودينوا كل واحد بحسب اعماله.
14Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.
14وطرح الموت والهاوية في بحيرة النار. هذا هو الموت الثاني.
15Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu wakakandirwa mudziva remoto.
15وكل من لم يوجد مكتوبا في سفر الحياة طرح في بحيرة النار