1Ndinoreverera kwamuri Fibhi, hanzvadzi yedu, murandakadzi wekereke iri paKenikireya.
1اوصي اليكم باختنا فيبي التي هي خادمة الكنيسة التي في كنخريا
2Kuti mumugamuchire muna Ishe, sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire pazvinhu zvose, zvaangashaiwa kwamuri; nekuti iye amene wakava mumiririri wevazhinji, newanguwo ndomene.
2كي تقبلوها في الرب كما يحق للقديسين وتقوموا لها في اي شيء احتاجته منكم. لانها صارت مساعدة لكثيرين ولي انا ايضا
3Kwazisai Prisira naAkwira, vanoshanda pamwe neni muna Kristu Jesu.
3سلموا على بريسكلا واكيلا العاملين معي في المسيح يسوع.
4Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mitsipa yavo, vandisingavongi ini ndoga asiwo nekereke dzose dzevahedheni;
4اللذين وضعا عنقيهما من اجل حياتي اللذين لست انا وحدي اشكرهما بل ايضا جميع كنائس الامم.
5nekereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto, mudikamwa wangu, unova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.
5وعلى الكنيسة التي في بيتهما. سلموا على ابينتوس حبيبي الذي هو باكورة اخائية للمسيح.
6Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.
6سلموا على مريم التي تعبت لاجلنا كثيرا.
7Kwazisai Andoroniko naJunia, hama dzangu, navakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.
7سلموا على أندرونكوس ويونياس نسيبيّ المأسورين معي اللذين هما مشهوران بين الرسل وقد كانا في المسيح قبلي.
8Kwazisai Ambiriyasi, mudikamwa wangu muna Ishe.
8سلموا على أمبلياس حبيبي في الرب.
9Kwazisai Obhano, mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikamwa wangu.
9سلموا على اوربانوس العامل معنا في المسيح وعلى استاخيس حبيبي.
10Kwazisai Apere unotendwa muna Kristu. Kwazisai vokwaArisitobhuro.
10سلموا على أبلّس المزكى في المسيح. سلموا على الذين هم من اهل ارستوبولوس.
11Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisaiwo vokwaNakiso, vari muna Ishe.
11سلموا على هيروديون نسيبي. سلموا على الذين هم من اهل نركيسوس الكائنين في الرب.
12Kwazisai Trufaina naTrufosa, vanobata muna Ishe. Kwazisai Pesisi mudikamwa, wakabata zvikuru muna Ishe.
12سلموا على تريفينا وتريفوسا التاعبتين في الرب. سلموا على برسيس المحبوبة التي تعبت كثيرا في الرب.
13Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake nevangu.
13سلموا على روفس المختار في الرب وعلى امه امي.
14Kwazisai Asingirita, Firegoni, Hemasi, Patrobhasi, Hemesi, nehama dzinavo.
14سلموا على اسينكريتس فليغون هرماس بتروباس وهرميس وعلى الاخوة الذين معهم.
15Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi, nehanzvadzi yake, naOrimba, navatsvene vose vanavo.
15سلموا على فيلولوغس وجوليا ونيريوس واخته وأولمباس وعلى جميع القديسين الذين معهم.
16Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Kereke dzaKristu dzinokukwazisai.
16سلموا بعضكم على بعض بقبلة مقدسة. كنائس المسيح تسلم عليكم
17Zvino ndinokukumbirisai hama, kuti mungwarire avo vanopesanisa nezvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, muvanzvenge.
17واطلب اليكم ايها الاخوة ان تلاحظوا الذين يصنعون الشقاقات والعثرات خلافا للتعليم الذي تعلمتموه واعرضوا عنهم.
18Nekuti vakadaro havashumiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye nemashoko akanaka nekutaura kwakanaka, vanonyengera moyo yevasina mhosva.
18لان مثل هؤلاء لا يخدمون ربنا يسوع المسيح بل بطونهم. وبالكلام الطيب والاقوال الحسنة يخدعون قلوب السّلماء.
19Nekuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina mhosva kune zvakaipa.
19لان طاعتكم ذاعت الى الجميع. فافرح انا بكم واريد ان تكونوا حكماء للخير وبسطاء للشر.
20Zvino Mwari werugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.
20واله السلام سيسحق الشيطان تحت ارجلكم سريعا. نعمة ربنا يسوع المسيح معكم. آمين
21Timotio, mushandi pamwe neni naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.
21يسلم عليكم تيموثاوس العامل معي ولوكيوس وياسون وسوسيباترس انسبائي.
22Ini Tetiosi, unonyora tsamba iyi, ndinokukwazisai muna Ishe.
22انا ترتيوس كاتب هذه الرسالة اسلم عليكم في الرب.
23Gayosi, muchingamiri wangu newekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemari yeguta, unokukwazisai, naKwatosi hama.
23يسلم عليكم غايس مضيفي ومضيف الكنيسة كلها. يسلم عليكم اراستس خازن المدينة وكوارتس الاخ.
24Nyasha dza Ishe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemwi mose. Ameni.
24نعمة ربنا يسوع المسيح مع جميعكم. آمين
25Zvino kuna iye unogona kukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvakange zvakavanzwa nguva dzakare.
25وللقادر ان يثبتكم حسب انجيلي والكرازة بيسوع المسيح حسب اعلان السر الذي كان مكتوما في الازمنة الازلية
26asi ikozvino zvinoratidzwa, uye neMagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ose, pakuteerera kwerutendo;
26ولكن ظهر الآن وأعلم به جميع الامم بالكتب النبوية حسب امر الاله الازلي لاطاعة الايمان
27kuna Mwari iye wakachenjera oga, ngakuve nokurumbidzwa naJesu Kristu nekusingaperi. Ameni.
27للّه الحكيم وحده بيسوع المسيح له المجد الى الابد آمين. كتبت الى اهل رومية من كورنثوس على يد فيبي خادمة كنيسة كنخريا