1Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.
1And it came to pass after this, that Absalom prepared him a chariot and horses, and fifty men to run before him.
2Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuwo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakange ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, Uri weguta ripiko? Kana akati, Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,
2And Absalom rose up early, and stood beside the way of the gate: and it was so, that, when any man had a suit which should come to the king for judgment, then Absalom called unto him, and said, Of what city art thou? And he said, Thy servant is of one of the tribes of Israel.
3Abhusaromu waiti kwaari, Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa.
3And Absalom said unto him, See, thy matters are good and right; but there is no man deputed of the king to hear thee.
4Uye Abhusaromu akatiwo, Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.
4Absalom said moreover, Oh that I were made judge in the land, that every man who hath any suit or cause might come unto me, and I would do him justice!
5Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda.
5And it was so, that, when any man came nigh to do him obeisance, he put forth his hand, and took hold of him, and kissed him.
6Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera moyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
6And on this manner did Absalom to all Israel that came to the king for judgment: so Absalom stole the hearts of the men of Israel.
7Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha.
7And it came to pass at the end of forty years, that Absalom said unto the king, I pray thee, let me go and pay my vow, which I have vowed unto Jehovah, in Hebron.
8nekuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.
8For thy servant vowed a vow while I abode at Geshur in Syria, saying, If Jehovah shall indeed bring me again to Jerusalem, then I will serve Jehovah.
9Mambo akati, Chienda hako norugare. Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni.
9And the king said unto him, Go in peace. So he arose, and went to Hebron.
10Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.
10But Absalom sent spies throughout all the tribes of Israel, saying, As soon as ye hear the sound of the trumpet, then ye shall say, Absalom is king in Hebron.
11Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu.
11And with Absalom went two hundred men out of Jerusalem, that were invited, and went in their simplicity; and they knew not anything.
12Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nekuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu.
12And Absalom sent for Ahithophel the Gilonite, David's counsellor, from his city, even from Giloh, while he was offering the sacrifices. And the conspiracy was strong; for the people increased continually with Absalom.
13Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, moyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu.
13And there came a messenger to David, saying, The hearts of the men of Israel are after Absalom.
14Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, Simukai, titize nekuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.
14And David said unto all his servants that were with him at Jerusalem, Arise, and let us flee; for else none of us shall escape from Absalom: make speed to depart, lest he overtake us quickly, and bring down evil upon us, and smite the city with the edge of the sword.
15Varanda vamambo vakati kuna mambo, Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikamwa naishe wedu mambo.
15And the king's servants said unto the king, Behold, thy servants are ready to do whatsoever my lord the king shall choose.
16Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba.
16And the king went forth, and all his household after him. And the king left ten women, that were concubines, to keep the house.
17Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki.
17And the king went forth, and all the people after him; and they tarried in Beth-merhak.
18Varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, navaKereti vose, navaPereti vose, navaGiti vose, varume vana mazana matanhatu vakanga vamutevera vachibva Gati, vakatungamirira pamberi pamambo.
18And all his servants passed on beside him; and all the Cherethites, and all the Pelethites, and all the Gittites, six hundred men that came after him from Gath, passed on before the king.
19Mambo akati kuna Itai muGiti, Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nekuti iwe uri mutorwa wakadzingwa; dzokera kunyika yako.
19Then said the king to Ittai the Gittite, Wherefore goest thou also with us? return, and abide with the king: for thou art a foreigner, and also an exile; [return] to thine own place.
20Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa-fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nechokwadi ngazvive newe.
20Whereas thou camest but yesterday, should I this day make thee go up and down with us, seeing I go whither I may? return thou, and take back thy brethren; mercy and truth be with thee.
21Itai akapindura mambo akati, NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nemuranda wenyuwo.
21And Ittai answered the king, and said, As Jehovah liveth, and as my lord the king liveth, surely in what place my lord the king shall be, whether for death or for life, even there also will thy servant be.
22Dhavhidhi akati kuna Itai, Chienda hako, uyambuke. Itai muGiti akayambuka, navanhu vake vose, navana vaduku vose vakanga vanaye.
22And David said to Ittai, Go and pass over. And Ittai the Gittite passed over, and all his men, and all the little ones that were with him.
23Vanhu venyika yose vakachema nenzwi guru, vanhu vose vakayambuka; naiye mambo amene akayambukawo rukova Kidhoroni, navanhu vose vakayambukawo vakaenda nenzira yokurenje.
23And all the country wept with a loud voice, and all the people passed over: the king also himself passed over the brook Kidron, and all the people passed over, toward the way of the wilderness.
24Zvino Zadhoki akasvikawo navaRevhi vose vanaye, vakatakura areka yesungano; vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akakwirawo, kusvikira vanhu vose vapedza kubuda paguta.
24And, lo, Zadok also [came], and all the Levites with him, bearing the ark of the covenant of God; and they set down the ark of God; and Abiathar went up, until all the people had done passing out of the city.
25Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, Dzoserai areka yaMwari muguta; kana Jehovha akandinzwira nyasha, uchandidzosazve, akandiwonesa iyo nenzvimbo yayozve.
25And the king said unto Zadok, Carry back the ark of God into the city: if I shall find favor in the eyes of Jehovah, he will bring me again, and show me both it, and his habitation:
26Asi kana akati, Handifari newe; tarirai, ndiri pano hangu, ngaandiitire sezvaanoda.
26but if he say thus, I have no delight in thee; behold, here am I, let him do to me as seemeth good unto him.
27Mambo akati kuna Zadhoki mupristi, Iwe hausi Muvoni here? Dzokera muguta norugare, iwe navanakomana vako vaviri vaunawo, mwanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mwanakomana waAbhiatari.
27The king said also unto Zadok the priest, Art thou [not] a seer? return into the city in peace, and your two sons with you, Ahimaaz thy son, and Jonathan the son of Abiathar.
28Tarira, ini ndichandomira pamazambuko erenje, kusvikira shoko rinobva kwauri rasvika, kundizivisa.
28See, I will tarry at the fords of the wilderness, until there come word from you to certify me.
29Naizvozvo Zadhoki naAbhitari vakadzosera areka yaMwarizve Jerusaremu; ivo vakagarapo.
29Zadok therefore and Abiathar carried the ark of God again to Jerusalem: and they abode there.
30Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema, akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.
30And David went up by the ascent of the [mount of] Olives, and wept as he went up; and he had his head covered, and went barefoot: and all the people that were with him covered every man his head, and they went up, weeping as they went up.
31Zvino mumwe akaudza Dhavhidhi, akati, Ahitoferi unoranganawo navamwe naAbhusaromu. Dhavhidhi akati, Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.
31And one told David, saying, Ahithophel is among the conspirators with Absalom. And David said, O Jehovah, I pray thee, turn the counsel of Ahithophel into foolishness.
32Zvino Dhavhidhi wakati asvika kumusoro kwainamatwa Mwari, akaona Hushai muAriki osangana naye, nguvo dzake dzakabvarurwa nevhu pamusoro wake.
32And it came to pass, that, when David was come to the top [of the ascent], where God was worshipped, behold, Hushai the Archite came to meet him with his coat rent, and earth upon his head.
33Dhavhidhi akati kwaari, Kana iwe ukapfuura neni, uchandiremedza;
33And David said unto him, If thou passest on with me, then thou wilt be a burden unto me:
34asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kuna Abhusaromu, Ndichava muranda wenyu, mambo; sezvandaiva muranda wababa venyu kare, saizvozvo ndichava muranda wenyu zvino; ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.
34but if thou return to the city, and say unto Absalom, I will be thy servant, O king; as I have been thy father's servant in time past, so will I now be thy servant; then wilt thou defeat for me the counsel of Ahithophel.
35Zadhoki naAbhiatari vapristi, havazipo newe here? Naizvozvo zvose zvaunonzwa mumba mamambo, uudze Zadhoki naAbhiatari vapristi izvozvo.
35And hast thou not there with thee Zadok and Abiathar the priests? therefore it shall be, that what thing soever thou shalt hear out of the king's house, thou shalt tell it to Zadok and Abiathar the priests.
36Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.
36Behold, they have there with them their two sons, Ahimaaz, Zadok's son, and Jonathan, Abiathar's son; and by them ye shall send unto me everything that ye shall hear.
37Naizvozvo Hushai, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuguta; naAbhusaromu akapinda Jerusaremu.
37So Hushai, David's friend, came into the city; and Absalom came into Jerusalem.