1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1And the word of Jehovah came unto me, saying,
2Mwanakomana womunhu, porofitira vaporofita vaIsiraeri vanoporofita, uti kuna ivo vanoporofita zvinobva mumoyo mavo, inzwai imwi shoko raJehovha,
2Son of man, prophesy against the prophets of Israel that prophesy, and say thou unto them that prophesy out of their own heart, Hear ye the word of Jehovah:
3Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona.
3Thus saith the Lord Jehovah, Woe unto the foolish prophets, that follow their own spirit, and have seen nothing!
4Aiwa Isiraeri, vaporofita venyu vakafanana namakava pamatongo.
4O Israel, thy prophets have been like foxes in the waste places.
5Hamuna kukwira muchipinda pakakoromorwa, kana kugadzira rusvingo rweimba yaIsiraeri, kuti mumire pakurwa pazuva raJehovha.
5Ye have not gone up into the gaps, neither built up the wall for the house of Israel, to stand in the battle in the day of Jehovah.
6Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, Jehovha anoti! Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
6They have seen falsehood and lying divination, that say, Jehovah saith; but Jehovah hath not sent them: and they have made men to hope that the word would be confirmed.
7Hamuna kuona zvinonyengera here, hamuna kutaura kuvuka kwenhema here, zvamakati, Jehovha anoti; kunyange zvakadaro handina kutaura?
7Have ye not seen a false vision, and have ye not spoken a lying divination, in that ye say, Jehovah saith; albeit I have not spoken?
8Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakatura zvinonyengera, nokuona nhema, naizvozvo, tarirai, ndine mhaka nemi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
8Therefore thus saith the Lord Jehovah: Because ye have spoken falsehood, and seen lies, therefore, behold, I am against you, saith the Lord Jehovah.
9Ruoko rwangu rucharwa navaporofita vanoona zvinonyengera navanoporofita nhema; havangarangani navanhu vangu, havanganyorwi mazita avo parugwaro rweimba yaIsiraeri, havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
9And my hand shall be against the prophets that see false visions, and that divine lies: they shall not be in the council of my people, neither shall they be written in the writing of the house of Israel, neither shall they enter into the land of Israel; and ye shall know that I am the Lord Jehovah.
10nekuti zvirokwazvo, nekuti vakanyengera vanhu vangu, vachiti, Rugare! Izvo hakuna rugare; kana vovaka rusvingo, tarira, vovuwa nesuko.
10Because, even because they have seduced my people, saying, Peace; and there is no peace; and when one buildeth up a wall, behold, they daub it with untempered [mortar]:
11Chiudza avo vanoruvuwa nesuko, kuti ruchakoromoka; mvura ichauya ichinaya kwazvo, ine, mabwe makuru echimvuramabwe, muchawa, nedutu remhepo urutsemure.
11say unto them that daub it with untempered [mortar], that it shall fall: there shall be an overflowing shower; and ye, O great hailstones, shall fall; and a stormy wind shall rend it.
12Zvino tarirai, kana rusvingo rwakoromoka havangati kwamuri here, Ko suko ramakuvuwa naro riripiko?
12Lo, when the wall is fallen, shall it not be said unto you, Where is the daubing wherewith ye have daubed it?
13Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndicharutsemusa zvirokwazvo nedutu remhepo nehasha dzangu; mvura ichanaya kwazvo nokutsamwa kwangu, namabwe makuru echimvuramabwe nehasha dzangu, kurupedza chose.
13Therefore thus saith the Lord Jehovah: I will even rend it with a stormy wind in my wrath; and there shall be an overflowing shower in mine anger, and great hailstones in wrath to consume it.
14Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemwi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
14So will I break down the wall that ye have daubed with untempered [mortar], and bring it down to the ground, so that the foundation thereof shall be uncovered; and it shall fall, and ye shall be consumed in the midst thereof: and ye shall know that I am Jehovah.
15Saizvozvo ndichapedza hasha dzangu parusvingo, napamusoro pavakaruvuwa nesuko; ndichati kwamuri, Rusvingo haruchipo, navakaruvuwa havachipo;
15Thus will I accomplish my wrath upon the wall, and upon them that have daubed it with untempered [mortar]; and I will say unto you, The wall is no more, neither they that daubed it;
16ivo vaporofita valsiraeri vanoporofita pamusoro peJerusaremu, vachirionera zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16[to wit], the prophets of Israel that prophesy concerning Jerusalem, and that see visions of peace for her, and there is no peace, saith the Lord Jehovah.
17Asi iwe, Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvakunda vavanhu vako, ivo vanoporofita zvinobva mumoyo yavo, uporofite pamusoro pavo,
17And thou, son of man, set thy face against the daughters of thy people, that prophesy out of their own heart; and prophesy thou against them,
18uti, Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vakadzi vanosonera maziso emaoko, vanoita micheka yokufukidza misoro yavanhu vapi navapi, kuti vavhime mweya. Munoda kuvhima mweya yavanhu vangu, muchida kuzviponesera mweya iyeyo!
18and say, Thus saith the Lord Jehovah: Woe to the women that sew pillows upon all elbows, and make kerchiefs for the head of [persons of] every stature to hunt souls! Will ye hunt the souls of my people, and save souls alive for yourselves?
19Makandimhura pakati pavanhu vangu nokuda kwetsama dzebhari nezvimedu zvezvingwa, kuti muuraye mweya isingafaniri kufa, nokuponesa mweya isingafaniri kurarama, muchirevera vanhu vangu nhema, ivo vanoteerera nhema dzenyu.
19And ye have profaned me among my people for handfuls of barley and for pieces of bread, to slay the souls that should not die, and to save the souls alive that should not live, by your lying to my people that hearken unto lies.
20Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
20Wherefore thus saith the Lord Jehovah: Behold, I am against your pillows, wherewith ye there hunt the souls to make [them] fly, and I will tear them from your arms; and I will let the souls go, even the souls that ye hunt to make [them] fly.
21Nemicheka yenyu ndichaibvarurawo, ndirwire vanhu vangu pamaoko enyu, varege kuzova mumaoko enyu kuti muvavhime; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
21Your kerchiefs also will I tear, and deliver my people out of your hand, and they shall be no more in your hand to be hunted; and ye shall know that I am Jehovah.
22nekuti nenhema dzenyu makarwadza moyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, mukasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe;
22Because with lies ye have grieved the heart of the righteous, whom I have not made sad; and strengthened the hands of the wicked, that he should not return from his wicked way, and be saved alive:
23naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvinonyengera kana kuuka zvinoukwa; ini ndicharwira vanhu vangu pamaoko enyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
23Therefore ye shall no more see false visions, nor divine divinations: and I will deliver my people out of your hand; and ye shall know that I am Jehovah.