1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1Moreover the word of Jehovah came unto me, saying,
2Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.
2And thou, son of man, thus saith the Lord Jehovah unto the land of Israel, An end: the end is come upon the four corners of the land.
3Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose.
3Now is the end upon thee, and I will send mine anger upon thee, and will judge thee according to thy ways; and I will bring upon thee all thine abominations.
4Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
4And mine eye shall not spare thee, neither will I have pity; but I will bring thy ways upon thee, and thine abominations shall be in the midst of thee: and ye shall know that I am Jehovah.
5Zvanzi naIshe Jehovha, Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.
5Thus saith the Lord Jehovah: An evil, an only evil; behold, it cometh.
6Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika.
6An end is come, the end is come; it awaketh against thee; behold, it cometh.
7Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedo, zuva rebope, usati uri mupururu wamakomo.
7Thy doom is come unto thee, O inhabitant of the land: the time is come, the day is near, [a day of] tumult, and not [of] joyful shouting, upon the mountains.
8Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako.
8Now will I shortly pour out my wrath upon thee, and accomplish mine anger against thee, and will judge thee according to thy ways; and I will bring upon thee all thine abominations.
9Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.
9And mine eye shall not spare, neither will I have pity: I will bring upon thee according to thy ways; and thine abominations shall be in the midst of thee; and ye shall know that I, Jehovah, do smite.
10Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira.
10Behold, the day, behold, it cometh: thy doom is gone forth; the rod hath blossomed, pride hath budded.
11Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana pafuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo.
11Violence is risen up into a rod of wickedness; none of them [shall remain], nor of their multitude, nor of their wealth: neither shall there be eminency among them.
12Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nekuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
12The time is come, the day draweth near: let not the buyer rejoice, nor the seller mourn; for wrath is upon all the multitude thereof.
13nekuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange vachiri vapenyu; nekuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake.
13For the seller shall not return to that which is sold, although they be yet alive: for the vision is touching the whole multitude thereof, none shall return; neither shall any strengthen himself in the iniquity of his life.
14Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nekuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika.
14They have blown the trumpet, and have made all ready; but none goeth to the battle; for my wrath is upon all the multitude thereof.
15Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
15The sword is without, and the pestilence and the famine within: he that is in the field shall die with the sword: and he that is in the city, famine and pestilence shall devour him.
16Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake.
16But those of them that escape shall escape, and shall be on the mountains like doves of the valleys, all of them moaning, every one in his iniquity.
17Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achayerera mvura.
17All hands shall be feeble, and all knees shall be weak as water.
18Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose.
18They shall also gird themselves with sackcloth, and horror shall cover them; and shame shall be upon all faces, and baldness upon all their heads.
19Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza vura bwavo, nekuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo.
19They shall cast their silver in the streets, and their gold shall be as an unclean thing; their silver and their gold shall not be able to deliver them in the day of the wrath of Jehovah: they shall not satisfy their souls, neither fill their bowels; because it hath been the stumblingblock of their iniquity.
20Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka.
20As for the beauty of his ornament, he set it in majesty; but they made the images of their abominations [and] their detestable things therein: therefore have I made it unto them as an unclean thing.
21Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachasvibiswa.
21And I will give it into the hands of the strangers for a prey, and to the wicked of the earth for a spoil; and they shall profane it.
22Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa fuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa.
22My face will I turn also from them, and they shall profane my secret [place]; and robbers shall enter into it, and profane it.
23Itai ngetani, nekuti nyika izere ne mhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.
23Make the chain; for the land is full of bloody crimes, and the city is full of violence.
24Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
24Wherefore I will bring the worst of the nations, and they shall possess their houses: I will also make the pride of the strong to cease; and their holy places shall be profaned.
25Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo.
25Destruction cometh; and they shall seek peace, and there shall be none.
26Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murayiro uchanyangarikira mupristi, namano achashaikwa kuvakuru.
26Mischief shall come upon mischief, and rumor shall be upon rumor; and they shall seek a vision of the prophet; but the law shall perish from the priest, and counsel from the elders.
27Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
27The king shall mourn, and the prince shall be clothed with desolation, and the hands of the people of the land shall be troubled: I will do unto them after their way, and according to their deserts will I judge them; and they shall know that I am Jehovah.