1Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, vana vaIsiraeri vava mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwechete nomoyo mumwe paJerusaremu.
1And when the seventh month was come, and the children of Israel were in the cities, the people gathered themselves together as one man to Jerusalem.
2Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi munhu waMwari.
2Then stood up Jeshua the son of Jozadak, and his brethren the priests, and Zerubbabel the son of Shealtiel, and his brethren, and builded the altar of the God of Israel, to offer burnt-offerings thereon, as it is written in the law of Moses the man of God.
3Vakagadzika aritari panzvimbo yayo, nekuti vakatya vanhu venyika idzo; vakabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo, izvo zvipiriso zvaipiswa mangwanani namadekwana.
3And they set the altar upon its base; for fear was upon them because of the peoples of the countries: and they offered burnt-offerings thereon unto Jehovah, even burnt-offerings morning and evening.
4Vakaitawo mutambo wamatumba, sezvakanga zvanyorwa; vakauya nezvipiriso zvaipiswa zuva rimwe nerimwe sezvakataurwa, sezvavakarairwa, zvakadikamwa pazuva rimwe nerimwe.
4And they kept the feast of tabernacles, as it is written, and [offered] the daily burnt-offerings by number, according to the ordinance, as the duty of every day required;
5Uye pashure chipiriso chaipiswa nguva dzose, nezvipiriso zvapakugara kwemwedzi, nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yakanga yakatsaurwa, nenhendo dzakavigirwa Jehovha nokuzvidira naani nani.
5and afterward the continual burnt-offering, and [the offerings] of the new moons, and of all the set feasts of Jehovah that were consecrated, and of every one that willingly offered a freewill-offering unto Jehovah.
6Vakatanga kubayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe; asi nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
6From the first day of the seventh month began they to offer burnt-offerings unto Jehovah: but the foundation of the temple of Jehovah was not yet laid.
7Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokumwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
7They gave money also unto the masons, and to the carpenters; and food, and drink, and oil, unto them of Sidon, and to them of Tyre, to bring cedar-trees from Lebanon to the sea, unto Joppa, according to the grant that they had of Cyrus king of Persia.
8Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vapristi navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
8Now in the second year of their coming unto the house of God at Jerusalem, in the second month, began Zerubbabel the son of Shealtiel, and Jeshua the son of Jozadak, and the rest of their brethren the priests and the Levites, and all they that were come out of the captivity unto Jerusalem, and appointed the Levites, from twenty years old and upward, to have the oversight of the work of the house of Jehovah.
9Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
9Then stood Jeshua with his sons and his brethren, Kadmiel and his sons, the sons of Judah, together, to have the oversight of the workmen in the house of God: the sons of Henadad, with their sons and their brethren the Levites.
10Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vapristi vakamirapo vakafuka nguvo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
10And when the builders laid the foundation of the temple of Jehovah, they set the priests in their apparel with trumpets, and the Levites the sons of Asaph with cymbals, to praise Jehovah, after the order of David king of Israel.
11Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti: Nekuti akanaka, nekuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri. Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nekuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
11And they sang one to another in praising and giving thanks unto Jehovah, [saying], For he is good, for his lovingkindness [endureth] for ever toward Israel. And all the people shouted with a great shout, when they praised Jehovah, because the foundation of the house of Jehovah was laid.
12Asi vazhinji vavapristi navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
12But many of the priests and Levites and heads of fathers' [houses], the old men that had seen the first house, when the foundation of this house was laid before their eyes, wept with a loud voice; and many shouted aloud for joy:
13naizvozvo vanhu vakanga vasingagoni kutsaura inzwi rokupururudza romufaro nenzwi rokuchema kwavanhu; nekuti vanhu vakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwazvo.
13so that the people could not discern the noise of the shout of joy from the noise of the weeping of the people; for the people shouted with a loud shout, and the noise was heard afar off.