1Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.
1And the famine was sore in the land.
2Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Egipita, baba vavo vakati kwavari, Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma.
2And it came to pass, when they had eaten up the grain which they had brought out of Egypt, their father said unto them, Go again, buy us a little food.
3Judha akataura navo, akati, Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, Hamungatongooni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
3And Judah spake unto him, saying, The man did solemnly protest unto us, saying, Ye shall not see my face, except your brother be with you.
4Kana mukatuma munin'ina wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya;
4If thou wilt send our brother with us, we will go down and buy thee food:
5asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nekuti murume uya akati kwatiri, Hamungaoni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
5but if thou wilt not send him, we will not go down; for the man said unto us, Ye shall not see my face, except your brother be with you.
6Isiraeri akati, Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomunin'ina?
6And Israel said, Wherefore dealt ye so ill with me, as to tell the man whether ye had yet a brother?
7Ivo vakati, Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, Baba venyu vapenyu here? Mune munin'ina here? Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, Burukai nomunin'ina wenyu?
7And they said, The man asked straitly concerning ourselves, and concerning our kindred, saying, Is your father yet alive? have ye [another] brother? and we told him according to the tenor of these words: could we in any wise know that he would say, Bring your brother down?
8Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.
8And Judah said unto Israel his father, Send the lad with me, and we will arise and go; that we may live, and not die, both we, and thou, and also our little ones.
9Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.
9I will be surety for him; of my hand shalt thou require him: if I bring him not unto thee, and set him before thee, then let me bear the blame for ever:
10Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.
10for except we had lingered, surely we had now returned a second time.
11Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuhwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda;
11And their father Israel said unto them, If it be so now, do this: take of the choice fruits of the land in your vessels, and carry down the man a present, a little balm, and a little honey, spicery and myrrh, nuts, and almonds;
12mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa.
12and take double money in your hand; and the money that was returned in the mouth of your sacks carry again in your hand; peradventure it was an oversight:
13Nomunin'ina wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo;
13take also your brother, and arise, go again unto the man:
14Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munin'ina wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.
14and God Almighty give you mercy before the man, that he may release unto you your other brother and Benjamin. And if I be bereaved of my children, I am bereaved.
15Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Egipita, vakandomira pamberi paJosefa.
15And the men took that present, and they took double money in their hand, and Benjamin; and rose up, and went down to Egypt, and stood before Joseph.
16Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati.
16And when Joseph saw Benjamin with them, he said to the steward of his house, Bring the men into the house, and slay, and make ready; for the men shall dine with me at noon.
17Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.
17And the man did as Joseph bade; and the man brought the men to Joseph's house.
18Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita varanda vake, achitorawo madhongi edu.
18And the men were afraid, because they were brought to Joseph's house; and they said, Because of the money that was returned in our sacks at the first time are we brought in; that he may seek occasion against us, and fall upon us, and take us for bondmen, and our asses.
19Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuwo weimba;
19And they came near to the steward of Joseph's house, and they spake unto him at the door of the house,
20vakati, Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;
20and said, Oh, my lord, we came indeed down at the first time to buy food:
21tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu.
21and it came to pass, when we came to the lodging-place, that we opened our sacks, and, behold, every man's money was in the mouth of his sack, our money in full weight: and we have brought it again in our hand.
22Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?
22And other money have we brought down in our hand to buy food: we know not who put our money in our sacks.
23Iye akati, Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri. Akavabudisira Simioni.
23And he said, Peace be to you, fear not: your God, and the God of your father, hath given you treasure in your sacks: I had your money. And he brought Simeon out unto them.
24Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya.
24And the man brought the men into Joseph's house, and gave them water, and they washed their feet. And he gave their asses provender.
25Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nekuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo.
25And they made ready the present against Joseph's coming at noon: for they heard that they should eat bread there.
26Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.
26And when Joseph came home, they brought him the present which was in their hand into the house, and bowed down themselves to him to the earth.
27Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?
27And he asked them of their welfare, and said, Is your father well, the old man of whom ye spake? Is he yet alive?
28Ivo vakati, Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu. Vakakotama, vakanamata.
28And they said, Thy servant our father is well, he is yet alive. And they bowed the head, and made obeisance.
29Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munin'ina wake, mwanakomana wamai vake, akati, Ndiye here munin'ina wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza? Akati, Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.
29And he lifted up his eyes, and saw Benjamin his brother, his mother's son, and said, Is this your youngest brother, of whom ye spake unto me? And he said, God be gracious unto thee, my son.
30Zvino Josefa akakurumidza, nekuti moyo wake wakachema munin'ina wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.
30And Joseph made haste; for his heart yearned over his brother: and he sought where to weep; and he entered into his chamber, and wept there.
31Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, Pakurai zvokudya.
31And he washed his face, and came out; and he refrained himself, and said, Set on bread.
32Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaEgipita havana kutenderwa kudya navaHebheru, nekuti zvinonyangadza kuna vaEgipita.
32And they set on for him by himself, and for them by themselves, and for the Egyptians, that did eat with him, by themselves: because the Egyptians might not eat bread with the Hebrews; for that is an abomination unto the Egyptians.
33Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa.
33And they sat before him, the first-born according to his birthright, and the youngest according to his youth: and the men marvelled one with another.
34Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakamwa, vakafara naye.
34And he took [and sent] messes unto them from before him: but Benjamin's mess was five times so much as any of theirs. And they drank, and were merry with him.