Shona

American Standard Version

Isaiah

1

1Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha.
1The vision of Isaiah the son of Amoz, which he saw concerning Judah and Jerusalem, in the days of Uzziah, Jotham, Ahaz, and Hezekiah, kings of Judah.
2Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nekuti Jehovha akataura, achiti, Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.
2Hear, O heavens, and give ear, O earth; for Jehovah hath spoken: I have nourished and brought up children, and they have rebelled against me.
3Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.
3The ox knoweth his owner, and the ass his master's crib; [but] Israel doth not know, my people doth not consider.
4Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.
4Ah sinful nation, a people laden with iniquity, a seed of evil-doers, children that deal corruptly! they have forsaken Jehovah, they have despised the Holy One of Israel, they are estranged [and gone] backward.
5Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomoyo wose waziya.
5Why will ye be still stricken, that ye revolt more and more? the whole head is sick, and the whole heart faint.
6Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvimwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.
6From the sole of the foot even unto the head there is no soundness in it; [but] wounds, and bruises, and fresh stripes: they have not been closed, neither bound up, neither mollified with oil.
7Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imwi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.
7Your country is desolate; your cities are burned with fire; your land, strangers devour it in your presence, and it is desolate, as overthrown by strangers.
8Mukunda weZiyoni wasiiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.
8And the daughter of Zion is left as a booth in a vineyard, as a lodge in a garden of cucumbers, as a besieged city.
9Dai Jehovha wehondo asina kutisiira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.
9Except Jehovah of hosts had left unto us a very small remnant, we should have been as Sodom, we should have been like unto Gomorrah.
10Inzwai shoko raJehovha, imwi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imwi vanhu veGomora.
10Hear the word of Jehovah, ye rulers of Sodom; give ear unto the law of our God, ye people of Gomorrah.
11Zvanzi naJehovha, Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.
11What unto me is the multitude of your sacrifices? saith Jehovah: I have had enough of the burnt-offerings of rams, and the fat of fed beasts; and I delight not in the blood of bullocks, or of lambs, or of he-goats.
12Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?
12When ye come to appear before me, who hath required this at your hand, to trample my courts?
13Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuhwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara komwedzi nedzamasabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
13Bring no more vain oblations; incense is an abomination unto me; new moon and sabbath, the calling of assemblies,- I cannot away with iniquity and the solemn meeting.
14Nguva dzenyu dzokugara komwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.
14Your new moons and your appointed feasts my soul hateth; they are a trouble unto me; I am weary of bearing them.
15Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa
15And when ye spread forth your hands, I will hide mine eyes from you; yea, when ye make many prayers, I will not hear: your hands are full of blood.
16Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;
16Wash you, make you clean; put away the evil of your doings from before mine eyes; cease to do evil;
17dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.
17learn to do well; seek justice, relieve the oppressed, judge the fatherless, plead for the widow.
18Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
18Come now, and let us reason together, saith Jehovah: though your sins be as scarlet, they shall be as white as snow; though they be red like crimson, they shall be as wool.
19Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;
19If ye be willing and obedient, ye shall eat the good of the land:
20asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
20but if ye refuse and rebel, ye shall be devoured with the sword; for the mouth of Jehovah hath spoken it.
21Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.
21How is the faithful city become a harlot! she that was full of justice! righteousness lodged in her, but now murderers.
22Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
22Thy silver is become dross, thy wine mixed with water.
23Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.
23Thy princes are rebellious, and companions of thieves; every one loveth bribes, and followeth after rewards: they judge not the fatherless, neither doth the cause of the widow come unto them.
24Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsiraeri, Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;
24Therefore saith the Lord, Jehovah of hosts, the Mighty One of Israel, Ah, I will ease me of mine adversaries, and avenge me of mine enemies;
25ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.
25and I will turn my hand upon thee, and thoroughly purge away thy dross, and will take away all thy tin;
26Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.
26and I will restore thy judges as at the first, and thy counsellors as at the beginning: afterward thou shalt be called The city of righteousness, a faithful town.
27Ziyoni richadzikunurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.
27Zion shall be redeemed with justice, and her converts with righteousness.
28Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.
28But the destruction of transgressors and sinners shall be together, and they that forsake Jehovah shall be consumed.
29nekuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.
29For they shall be ashamed of the oaks which ye have desired, and ye shall be confounded for the gardens that ye have chosen.
30nekuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.
30For ye shall be as an oak whose leaf fadeth, and as a garden that hath no water.
31Ane simba achava sorwonzi, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.
31And the strong shall be as tow, and his work as a spark; and they shall both burn together, and none shall quench them.