Shona

American Standard Version

Isaiah

43

1Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakove, akakuumba, iwe Isiraeri, Usatya hako, nekuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
1But now thus saith Jehovah that created thee, O Jacob, and he that formed thee, O Israel: Fear not, for I have redeemed thee; I have called thee by thy name, thou art mine.
2Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi.
2When thou passest through the waters, I will be with thee; and through the rivers, they shall not overflow thee: when thou walkest through the fire, thou shalt not be burned, neither shall the flame kindle upon thee.
3nekuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Egipita ruve rudzikunuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.
3For I am Jehovah thy God, the Holy One of Israel, thy Saviour; I have given Egypt as thy ransom, Ethiopia and Seba in thy stead.
4Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikamwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
4Since thou hast been precious in my sight, [and] honorable, and I have loved thee; therefore will I give men in thy stead, and peoples instead of thy life.
5Usatya hako, nekuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva;
5Fear not; for I am with thee: I will bring thy seed from the east, and gather thee from the west;
6ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika;
6I will say to the north, Give up; and to the south, Keep not back; bring my sons from far, and my daughters from the end of the earth;
7mumwe nomumwe anodamwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.
7every one that is called by my name, and whom I have created for my glory, whom I have formed, yea, whom I have made.
8Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo.
8Bring forth the blind people that have eyes, and the deaf that have ears.
9Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, Ichokwadi.
9Let all the nations be gathered together, and let the peoples be assembled: who among them can declare this, and show us former things? let them bring their witnesses, that they may be justified; or let them hear, and say, It is truth.
10Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
10Ye are my witnesses, saith Jehovah, and my servant whom I have chosen; that ye may know and believe me, and understand that I am he: before me there was no God formed, neither shall there be after me.
11Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.
11I, even I, am Jehovah; and besides me there is no saviour.
12Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imwi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12I have declared, and I have saved, and I have showed; and there was no strange [god] among you: therefore ye are my witnesses, saith Jehovah, and I am God.
13Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?
13Yea, since the day was I am he; and there is none that can deliver out of my hand: I will work, and who can hinder it?
14Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
14Thus saith Jehovah, your Redeemer, the Holy One of Israel: For your sake I have sent to Babylon, and I will bring down all of them as fugitives, even the Chaldeans, in the ships of their rejoicing.
15Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.
15I am Jehovah, your Holy One, the Creator of Israel, your King.
16Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba;
16Thus saith Jehovah, who maketh a way in the sea, and a path in the mighty waters;
17anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.
17who bringeth forth the chariot and horse, the army and the mighty man (they lie down together, they shall not rise; they are extinct, they are quenched as a wick):
18Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare.
18Remember ye not the former things, neither consider the things of old.
19Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.
19Behold, I will do a new thing; now shall it spring forth; shall ye not know it? I will even make a way in the wilderness, and rivers in the desert.
20Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nekuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vamwe,
20The beasts of the field shall honor me, the jackals and the ostriches; because I give waters in the wilderness, and rivers in the desert, to give drink to my people, my chosen,
21ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
21the people which I formed for myself, that they might set forth my praise.
22Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakove, asi wakaneta neni, iwe Isiraeri.
22Yet thou hast not called upon me, O Jacob; but thou hast been weary of me, O Israel.
23Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuhwira.
23Thou hast not brought me of thy sheep for burnt-offerings; neither hast thou honored me with thy sacrifices. I have not burdened thee with offerings, nor wearied thee with frankincense.
24Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
24Thou hast bought me no sweet cane with money, neither hast thou filled me with the fat of thy sacrifices; but thou hast burdened me with thy sins, thou hast wearied me with thine iniquities.
25Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.
25I, even I, am he that blotteth out thy transgressions for mine own sake; and I will not remember thy sins.
26Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe.
26Put me in remembrance; let us plead together: set thou forth [thy cause], that thou mayest be justified.
27Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira.
27Thy first father sinned, and thy teachers have transgressed against me.
28Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene Jakove ndakamuita chinhu chakatukwa naIsiraeri chinhu chinosekwa.
28Therefore I will profane the princes of the sanctuary; and I will make Jacob a curse, and Israel a reviling.