Shona

American Standard Version

Isaiah

8

1Zvino Jehovha akati kwandiri,Tora bwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
1And Jehovah said unto me, Take thee a great tablet, and write upon it with the pen of a man, For Maher-shalal-hash-baz;
2Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupristi, naZekariya mwanakomana waJebherekia.
2and I will take unto me faithful witnesses to record, Uriah the priest, and Zechariah the son of Jeberechiah.
3Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri Mutumidze zita rokuti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
3And I went unto the prophetess; and she conceived, and bare a son. Then said Jehovah unto me, Call his name Maher-shalal-hash-baz.
4nekuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo weAsiria.
4For before the child shall have knowledge to cry, My father, and, My mother, the riches of Damascus and the spoil of Samaria shall be carried away before the king of Assyria.
5Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti,
5And Jehovah spake unto me yet again, saying,
6Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonyatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria;
6Forasmuch as this people have refused the waters of Shiloah that go softly, and rejoice in Rezin and Remaliah's son;
7saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose;
7now therefore, behold, the Lord bringeth up upon them the waters of the River, strong and many, [even] the king of Assyria and all his glory: and it shall come up over all its channels, and go over all its banks;
8ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa fuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.
8and it shall sweep onward into Judah; it shall overflow and pass through; it shall reach even to the neck; and the stretching out of its wings shall fill the breadth of thy land, O Immanuel.
9Itai bope, imwi ndudzi, muputsweputswe; nemwi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe.
9Make an uproar, O ye peoples, and be broken in pieces; and give ear, all ye of far countries: gird yourselves, and be broken in pieces; gird yourselves, and be broken in pieces.
10Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nekuti Mwari anesu.
10Take counsel together, and it shall be brought to nought; speak the word, and it shall not stand: for God is with us.
11nekuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti,
11For Jehovah spake thus to me with a strong hand, and instructed me not to walk in the way of this people, saying,
12Musati, Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.
12Say ye not, A conspiracy, concerning all whereof this people shall say, A conspiracy; neither fear ye their fear, nor be in dread [thereof].
13Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye.
13Jehovah of hosts, him shall ye sanctify; and let him be your fear, and let him be your dread.
14Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu.
14And he shall be for a sanctuary; but for a stone of stumbling and for a rock of offence to both the houses of Israel, for a gin and for a snare to the inhabitants of Jerusalem.
15Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
15And many shall stumble thereon, and fall, and be broken, and be snared, and be taken.
16Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu.
16Bind thou up the testimony, seal the law among my disciples.
17Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakove chiso chake, ndichamutsvaka.
17And I will wait for Jehovah, that hideth his face from the house of Jacob, and I will look for him.
18Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.
18Behold, I and the children whom Jehovah hath given me are for signs and for wonders in Israel from Jehovah of hosts, who dwelleth in mount Zion.
19Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve: Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
19And when they shall say unto you, Seek unto them that have familiar spirits and unto the wizards, that chirp and that mutter: should not a people seek unto their God? on behalf of the living [should they seek] unto the dead?
20Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
20To the law and to the testimony! if they speak not according to this word, surely there is no morning for them.
21Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
21And they shall pass through it, sore distressed and hungry; and it shall come to pass that, when they shall be hungry, they shall fret themselves, and curse by their king and by their God, and turn their faces upward:
22Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
22and they shall look unto the earth, and behold, distress and darkness, the gloom of anguish; and into thick darkness [they shall be] driven away.