1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:
1After these things Jesus manifested himself again to the disciples at the sea of Tiberias; and he manifested [himself] on this wise.
2Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi unonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.
2There was together Simon Peter, and Thomas called Didymus, and Nathanael of Cana in Galilee, and the [sons] of Zebedee, and two other of his disciples.
3Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.
3Simon Peter saith unto them, I go a fishing. They say unto him, We also come with thee. They went forth, and entered into the boat; and that night they took nothing.
4Zvino kwakati kwava mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.
4But when day was now breaking, Jesus stood on the beach: yet the disciples knew not that it was Jesus.
5Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vaduku, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
5Jesus therefore saith unto them, Children, have ye aught to eat? They answered him, No.
6Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kurukweva nekuwanda kwehove.
6And he said unto them, Cast the net on the right side of the boat, and ye shall find. They cast therefore, and now they were not able to draw it for the multitude of fishes.
7Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yake yekunze (nekuti wakange akashama), akazviwisira mugungwa.
7That disciple therefore whom Jesus loved saith unto Peter, It is the Lord. So when Simon Peter heard that it was the Lord, he girt his coat about him (for he was naked), and cast himself into the sea.
8Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nekuti vakange vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.
8But the other disciples came in the little boat (for they were not far from the land, but about two hundred cubits off), dragging the net [full] of fishes.
9Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.
9So when they got out upon the land, they see a fire of coals there, and fish laid thereon, and bread.
10Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.
10Jesus saith unto them, Bring of the fish which ye have now taken.
11Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.
11Simon Peter therefore went up, and drew the net to land, full of great fishes, a hundred and fifty and three: and for all there were so many, the net was not rent.
12Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? Vachiziva kuti ndiIshe.
12Jesus saith unto them, Come [and] break your fast. And none of the disciples durst inquire of him, Who art thou? knowing that it was the Lord.
13Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.
13Jesus cometh, and taketh the bread, and giveth them, and the fish likewise.
14Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kuvakafa.
14This is now the third time that Jesus was manifested to the disciples, after that he was risen from the dead.
15Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.
15So when they had broken their fast, Jesus saith to Simon Peter, Simon, [son] of John, lovest thou me more than these? He saith unto him, Yea, Lord; thou knowest that I love thee. He saith unto him, Feed my lambs.
16Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.
16He saith to him again a second time, Simon, [son] of John, lovest thou me? He saith unto him, Yea, Lord; thou knowest that I love thee. He saith unto him, Tend my sheep.
17Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nekuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.
17He saith unto him the third time, Simon, [son] of John, lovest thou me? Peter was grieved because he said unto him the third time, Lovest thou me? And he said unto him, Lord, thou knowest all things; thou knowest that I love thee. Jesus saith unto him, Feed my sheep.
18Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva muduku, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe uchakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.
18Verily, verily, I say unto thee, When thou wast young, thou girdedst thyself, and walkedst whither thou wouldest: but when thou shalt be old, thou shalt stretch forth thy hands, and another shall gird thee, and carry thee whither thou wouldest not.
19Wakareva izvi, achitaridza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.
19Now this he spake, signifying by what manner of death he should glorify God. And when he had spoken this, he saith unto him, Follow me.
20Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro, akati: Ishe, ndiani uchakutengesai?
20Peter, turning about, seeth the disciple whom Jesus loved following; who also leaned back on his breast at the supper, and said, Lord, who is he that betrayeth thee?
21Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?
21Peter therefore seeing him saith to Jesus, Lord, and what shall this man do?
22Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.
22Jesus saith unto him, If I will that he tarry till I come, what [is that] to thee? Follow thou me.
23Zvino shoko iro rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo?
23This saying therefore went forth among the brethren, that that disciple should not die: yet Jesus said not unto him, that he should not die; but, If I will that he tarry till I come, what [is that] to thee?
24Ndiyeyu mudzidzi unopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.
24This is the disciple that beareth witness of these things, and wrote these things: and we know that his witness is true.
25Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Amen.
25And there are also many other things which Jesus did, the which if they should be written every one, I suppose that even the world itself would not contain the books that should be written.