1Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yevaGadharini.
1And they came to the other side of the sea, into the country of the Gerasenes.
2Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
2And when he was come out of the boat, straightway there met him out of the tombs a man with an unclean spirit,
3uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina munhu wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
3who had his dwelling in the tombs: and no man could any more bind him, no, not with a chain;
4nekuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
4because that he had been often bound with fetters and chains, and the chains had been rent asunder by him, and the fetters broken in pieces: and no man had strength to tame him.
5Zvino nguva dzose, usiku nemasikati, waiva mumakomo nekumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
5And always, night and day, in the tombs and in the mountains, he was crying out, and cutting himself with stones.
6Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
6And when he saw Jesus from afar, he ran and worshipped him;
7akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
7and crying out with a loud voice, he saith, What have I to do with thee, Jesus, thou Son of the Most High God? I adjure thee by God, torment me not.
8Nekuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
8For he said unto him, Come forth, thou unclean spirit, out of the man.
9Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nekuti tiri vazhinji.
9And he asked him, What is thy name? And he saith unto him, My name is Legion; for we are many.
10Vakamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
10And he besought him much that he would not send them away out of the country.
11Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
11Now there was there on the mountain side a great herd of swine feeding.
12Nemadhimoni ose akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.
12And they besought him, saying, Send us into the swine, that we may enter into them.
13Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
13And he gave them leave. And the unclean spirits came out, and entered into the swine: and the herd rushed down the steep into the sea, [in number] about two thousand; and they were drowned in the sea.
14Avo vaifudza nguruve ndokutiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
14And they that fed them fled, and told it in the city, and in the country. And they came to see what it was that had come to pass.
15Vakasvika kuna Jesu, vakaona uyo wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
15And they come to Jesus, and behold him that was possessed with demons sitting, clothed and in his right mind, [even] him that had the legion: and they were afraid.
16Vaya vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
16And they that saw it declared unto them how it befell him that was possessed with demons, and concerning the swine.
17Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
17And they began to beseech him to depart from their borders.
18Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
18And as he was entering into the boat, he that had been possessed with demons besought him that he might be with him.
19Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, undovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
19And he suffered him not, but saith unto him, Go to thy house unto thy friends, and tell them how great things the Lord hath done for thee, and [how] he had mercy on thee.
20Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vose vakashamisika.
20And he went his way, and began to publish in Decapolis how great things Jesus had done for him: and all men marvelled.
21Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava pedo negungwa.
21And when Jesus had crossed over again in the boat unto the other side, a great multitude was gathered unto him; and he was by the sea.
22Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
22And there cometh one of the rulers of the synagogue, Jairus by name; and seeing him, he falleth at his feet,
23Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye uchararama.
23and beseecheth him much, saying, My little daughter is at the point of death: [I pray thee], that thou come and lay thy hands on her, that she may be made whole, and live.
24Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
24And he went with him; and a great multitude followed him, and they thronged him.
25Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
25And a woman, who had an issue of blood twelve years,
26wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvose zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
26and had suffered many things of many physicians, and had spent all that she had, and was nothing bettered, but rather grew worse,
27wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
27having heard the things concerning Jesus, came in the crowd behind, and touched his garment.
28Nekuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
28For she said, If I touch but his garments, I shall be made whole.
29Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
29And straightway the fountain of her blood was dried up; and she felt in her body that she was healed of her plague.
30Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
30And straightway Jesus, perceiving in himself that the power [proceeding] from him had gone forth, turned him about in the crowd, and said, Who touched my garments?
31Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
31And his disciples said unto him, Thou seest the multitude thronging thee, and sayest thou, Who touched me?
32Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
32And he looked round about to see her that had done this thing.
33Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chose.
33But the woman fearing and trembling, knowing what had been done to her, came and fell down before him, and told him all the truth.
34Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda norugare, poreswa pachifo chako.
34And he said unto her, Daughter, thy faith hath made thee whole; go in peace, and be whole of thy plague.
35Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei mudzidzisi?
35While he yet spake, they come from the ruler of the synagogue's [house] saying, Thy daughter is dead: why troublest thou the Teacher any further?
36Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
36But Jesus, not heeding the word spoken, saith unto the ruler of the synagogue, Fear not, only believe.
37Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro naJakobho naJohwani munin'ina waJakobho.
37And he suffered no man to follow with him, save Peter, and James, and John the brother of James.
38Vakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
38And they come to the house of the ruler of the synagogue; and he beholdeth a tumult, and [many] weeping and wailing greatly.
39Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mucheche haana kufa, asi uvete.
39And when he was entered in, he saith unto them, Why make ye a tumult, and weep? the child is not dead, but sleepeth.
40Vakamuseka vachimumhura. Asi iye wakati avabudisa vose panze, akatora baba vemucheche namai nevakange vanaye, akapinda makange muvete mucheche.
40And they laughed him to scorn. But he, having put them all forth, taketh the father of the child and her mother and them that were with him, and goeth in where the child was.
41Akabata ruoko rwemucheche, akati kwaari: "Tarita kumi;" ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana muduku, ndinoti kwauri, muka.
41And taking the child by the hand, he saith unto her, Talitha cumi; which is, being interpreted, Damsel, I say unto thee, Arise.
42Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nekuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
42And straightway the damsel rose up, and walked; for she was twelve years old. And they were amazed straightway with a great amazement.
43Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu unoziva izvi; akati apiwe chikafu.
43And he charged them much that no man should know this: and he commanded that [something] should be given her to eat.