1Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikamwa kupfuura sirivha nendarama.
1A [good] name is rather to be chosen than great riches, [And] loving favor rather than silver and gold.
2Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
2The rich and the poor meet together: Jehovah is the maker of them all.
3Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
3A prudent man seeth the evil, and hideth himself; But the simple pass on, and suffer for it.
4Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.
4The reward of humility [and] the fear of Jehovah [Is] riches, and honor, and life.
5mhinzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.
5Thorns [and] snares are in the way of the perverse: He that keepeth his soul shall be far from them.
6Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
6Train up a child in the way he should go, And even when he is old he will not depart from it.
7Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwereti, muranda, wowakamupa chikwereti.
7The rich ruleth over the poor; And the borrower is servant to the lender.
8Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.
8He that soweth iniquity shall reap calamity; And the rod of his wrath shall fail.
9Ane moyo munyoro acharopafadzwa; nekuti anopa varombo zvokudya zvake.
9He that hath a bountiful eye shall be blessed; For he giveth of his bread to the poor.
10Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.
10Cast out the scoffer, and contention will go out; Yea, strife and ignominy will cease.
11Anoda kuchena komoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake.
11He that loveth pureness of heart, [For] the grace of his lips the king will be his friend.
12Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.
12The eyes of Jehovah preserve [him that hath] knowledge; But he overthroweth the words of the treacherous man.
13Simbe inoti, Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.
13The sluggard saith, There is a lion without: I shall be slain in the streets.
14Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
14The mouth of strange women is a deep pit: He that is abhorred of Jehovah shall fall therein.
15Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.
15Foolishness is bound up in the heart of a child; [But] the rod of correction shall drive it far from him.
16Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.
16He that oppresseth the poor to increase his [gain], [And] he that giveth to the rich, [shall come] only to want.
17Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.
17Incline thine ear, and hear the words of the wise, And apply thy heart unto my knowledge.
18nekuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.
18For it is a pleasant thing if thou keep them within thee, If they be established together upon thy lips.
19Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.
19That thy trust may be in Jehovah, I have made [them] known to thee this day, even to thee.
20Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?
20Have not I written unto thee excellent things Of counsels and knowledge,
21Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?
21To make thee know the certainty of the words of truth, That thou mayest carry back words of truth to them that send thee?
22Usatorera murombo, nekuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuwo;
22Rob not the poor, because he is poor; Neither oppress the afflicted in the gate:
23nekuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwevanovatadzira.
23For Jehovah will plead their cause, And despoil of life those that despoil them.
24Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;
24Make no friendship with a man that is given to anger; And with a wrathful man thou shalt not go:
25Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.
25Lest thou learn this ways, And get a snare to thy soul.
26Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.
26Be thou not one of them that strike hands, [Or] of them that are sureties for debts.
27Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?
27If thou hast not wherewith to pay, Why should he take away thy bed from under thee?
28Usabvisa muganhu wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.
28Remove not the ancient landmark, Which thy fathers have set.
29Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikamwi.
29Seest thou a man diligent in his business? he shall stand before kings; He shall not stand before mean men.