1Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha,
1These also are proverbs of Solomon, which the men of Hezekiah king of Judah copied out.
2Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva.
2It is the glory of God to conceal a thing; But the glory of kings is to search out a matter.
3Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa.
3As the heavens for height, and the earth for depth, So the heart of kings is unsearchable.
4Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari.
4Take away the dross from the silver, And there cometh forth a vessel for the refiner:
5Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama.
5Take away the wicked [from] before the king, And his throne shall be established in righteousness.
6Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru.
6Put not thyself forward in the presence of the king, And stand not in the place of great men:
7nekuti zviri nani kuti vati kwauri, Kwira pano, Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako.
7For better is it that it be said unto thee, Come up hither, Than that thou shouldest be put lower in the presence of the prince, Whom thine eyes have seen.
8Usakurumidza kundoita nharo; nekuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa?
8Go not forth hastily to strive, Lest [thou know not] what to do in the end thereof, When thy neighbor hath put thee to shame.
9Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe;
9Debate thy cause with thy neighbor [himself], And disclose not the secret of another;
10Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Guhwa rako rikasaguma.
10Lest he that heareth it revile thee, And thine infamy turn not away.
11Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.
11A word fitly spoken Is [like] apples of gold in network of silver.
12Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.
12[As] an ear-ring of gold, and an ornament of fine gold, [So is] a wise reprover upon an obedient ear.
13Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; nekuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
13As the cold of snow in the time of harvest, [So is] a faithful messenger to them that send him; For he refresheth the soul of his masters.
14Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
14[As] clouds and wind without rain, [So is] he that boasteth himself of his gifts falsely.
15Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mafupa.
15By long forbearing is a ruler persuaded, And a soft tongue breaketh the bone.
16Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa.
16Hast thou found honey? eat so much as is sufficient for thee, Lest thou be filled therewith, and vomit it.
17Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.
17Let thy foot be seldom in thy neighbor's house, Lest he be weary of thee, and hate thee.
18Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza.
18A man that beareth false witness against his neighbor Is a maul, and a sword, and a sharp arrow.
19Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka.
19Confidence in an unfaithful man in time of trouble Is [like] a broken tooth, and a foot out of joint.
20Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo.
20[As] one that taketh off a garment in cold weather, [and as] vinegar upon soda, So is he that singeth songs to a heavy heart.
21Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura amwe.
21If thine enemy be hungry, give him bread to eat; And if he be thirsty, give him water to drink:
22nekuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira.
22For thou wilt heap coals of fire upon his head, And Jehovah will reward thee.
23Mhepo inobva kumaodzanyemba inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.
23The north wind bringeth forth rain: So doth a backbiting tongue an angry countenance.
24Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara.
24It is better to dwell in the corner of the housetop, Than with a contentious woman in a wide house.
25Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota.
25[As] cold waters to a thirsty soul, So is good news from a far country.
26Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina.
26[As] a troubled fountain, and a corrupted spring, [So is] a righteous man that giveth way before the wicked.
27Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.
27It is not good to eat much honey: So [for men] to search out their own glory is grievous.
28Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.
28He whose spirit is without restraint Is [like] a city that is broken down and without walls.