1Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.
1Praise ye Jehovah. Blessed is the man that feareth Jehovah, That delighteth greatly in his commandments.
2Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
2His seed shall be mighty upon earth: The generation of the upright shall be blessed.
3fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
3Wealth and riches are in his house; And his righteousness endureth for ever.
4Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.
4Unto the upright there ariseth light in the darkness: [He is] gracious, and merciful, and righteous.
5Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwereti, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
5Well is it with the man that dealeth graciously and lendeth; He shall maintain his cause in judgment.
6nekuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
6For he shall never be moved; The righteous shall be had in everlasting remembrance.
7Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
7He shall not be afraid of evil tidings: His heart is fixed, trusting in Jehovah.
8moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
8His heart is established, he shall not be afraid, Until he see [his desire] upon his adversaries.
9Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
9He hath dispersed, he hath given to the needy; His righteousness endureth for ever: His horn shall be exalted with honor.
10Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kowakaipa kuchaparara.
10The wicked shall see it, and be grieved; He shall gnash with his teeth, and melt away: The desire of the wicked shall perish.