1Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nekuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura; uye gungwa rakange risisipo.
1And I saw a new heaven and a new earth: for the first heaven and the first earth are passed away; and the sea is no more.
2Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.
2And I saw the holy city, new Jerusalem, coming down out of heaven of God, made ready as a bride adorned for her husband.
3Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti: Tarira, tende raMwari riri pavanhu, iye uchagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.
3And I heard a great voice out of the throne saying, Behold, the tabernacle of God is with men, and he shall dwell with them, and they shall be his peoples, and God himself shall be with them, [and be] their God:
4Uye Mwari uchapusika misodzi yose kubva pameso avo; nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hazvingavipo; nekuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.
4and he shall wipe away every tear from their eyes; and death shall be no more; neither shall there be mourning, nor crying, nor pain, any more: the first things are passed away.
5Zvino wakange agere pachigaro cheushe akati: Tarira, ndinovandudza zvinhu zvose. Akati kwandiri: Nyora; nekuti mashoko awa akatendeka, uye ndeechokwadi.
5And he that sitteth on the throne said, Behold, I make all things new. And he saith, Write: for these words are faithful and true.
6Zvino akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa kuna iye une nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.
6And he said unto me, They are come to pass. I am the Alpha and the Omega, the beginning and the end. I will give unto him that is athirst of the fountain of the water of life freely.
7Unokunda uchagara nhaka yezvinhu zvose: uye ndichava Mwari wake, naiye uchava mwanakomana wangu.
7He that overcometh shall inherit these things; and I will be his God, and he shall be my son.
8Asi kana vari vanotya, nevasingatendi nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevose varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesarufa; runova ndirwo rufu rwechipiri.
8But for the fearful, and unbelieving, and abominable, and murderers, and fornicators, and sorcerers, and idolaters, and all liars, their part [shall be] in the lake that burneth with fire and brimstone; which is the second death.
9Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.
9And there came one of the seven angels who had the seven bowls, who were laden with the seven last plagues; and he spake with me, saying, Come hither, I will show thee the bride, the wife of the Lamb.
10Zvino wakanditakurira muMweya kugomo uye guru refu, akandiratidza guta guru riya Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga kuna Mwari,
10And he carried me away in the Spirit to a mountain great and high, and showed me the holy city Jerusalem, coming down out of heaven from God,
11rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi*, rinoonekera sekiristaro*;
11having the glory of God: her light was like unto a stone most precious, as it were a jasper stone, clear as crystal:
12zvino rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri; nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa paari, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.
12having a wall great and high; having twelve gates, and at the gates twelve angels; and names written thereon, which are [the names] of the twelve tribes of the children of Israel:
13Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu, kuchamhembe masuwo matatu, nekumavirira masuwo matatu;
13on the east were three gates; and on the north three gates; and on the south three gates; and on the west three gates.
14zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri; nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.
14And the wall of the city had twelve foundations, and on them twelve names of the twelve apostles of the Lamb.
15Zvino uyo wakataura neni wakange ane rutsanga rwendarama kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro
15And he that spake with me had for a measure a golden reed to measure the city, and the gates thereof, and the wall thereof.
16Zvino guta rakange rakavakwa nemativi mana akaenzana, kureba kwakaenzana nekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia* zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara, nekukwirira kwaro zvakaenzana
16And the city lieth foursquare, and the length thereof is as great as the breadth: and he measured the city with the reed, twelve thousand furlongs: the length and the breadth and the height thereof are equal.
17Zvino akayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, nechiyero chemunhu, chinova chemutumwa.
17And he measured the wall thereof, a hundred and forty and four cubits, [according to] the measure of a man, that is, of an angel.
18Uye chivakwa cherusvingo rwaro chakange chiri jasipisi*, uye guta riri ndarama yakakwana, yakafanana negirazi rakachenesesa.
18And the building of the wall thereof was jasper: and the city was pure gold, like unto pure glass.
19Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nemarudzi ose emabwe anokosha. Nheyo yekutanga iri jasipisi*; yepiri safiri* yetatu kasidhoni* yechina emaradhi*;
19The foundations of the wall of the city were adorned with all manner of precious stones. The first foundation was jasper; the second, sapphire; the third, chalcedony; the fourth, emerald;
20yeshanu sadhonikisi*; yetanhatu sadhio*; yechinomwe krisoriti*; yerusere bheriri*; yepfumbamwe topasi*; yegumi kirisopirasi*; yegumi neimwe hiasindi*; yegumi nembiri ametesiti*.
20the fifth, sardonyx; the sixth, sardius; the seventh, chrysolite; the eighth, beryl; the ninth, topaz; the tenth, chrysoprase; the eleventh, jacinth; the twelfth, amethyst.
21Uye masuwo gumi nemaviri ari maparera gumi nemaviri; suwo rimwe nerimwe rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta iri ndarama yakakwana, segirazi rinoonekera.
21And the twelve gates were twelve pearls; each one of the several gates was of one pearl: and the street of the city was pure gold, as it were transparent glass.
22Zvino handina kuona tembere mukati maro, nekuti Ishe Mwari Wemasimbaose neGwayana itembere yaro.
22And I saw no temple therein: for the Lord God the Almighty, and the Lamb, are the temple thereof.
23Zvino guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nekuti kubwinya kwaMwari kunoivhenekera, nemwenje waro iGwayana;
23And the city hath no need of the sun, neither of the moon, to shine upon it: for the glory of God did lighten it, and the lamp thereof [is] the Lamb.
24zvino marudzi evaya vanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo nerukudzo rwawo mariri.
24And the nations shall walk amidst the light thereof: and the kings of the earth bring their glory into it.
25Masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nekuti usiku hahwuchazovipo.
25And the gates thereof shall in no wise be shut by day (for there shall be no night there):
26Uye vachauyisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mukati maro.
26and they shall bring the glory and the honor of the nations into it:
27Uye hamungatongopindi chinhu chinosvibisa mukati maro, kana chinosemesa, kana chine nhema; asi avo vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.
27and there shall in no wise enter into it anything unclean, or he that maketh an abomination and a lie: but only they that are written in the Lamb's book of life.