Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

1 Kings

1

1Zvino mambo Dhavhidhi wakange akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana ku­dziyirwa.
2Naizvozvo varanda vake va­kati kwaari, Ishe wangu mambo ngaa­tsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avaonge avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyi­rwe.
3Ipapo vakatsvaka musikana waka­naka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
4Uyu musikana wakange aka­naka kwazvo, akachengeta mambo, aka­mushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
5Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndi­chava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana ma­kumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
6Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? wakange ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakange achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
7Akarangana naJoa­bhu, mwanakomana waZeruya, naAbhia­tari mupristi, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
8Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, ha­vana kutevera Adhonia.
9Adhonia akabaya makwai nenzo­mbe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohe­reti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vama­mbo;
10asi haana kudana Natani muporo­fita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munin'ina wake.
11Ipapo Natani akataura naBhati­shebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanako­mana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhi­dhi ishe wedu haazvizivi?
12Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwana­komana wako Soromoni.
13Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira mura­ndakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adho­nia unobatireiko ushe?
14Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndi­chapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.
15Bhati-shebha akapinda kuna ma­mbo mumba; zvino mambo wakange akwegura kwazvo, Abhishagi muShu­nami waishandira mambo.
16Ipapo Bhati­shebha akakotama, akanamata kuna ma­mbo. Mambo akati, Unoreveiko?
17Iye akati kwaari, Ishe wangu, imwi makapikira murandakadzi wenyu naJeho­vha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwa­zvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye ucha­gara pachigaro changu choushe.
18Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imwi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
19Iye wabaya nzombe, nemhuru dzaka­kora, namakwai mazhinji, akadana vana­komana vose vamambo, naAbhiatari mu­pristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
20Zvino ishe wangu mambo, meso avaI­siraeri vose anotarira kwamuri, kuti mu­vaudze kuti ndianiko unofanira kukuteve­rai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
21Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzi­baba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.
22Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
23Vakau­dza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
24Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai paku­bata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
25nekuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanako­mana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vodya noku­mwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame
26Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
27Chi­nhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?
28Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
29Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
30zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.
31Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.
32Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.
33Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
34Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame.
35Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nekuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.
36Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
37Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
38Ipapo Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
39Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!
40Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
41Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?
42Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nekuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.
43Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
44Uye mambo wakatuma Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
45uye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
46Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
47Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe; mambo akakotama panhovo dzake.
48Uyezve mambo wakataura akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.
49Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
50Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
51Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nekuti wandobata nyanga dzeatari, akati, Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.
52Ipapo Soromoni akati, Kana akazova murume chaiye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.
53Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.