Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

1 Samuel

1

1Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata.
2Iye wakange ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakange ana vana, asi Hana wakange asina vana.
3Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapristi vaJehovha
4Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo;
5asi Hana wakamupa migove miviri; nekuti wakange achida Hana, asi Jehovha wakange azarira chizvaro chake.
6Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye moyo, nekuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
7Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya.
8Zvino murume wake Erikana akati kwaari, Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? moyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?
9Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kumwa. Zvino Eri mupristi wakange agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
10Zvino Hana wakange ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo.
11Akapika mhiko, akati, Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika komurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakangamwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.
12Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake.
13Nekuti Hana wakange achitaura nechomumoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
14Eri akati kwaari, Ucharamba wakabatwa kusvikira rinhiko? Rasha waini yako.
15Hana akapindura akati, Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kumwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.
16Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nekuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kokuchema kwangu kukuru nokutambudzika kwangu.
17Ipapo Eri akamupindura, akati, Enda hako norugare; Mwari waIsiraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari.
18Iye akati, Murandakadzi wenyu ngaanzwirwe tsitsi nemi. Naizvozvo mukadzi akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.
19Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
20Nguva yakati yapfuura, Hana akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, achiti: Nekuti ndakamukumbira kuna Jehovha.
21Zvino murume Erikana navose veimba yake vakakwira kuna Jehovha kundobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe, nokumupa sezvaakapika.
22Asi Hana haana kukwira, nekuti wakati kumurume wake, Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi.
23Erikana murume wake akati kwaari, Ita sezvaunofunga; chimbogara hako kusvikira wamurumura; asi Jehovha ngaasimbise shoko rake. Naizvozvo mukadzi akambogara hake, akayamwisa mwanakomana wake, kusvikira amurumura.
24Wakati arumumura, akakwira naye ane nzombe nhatu, neefa imwe youpfu, nedende rewaini, akandomuisa mumba maJehovha paShiro. Asi mwana wakange achiri muduku.
25Zvino vakabaya nzombe, vakaisa mwana kuna Eri.
26Hana akati, Ishe wangu, nomweya wenyu mupenyu, ishe wangu, ndini mukadzi wakadeya kumira pano pamberi penyu, ndichinyengetera kuna Jehovha.
27Ndakakumbira mwana uyu, Jehovha akandipa chandakakumbira kwaari;
28saka neni ndamupa Jehovha; mazuva ose okurarama kwake wakapiwa Jehovha. Akanamata kuna Jehovha ipapo.