Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

1 Samuel

7

1Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha.
2Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nekuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha.
3Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha moyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.
4Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga.
5Zvino Samueri akati, Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.
6Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakatsanya nomusi iwoyo, vakati ipapo, Takatadzira Jehovha. Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa.
7Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia.
8Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.
9Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.
10Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri.
11Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari.
12Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.
13VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yavalsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri.
14Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navalsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavalsiraeri navaAmori.
15Samueri akatonga vaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake.
16Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga vaIsiraeri panzvimbo idzo dzose.
17Akasidzokera Rama, nekuti ndipo paakanga agere; akatonga vaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha aritari ipapo.