1zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nekuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.
2Zvino mukadzi akasimuka, akaita sezvaakaudzwa nomunhu waMwari, akaenda neveimba yake, akandogara panyika yavaFirisitia makore manomwe.
3Zvino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yavaFirisitia; akaenda kuna mambo kundochema pamusoro peimba yake nomunda wake.
4Zvino mambo wakange achitaurirana naGehazi muranda womunhu waMwari, mambo akati, Dondirondedzerawo zvinhu zvose zvikuru, zvakaitwa naErisha.
5Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakange amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.
6Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino.
7Zvino Erisha wakasvika Dhamasiko Bhenihadhadhi mambo weSiria wakange achirwara, akaudzwa, zvichinzi, Munhu waMwari wasvika pano.
8Ipapo mambo akati kuna Hazaeri, Tora chipo muruoko rwako, undosangana nomunhu waMwari, ubvunze Jehovha naye, uti, Ndichapora pakurwara uku here?
9Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, Ndichapora here pakurwara uku?
10Erisha akati kwaari, Enda, undoti kwaari, Zvirokwazvo haangapori; asi Jehovha wakandiratidza kuti zvirokwazvo iye uchafa.
11Akaramba akamunananidza kusvikira anyara; munhu wa Mwari akachema.
12Ipapo Hazaeri akati, Munochemeiko, ishe wangu? Akapindura, akati, nekuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.
13Hazaeri akati, Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa zvayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai? Erisha akapindura, akati, Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.
14Ipapo akabva kuna Erisha, akaenda kuna tenzi wake; iye akati kwaari, Erisha wati kudiniko kwauri? Akapindura, akati, Wakandiudza kuti zvirokwazvo muchapora henyu.
15Zvino fume mangwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira chiso, naizvozvo akafa; Hazaeri akamutevera paushe.
16Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo waIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
17Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere.
18Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nekuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
19Kunyange zvakadaro Jehovha wakange asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nekuti wakange amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.
20Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo.
21Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo.
22Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo.
23Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
24Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
25Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo walsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
26Ahazia wakange ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo welsiraeri.
27Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nekuti wakange ari mukwasha weimba yaAhabhi.
28Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu.
29Mambo Joramu akadzokera Jezereeri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereeri, nekuti wakange achirwara.