Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

10

1Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni wakafa, Hanuni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
2Zvino Dhavhidhi akati, Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake. Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.
3Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, Munofunga kuti Dhavhidhi unoda kukudza baba venyu zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kuti anzvere guta nokurishora, nokuriputsa here?
4Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akavewura rumwe rutivi rwendebvu dzavo, akagura nguvo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga.
5Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nekuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.
6Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
7Dhavhidhi wakati azvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba.
8Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuwo; vaSiria veZobha, naveRehobhu, navarume veTobhi neMaaka vakanga vari pachavo voga pasango.
9Zvino Joabhu wakati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kuna vakatsaurwa vose valsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria.
10Vamwe vanhu, vakanga vasara, akavaisa kuna Abhishai, munin'ina wake, akavagadzira kuti varwe navana. vaAmoni.
11Akati, Kana vaSiria vakandikurira, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.
12Tsunga moyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.
13Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake.
14Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akadzoka kuvana vaAmoni, akasvika Jerusaremu.
15Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri vakaungana,
16Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri koRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.
17Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Joridhani, vakasvika paHeramu. VaSiria vakazvigadzira, vakarwa naDhavhidhi.
18VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.
19Zvino madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri, vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakayanana navaIsiraeri, vakavashumira. Naizvozvo vaSiria vakatya kuzobatsira vana vaAmoni.