Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

Psalms

19

1Matenga anoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.
1Y langet munaclaro y minalag Yuus; ya y fineda mamanue y checho canaeña.
2Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.
2Y un jaane yan y otro jaane masangang y finijo, ya y un puenge ya y otro puenge mamanue tiningo.
3Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki.
3Taya sinangan, ni finijo; ti siña umajungog y vosñija.
4Rwonzi rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.
4Ya gui todo y tano jumanao y rayaña, ya asta uttimon y tano y finoña: ya japolo tabernaculo para atdao guiya sija.
5Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.
5Ya güiya taegüije y nobio ni jumujuyong guinin y cuattoña, ya jamagof taegüije y matatnga na taotao, para ufalago gui finalago.
6Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.
6Y jinanaoña guinin un punta gui langet, ya y linilicoña asta y uttimoña: ya taya jaye uatog ni y minaepeña.
7Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechechokwadi, chinopa vasina mano njere.
7Y lay Jeova cabales, jafamauleg y ante; y testimonion Jeova seguro, janafanmalalate y manaeisao.
8Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.
8Y finañagüe Jeova tunas, janafanmamagof y corason: y tinago Jeova claro, janafanmalag y atadogsija.
9Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi, zvakarurama kwazvo kwazvo.
9Y minaañao as Jeova gasgas, sumaga para taejinecog; y sentensian Jeova magajet, ya todo tunas.
10Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.
10Na malago mas que y oro, magajet mas que y megae na oro ni y manfino: mames mas que y miet, que y titijo gui sagan miet.
11Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva?
11Y tentagomo locue mapagat yan sija: ya yaguin jaadaje sija y uguaja dangculo na apas.
12Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndisunungurei imwi pazvitadzo zvakavanzika.
12Ya y linachiña jaye utiningo? ya y linache na ti jutungo, nalibreyo.
13Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru.
13Unmantiene locue y tentagomo guinin y sobetbio na isao: ya munga mangae ninasiñañija guiya guajo: ayo nae cabalesyo ya gasgas yo guinin y dangculo na quinebrantan y tinago.
14Mashoko omuromo wangu nokurangarira komoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imwi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu.
14Polo ya y sinangang y pachotto ya y jinason y corasonjo umauleg gui menamo, O Jeova, minetgotto yan y munalilibreyo.