Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

Psalms

37

1Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.
1CHAMO umestotban mamaesa jao ni y chumogüe daño, ni unguaja embidia, ni y fumatitinas y taelaye.
2nekuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.
2Sa ufanmautut guse taegüijeja y chaguan, ya ufanmalayo taegüije y chaguan betde.
3Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ufunde tariro.
3Angocojao as Jeova, ya fatinas y mauleg: saga gui tano ya unchogüe minauleg.
4Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikamwa nomoyo wako.
4Magofjao as Jeova: ya güiya unninae ni guinagao y corasonmo.
5Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.
5Bira y chalanmo para as Jeova: ya angocogüe locue, ya güiya unajuyong este.
6Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
6Ya janajanao y tininasmo taegüije y manana: ya y juisiomo taegüije y taloane.
7Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro peanofara panzira yake, Pamusoro pemunhu anoita mano akaipa aakafunga.
7Quieto jao as Jeova, ya nanggagüe nu y siningon: chamo umestotban mamaesa jao ni y mumegae, gui chalanña ni y taotao ni fumatitinas y dinague.
8Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
8Basta y binibo, ya polo y linalalo; chamo umestotban mamaesa jao para unfatinas y dano.
9nekuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
9Sa y chumogüe dano ufanmautut: lao y numanangga si Jeova, sija ujaereda y tano.
10Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.
10Ya desde este didide ti utaegüe y taelaye: magajet na jaguefjajaso y sagaña ya utaegüe güe.
11Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.
11Lao y manmanso ujaereda y tano: ya ufanmagof maesa sija ni megae na pas.
12Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.
12Y taelaye man jajaso dinague contra y manunas ya janachechegcheg y nifenñija guiya güiya.
13Ishe achamuseka; nekuti anoona kuti zuva rake rinouya.
13Si Jeova chumachaleg pot güiya: sa jalilie na ufato gui jaaniña.
14Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;
14Y manaelaye jalagnos y espada, yan janadilog y atcosñija para uyute papa y mamoble yan y mannesesitao: para ujapuno sija y manunas gui chalan.
15Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.
15Y espadañija jumalom gui corasonñijaja ya y atcosñija umayamag.
16Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.
16Maulegñaja y didide gui manunas, qui y minegae gui megae na manaelaye.
17nekuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.
17Sa y canae y manaelaye ufanmayamag: lao si Jeova jamantietene y manunas.
18Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.
18Jatungo si Jeova y jaanen y manunas: ya y erensiañija usaga para taejinecog.
19Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.
19Sija, ti ufanmamajlao gui taelaye na tiempo: ya y jaanen ñinalang ufanjaspog.
20Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.
20Lao y manaelaye ufanmalingo: yan y enimigon Jeova ufanparejo y sebon cotdero sija: sija ufanlinachae, calang aso ufanguelinachae.
21Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane tsitsi, anopa.
21Y manaelaye mañuñule inayao ya ti jaapapasetalo: ya y manunas guaja minaaseñija ya mannae.
22nekuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.
22Sa ayosija y manbendise pot güiya ujaereda y tano: ya ayosija y manmatdise pot güiya ufanmautut.
23Tsoka dzomunhu uyu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.
23Sa y jinanao y mauleg na taotao si Jeova mumantietene; ya güiya yaña y chalanña.
24Kunyange akawa, haangawiswi chose; nekuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
24Yaguin matomba, ti uguefpodong: sa si Jeova mumantietene nu y canaeña.
25Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.
25Guine patgon yo ya estayo bijo; lao tatnae julie y mauleg madingo, ni y semiyaña manegagao nengcanoñija.
26Zuva rose anoramba ane tsitsi, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.
26Todotdia guaja minaase yan ninaayao: ya y simiyaña para bendision.
27Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.
27Suja gui taelaye, ya fatinas y mauleg; ya sumasasaga jao para taejinecog.
28nekuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasii vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.
28Sa si Jeova yaña y juisio, ya ti jadingo y mañantosña: sija ufanmaadaje para siempre: ya y semiyan y manaelaye ufanmautut.
29Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.
29Y manunas ujaereda y tano ya usaga para taejinecog gui jiloña.
30Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.
30Y pachot y manunas manguecuentos minalate, ya y jilaña cumuecuentos juisio.
31Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.
31Y lay y Yuusña gaegue gui corasonña, pot enao na y adengña ti usulong.
32Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.
32Y taelaye jaespipia y tinas ya jaegaga para upuno.
33Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.
33Si Jeova ti upinelo gue gui canaeña: ni usinentensia güe yan manjusga.
34Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.
34Nangga si Jeova ya adaje y chalanña, ya güiya unninataquilo para unereda y tano: anae y manaelaye ufanmautut, jago siempre unlie.
35Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.
35Guajo jagas julie y taelaye na dangculo ninasiñaña, ya janamayao güe, calang y atbot ni betde gui edaña.
36Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.
36Ya jumalofan ya estagüe, na taegüe: magajet na jualigao ya tisiña masoda.
37Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; nekuti kuguma komunhu uyo rugare.
37Jaso y cabales, ya atan y tinas na taotao: sa y uttimoña ayo na taotao y pas.
38Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.
38Lao y manaelaye todo manmayulang: ya y uttimon y manaelaye ufanmautut.
39Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.
39Lao y satbasion y manunas gui as Jeova: güiya y minetgotñija gui tiempon y chinatsaga.
40Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, nekuti vakandovanda maari.
40Ya si Jeova ufaninayuda ya uninafanlibre gui manaelay: ya uninafansatba sa sija numananggagüe.