Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

65

1Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, Tarirai ndini, tarirai ndini.
2Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo;
3vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuhwira pamusoro pezvitinha;
4vanogara pakati pamakuva, vachivata panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo;
5vanoti, Mira woga, usaswedera kwandiri, nekuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.
6Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu, Handinganyarari, asi ndicharitsiva, zvirokwazvo ndicharitsiva nokutsiva kuzere,
7zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwechete, vakapisa zvinonhuhwira pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo nokuyera kuzere ndizvo zvinotaura Jehovha.
8Zvanzi naJehovha, Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati, Usariparadza, nekuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.
9Ndichabudisa rudzi kuna Jakove, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo.
10Bani reSharo richava mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka.
11Asi imwi munosiya Jehovha, nokukangamwa gomo rangu dzvene, imwi munogadzirira Gadhi tafura, nokudirira Meni waini yakavhenganiswa.
12Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imwi mose muchakotamira pakubayiwa; nekuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.
13Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imwi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachamwa, asi imwi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imwi muchanyadziswa;
14tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara komoyo, asi imwi muchachema nokurwadziwa komoyo, muchaungudza nokuputsika komweya.
15imwi muchasiira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha achakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita;
16kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nekuti matambudziko okutanga akakanganikwa, nekuti avanzirwa meso angu.
17nekuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomoyo.
18Asi imwi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nekuti tarirai, ndinosika Jerusaremu rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.
19Ndichafarira Jerusaremu, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwikwi inzwi rokuchema, kana inzwi rokuridza mhere.
20Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nekuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.
21Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.
22Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nekuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.
23Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nekuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.
24Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura.
25Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene ndizvo zvinotaura Jehovha.