1imwi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemwi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare?
2imwi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imwi muri pedo nemiromo yavo, asi muri kure nemoyo yavo.
3Asi imwi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza moyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa.
4Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nekuti vakati, Haangaoni kuguma kwedu.
5Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvivana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJoridhani?
6nekuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe.
7Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikamwa womoyo wangu mumaoko avavengi vake.
8Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga
9Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.
10Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikamwa rive renje risina chinhu.
11Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nekuti hakuna munhu une hanya nayo.
12Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nekuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare.
13Vakakusha gorosi, asi vakacheka mhinzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kokutsamwa kukuru kwaJehovha.
14Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
15Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake.
16Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, NaJehovha mupenyu, sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
17Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza ndizvo zvinotaura Jehovha.