Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

17

1Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedhaimani; zvakatemwa pamabwendefa emoyo yavo, napanyanga dzamaaritari enyu
2nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maaritari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira.
3Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nefuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganho yenyu yose.
4Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nekuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi.
5Zvanzi naJehovha, Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomoyo unotsauka kuna Jehovha.
6nekuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu.
7Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.
8nekuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.
9moyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
10Ini Jehovha, ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.
11segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira fuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
12Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga.
13imwi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nekuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.
14Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nekuti ndimi wandinorumbidza.
15Tarirai, vanoti kwandiri, Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino.
16Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi imwi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu.
17Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imwi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa.
18Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa.
19Jehovha wakati kwandiri, Enda undomira musuwo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuwo ose eJerusaremu,
20uti kwavari, Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuwo awa.
21Zvanzi naJehovha, Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva resabata, kana kupinda nawo napamasuwo eJerusaremu,
22musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva resabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva resabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.
23Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa.
24Zvino zvanzi naJehovha, Kana mukanyatsa kunditeerera, mukasapinda nomutoro napamasuwo eguta rino nezuva resabata, asi muchitsaura zuva resabata, musingabati basa ripi neripi naro;
25ipapo pachapinda napamasuwo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.
26Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuhwira, vachiuya nezvokuvonga nazvo kuimba yaJehovha.
27Asi kana mukaramba kunditeerera, mukaramba kutsaura zuva resabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuwo eJerusaremu nezuva resabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuwo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu usingazodzimwi.