Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

22

1Zvanzi naJehovha, Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri,
2uti, Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi,iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuwo awa.
3Zvanzi naJehovha, Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza;mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
4nekuti kana muchiita chinhu ichi nomoyo wose, pamasuwo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake.
5Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha.
6nekuti zvanzi naJehovha, Uri Giriyadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.
7Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikamwa, vachiikandira mumoto.
8Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?
9Ipapo vachapindura, vachiti, nekuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.
10Musachema wakafa, kana kumuwungudzira; asi mucheme kwazvo iye unoenda, nekuti haangadzokizve, kana kuonazve nyika yake yaakaberekerwa.
11nekuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, wakabata ushe panzvimbo ino, Iye haangadzokeripozve;
12asi kwaakatapirwa, ndiko kwaachandofirako; haangazoonizve nyika ino.
13Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
14iye, unoti, Ndichazvivakira imba huru namakamuri okumusoro akafara, achizviitira mahwindo; zvino yoitirwa denga romusidhari, ichizodzwa muti mutsvuku.
15Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokumwa, vachiita , zvakarurama nezvakatendeka here? Ipapo vakagara nomufaro.
16Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
17Asi meso ako nomoyo wako hazvirangariri zvimwe, asi kuchiva kwako nokuteura ropa risina mhosva, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uzviite.
18Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, Havangamuchemi, vachiti, Haiwa, munin'ina wangu! Kana, Haiwa, hanzvadzi! Havangachemi, vachiti, Haiwa, ishe! Kana, Haiwa, hukuru hwake!
19Uchavigwa sokuvigwa kwembongoro, uchakweverwa nokurashwa kunze kwamasuwo eJerusaremu.
20Kwirai Rebhanoni, mudanidzire; danidzirai nenzwi renyu paBhashani; danidzirai muri paAbharimi; nekuti vadikani venyu vose vakaparadzwa.
21Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati, Handidi kunzwa. Ndiwo wakange uri mutowo wako kubvira pahuduku hwako, kuti hauna kuteerera inzwi rangu.
22Mhepo ichaparadza vafudzi vako vose, navadikani vako vachatapwa, zvirokwazvo nenguva iyo uchanyadziswa nokukanganiswa nokuda kwezvakaipa zvako zvose.
23Haiwa, iwe, ugere Rebhanoni, unovaka dendere rako mumisidhari, uchanzwisisa hurombo kwazvo sei kana uchizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa komukadzi unosurumuka!
24Nohupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha kunyange Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyange zvakadaro ndaikubvisa ipapo.
25Ndichakuisa muruoko rwavanotsvaka kukuuraya, nomuruoko rwaivo vaunotya, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaKaradhea.
26Iwe namai vako vakakubereka ndichakudzingirai kuneimwe nyika kwamusina kuberekerwa; ipapo muchandofirapo.
27Asi kunyika kunopanga moyo yavo kudzokera, havangadzokeriko.
28Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?
29Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.
30Zvanzi naJehovha, Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nekuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro,uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha,