Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

30

1Shoko, rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Nyora mashoko ose andakakuudza mu bhuku.
3Nokuti, tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichadzosa vanhu vangu vaIsiraeri naJudha pakutapwa kwavo ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.
4Awa ndiwo mashoko akataura Jehovha pamusoro paIsiraeri napamusoro paJudha.
5nekuti zvanzi naJehovha, Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri rorugare.
6Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?
7Maiwe! nekuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakove; asi uchasunungurwa pazviri.
8Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichavhuna joko rake pamutsipa wako, ndichadambura zvisungo zvako; vatorwa havangazomuiti muranda wavo;
9asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.
10Naizvozvo usatya hako, iwe Jakove muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri; nekuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakove uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.
11nekuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa.
12nekuti zvanzi naJehovha, Kukuvadzwa kwako hakubviri kuporeswa, vanga rako rakaipa kwazvo.
13Hakuna unoreverera mhaka yako, kuti urapwe; hauna mishonga inoporesa.
14Vose vaikuda vakukangamwa, havakuvingi, nekuti ndakakukuvadza nevanga romuvengi, uye nokurova koune hasha, nokuda kohukuru bwezvakaipa zvako, nekuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
15Unochemeiko pamusoro pokukuvadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira zvinhu izvi, nokuda kohukuru bwezvakaipa zvako, nekuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
16Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwawo; vadzivisi vako vose, mumwe nomumwe wavo, vachatapwa; vanokupamba vachapambwa, vose vanokuparadza, ndichavaisa kukuparadzwa.
17nekuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, NdiZiyoni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.
18Zvanzi naJehovha, Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakove, nokunzwira hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.
19Kuwonga nenzwi ravanofara richabudapo; ndichavawanza, havangavi vashoma, ndichavakudza varege kuva vaduku.
20Vana vavo vachava sakare, neungano yavo ichamiswa pamberi pangu, ndicharova vose vanovamanikidza.
21Muchinda wavo uchava mumwe wavo, mubati wavo uchabuda pakati pavo; ndichamuswededza, aswedere kwandiri; nekuti ndianiko wakatsunga kuswedera kwandiri? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
22imwi muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
23Tarirai, dutu guru remhepo yaJehovha, idzo hasha dzake, rabuda, riri dutu guru rine simba; richaputsikira pamisoro yavakaipa.
24Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza, kusvikira aita zvose zvaakafunga mumoyo make; muchazvinzwisisa pamazuva okupedzisira.