1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
2Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
3Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.
4nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
5Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanongodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kokuipa kwavo kose.
6Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda.
7Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwalsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
8Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakangamwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo.
9Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira.
10Zvanzi naJehovha, Panzvimbo yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuwo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuwo, pachanzwikwazve
11inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, Vongai Jehovha wehondo, nekuti Jehovha wakanaka, nekuti tsitsi dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuvonga mumba maJehovha. nekuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha.
12Zvanzi naJehovha wehondo, Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuwo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi.
13Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounowaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
14Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha.
15Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika.
16Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
17nekuti zvanzi naJehovha, Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri;
18navapristi vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.
19Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
20Zvanzi naJehovha, Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo;
21ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapristi, vashumiri vangu.
22Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverengwa, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira.
23Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
24Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye? Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
25Zvanzi naJehovha, Kana sungano yangu yamasikati novusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo;
26ipapo ndicharashawo vana vaJakove, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakove; nekuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.