Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

48

1Pamusoro paMoabhu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Nebho rine nhamo, nekuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa, rakundwa; Mishigabhi ranyadziswa, ravhunduswa.
2Mbiri yaMoabhu haichipo; paHeshibhoni vakarangana zvakaipa pamusoro pavo, vachiti, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi. Newewo Madhimeni, uchanyaradzwa, munondo uchakutevera.
3Inzwai inzwi rokuchema rinobva Horonaimi, Kuparadzwa nokukoromorwa kukuru!
4Moabhu vaparadzwa; vanana vavo vakanzwika vachichema.
5nekuti vachakwira nomukwidzwa weRuhiti vachingochema; nekuti pamatenusirwa eHoronaimi vakanzwa njodzi yokuchema kokuparadzwa.
6Tizai, muponese mweya yenyu, mufanane negwenzi murenje.
7nekuti zvamakavimba namabasa enyu nefuma yenyu, muchakundwawo; Kemoshi vachaenda kwavanotapwa, vapristi vavo namachinda avo pamwechete.
8Muparadzi uchawira guta rimwe nerimwe, hakuna guta richapukunyuka; mupata uchapararawo, nebani richaparadzwa, sezvakataura Jehovha.
9Ipai Moabhu mapapiro, vabhururuke, vaende; maguta avo achava matongo, anoshaiwa unogaramo.
10Ngaatukwe unobate basa raJehovha asina hanya naro; ngaatukwe unodzora munondo wake paropa.
11Moabhu vakanga vane zororo kubva pahuduku hwavo, vakagara pamasese avo, havana kudururwa vachibviswa mumudziyo, uye havana kutapwa; naizvozvo kuzipa kwavo kwakarambira mukati mavo, nokunhuhwira kwavo hakuna kushanduka.
12Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha andichatuma kwavari vanomimina; ivo vachavamimina, vachadurura midziyo yavo chose, nokuputsanya hari dzavo.
13Moabhu vachanyara pamusoro peKemoshi, sezvakanyadziswa imba yaIsiraeri pamusoro peBhetieri, ravaivimba naro.
14Munotaura seiko, muchiti, Tiri mhare, vanhu vakatsunga pakurwa?
15Moabhu vaparadzwa, vakwira mumaguta avo, majaya avo akasanangurwa akaburuka kundourawa ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
16Njodzi yaMoabhu yava pedo yodokuuya, nhamo yavo yokurumidza kuuya.
17Vachemei, imwi mose makavapoteredza, imwi mose munoziva zita ravo; muti, Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!
18Iwe mukunda unogara Dhibhoni, buruka pakukudzwa kwako, ugare pane nyota, nekuti muparadzi waMoabhu wauya kuzorwa newe, waparadza nhare dzako.
19Iwe unogara Aroeri, mira panzira utarire; bvunza unotiza nounopukunyuka, uti, Chinyiko chaitwa?
20Moabhu vakanyadziswa, nekuti vakakoromorwa. Wungudzai mucheme, muzviparidzire paArinoni kuti VaMoabhu vaparadzwa.
21Zvirokwazvo, kutongwa kwasvika panyika yamapani, paHoroni, napaJaza, napaMefaati,
22napaDhibhoni, napaNebho, napaBhetidhibhirataimu,
23napaKiriataimu, napaBhetigamuri, napaBhetimeoni,
24napaKerioti, napaBhozira, napamaguta ose enyika yavaMoabhu, kure kana pedo.
25Runyanga rwaMoabhu rwagurwa, ruoko rwavo rwavhuniwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
26Muvape doro vabatwe, nekuti vakaita manyawi pamberi paJehovha; VaMoabhu vachawumburuka mumarutsi avo, vachasekwawo.
27nekuti VaIsiraeri havana kusekwa nemwi here? Vakawanikwa pakati pamakororo here? nekuti nguva dzose kana muchimureva iye munodzungudza misoro yenyu.
28Imi mugere panyika yaMoabhu, ibvai mumaguta, mugare mudombo, muve senjiva inovaka dendere rayo pamativi amawere.
29Takanzwa kuzvikudza kwaVaMoabhu, kuti vanozvikudza kwazvo; nokuzvirumbidza kwavo, namanyawi omoyo wavo.
30Ndinoziva hasha dzavo, kuti hadzina maturo ndizvo zvinotaura Jehovha; kuzvirumbidza kwavo hazvina kuita chinhu.
31Naizvozvo ndichawungudza pamusoro paMoabhu, zvirokwazvo ndichadanidzira pamusoro pavaMoabhu vose; vachachema vanhu veKiriheresi.
32Ndichakuchemera, iwe muzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namazambiringa ako.
33Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakange uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.
34Kubva pakuchema kweHeshibhoni kusvikira Ereare, nokusvikira Jahazi, vakanzwisa inzwi ravo, kubva Zoari kusvikira Horonaimi neEgiratisherishiya; nekuti nemvura zhinji yeNimirimi ichaparadzwa.
35Ndichagumisawo pakati paMoabhu ani naani unobayira panzvimbo dzakakwirira, naiye unopisira vamwari vake zvinonhuhwira ndizvo zvinotaura Jehovha.
36Naizvozvo moyo wangu unorira pamusoro paMoabhu senyere, nomoyo wangu unorira senyere pamusoro pavanhu veKiriheresi; naizvozvo zvakawanda zvaakazviwanira zvapera.
37nekuti misoro yose yava nemhazha, nendebvu dzose dzaveurwa; maoko ose atemwa, nezviuno zvose zvinamasaga.
38Pamatenga edzimba dzaMoabhu, napanzira dzomumisha yavo kuwungudza kuripo pose; nekuti ndaputsa Moabhu somudziyo usingafadzi munhu ndizvo zvinotaura Jehovha.
39Vakoromorwa sei! Vanowungudza sei! Moabhu vakafuratira sei nokunyadziswa! Saizvozvo Moabhu vachava chinhu chinosekwa nechinotyisa pakati pavose vanovapoteredza.
40nekuti zvanzi naJehovha, Tarirai, uchabhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa naMoabhu.
41Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro moyo yemhare dzaMoabhu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
42Moabhu vachaparadzwa, varege kuva rudzi rwavanhu, nekuti vakazvikudza pamberi paJehovha.
43Kutya nehunza nomusungo zvasvika kwauri, iwe ugere panyika yaMoabhu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
44Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhunza uchabatwa nomusungo, nekuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
45Vakatiza vamire pamumvuri weHeshibhoni vasina simba, nekuti moto wabuda paHeshibhoni, nomurazvo pakati paSihoni, waparadza mativi aMoabhu nemisoro yavanoda kurwa.
46Vurombo kwamuri, imwi Moabhu! Vanhu veKemoshi vapera; nekuti vanakomana venyu vatapwa, navakunda venyu vaiswa kukutapwa.
47Asi namazuva okupedzisira ndichadzosa kutapwa kwaMoabhu ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndipo panosvika kutongwa kwaMoabhu.