1Ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsiraeri vose mhiri kwaJoridhani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi.
1Ovo su riječi što ih je Mojsije upravio svemu Izraelu s onu stranu Jordana - u pustinji, u Arabi nasuprot Sufu, između Parana i Tofela, Labana, Hazerota i Di Zahaba -
2Kubva paHorebhu, nenzira yokugomo reSeiri, kusvika paKadheshi-bharinea, munhu anofamba mazuva ane gumi nerimwe.
2od Horeba do Kadeš Barnee, Seirskom gorom, jedanaest dana hoda.
3Zvino pagore ramakumi mana, pamwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri zvose zvavakarairwa naJehovha naye;
3Bilo je to godine četrdesete, prvog dana mjeseca jedanaestoga, kad Mojsije reče Izraelcima sve što mu je Jahve za njih naređivao.
4wakati akunda Sihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, wakange agere Ashitaroti, paEdhirei,
4Pošto je porazio amorejskoga kralja Sihona, koji je živio u Hešbonu, i bašanskoga kralja Oga, koji je živio u Aštarotu i Edreju,
5Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu vari mhiri kwaJoridhani, panyika yokwaMoabhu, akati,
5dakle s onu stranu Jordana, u zemlji moapskoj, poče Mojsije razlagati ovaj Zakon. Govoraše on:
6Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, Makagara nguva yakaringana pagomo iri.
6"Jahve, Bog naš, reče nam na Horebu: 'Dosta ste boravili na ovome brdu.
7Dzokai, mufambe, muende kumakomo avaAmori nokunzvimbo dzakavakidzana navo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutivi rwezasi, nokumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKanani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
7Krenite na put! Idite u gorski kraj Amorejaca i svih njihovih susjeda, u Arabu, u Gorje, u Šefelu i u Negeb, na morsku obalu, u zemlju kanaansku i u Libanon, sve do Velike rijeke, rijeke Eufrata.
8Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakove, kuti vachaipiwa ivo navana vavo vanovatevera.
8Eto, pred vas stavljam ovu zemlju. Idite, dakle, i zauzmite zemlju za koju se Jahve zakle ocima vašim, Abrahamu, Izaku i Jakovu, da će je dati njima i njihovu potomstvu poslije njih.'
9Nguva iyo ndakataura nemi, ndikati, Handigoni kukutakurai ndiri ndoga;
9Tada sam vam rekao: 'Ne mogu vas voditi sam.
10Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyeredzi dzokudenga pakuwanda kwenyu.
10Jahve, Bog vaš, toliko vas je razmnožio da vas danas ima kao zvijezda na nebu.
11Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika zvino, amuropafadze sezvaakakupikirai.
11Neka vas Jahve, Bog vaših otaca, umnoži još tisuću puta! Neka vas blagoslivlja kako vam je obećao!
12Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu?
12Ali kako bih ja sam mogao nositi vaš teret, vaše breme i vaše sporove?
13Muzvitsaurirei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikamwa, kumarudzi enyu, ndivaite vakuru venyu.
13Izaberite stoga iz svojih plemena ljude pametne, iskusne i ugledne da vam ih postavim za poglavare.'
14Mukandipindura, mukati, Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite.
14Vi ste mi odgovorili: 'Dobro je što predlažeš.'
15Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakanga vakazikamwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi, navatariri kumarudzi enyu.
15Zato sam uzeo prvake iz vaših plemena, ljude pametne i ugledne, te ih postavio za poglavare: tisućnike, stotnike, pedesetnike, desetnike i vaše plemenske nadglednike.
16Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye.
16U to isto vrijeme naložio sam i vašim sucima: 'Saslušajte svoju braću; sudite pravedno između čovjeka i njegova brata ili pridošlice.
17Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutowo mumwe; musatya munhu; nekuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.
17U suđenju nemojte biti pristrani; saslušavajte maloga kao i velikoga. Ne bojte se nikoga! TÓa sud je Božji! Ako vam koji slučaj bude pretežak, iznesite ga meni, da ga ja razvidim.'
18Nenguva iyo ndakakurairai zvose zvamunofanira kuita.
18Tako sam vam onda naložio sve što vam je činiti.
19Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.
19Krenusmo iz Horeba i, na putu u gorske krajeve Amorejaca, kako nam je naredio Jahve, Bog naš, prijeđosmo svu onu veliku i strašnu pustinju koju ste vidjeli. Stigosmo u Kadeš Barneu.
20Ndikati kwamuri, Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
20Tada vam rekoh: 'Došli ste u gorski kraj Amorejaca, koji nam Jahve, Bog naš, daje.
21Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.
21Eto, Jahve, Bog tvoj, stavio je preda te tu zemlju. Ustaj! Zaposjedni je, kako ti je rekao Jahve, Bog otaca tvojih. Ne boj se! Ne strahuj!'
22Ipapo imwi makaswedera mose kwandiri, mukati, Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.
22Svi ste onda došli k meni i rekli: 'Pošaljimo pred sobom ljude da izvide zemlju i jave nam o putu kojim ćemo ići i o gradovima u koje ćemo doći.'
23Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe.
23Svidje mi se što rekoste. Zato uzeh dvanaest ljudi između vas, po jednoga iz svakog plemena.
24Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora,
24Krenuli su na pogorje, stigli do Eškolske doline te izvidjeli kraj.
25Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
25I nabraše plodova one zemlje, donesoše ih k nama i javiše: 'Zemlja koju nam daje Jahve, Bog naš, dobra je.'
26Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu;
26Ali vi niste htjeli onamo; pobunili ste se protiv naredbe Jahve, Boga svoga.
27mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeEgipita, kuti atiise mumaoko avaAmori, kuti atiparadze.
27Rogoborili ste u svojim šatorima i govorili: 'U svojoj mržnji na nas Jahve nas je izveo iz zemlje egipatske da nas preda u ruke Amorejaca, kako bi nas posve uništili.
28Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa moyo yedu, dzichiti, Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaEnaki.
28Kamo da idemo? Naša su braća ubila u nama srčanost kad rekoše: Narod je i veći i jači nego mi; gradovi su veliki, i zidine im sežu do nebesa. A vidjeli smo ondje i Anakovce.'
29Ipapo ini ndakati kwamuri, Musavhunduka henyu, kana kuvatya.
29'Ne bojte se!' - rekoh vam. - 'Ne plašite ih se!
30Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paEgipita pamberi penyu,
30Jahve, Bog vaš, koji ide pred vama, borit će se za vas kako je to učinio na vaše oči u Egiptu.'
31nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.
31A vidio si, uostalom, i u pustinji, gdje te Jahve, Bog tvoj, cijeloga puta što ste ga prevalili dok ste stigli do ovoga mjesta, nosio kao što čovjek nosi svoga sinčića.
32Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu;
32Ali, unatoč tome, vi niste imali pouzdanja u Jahvu, Boga svoga,
33iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
33u onoga koji je na putu išao pred vama da vam potraži mjesto za taborovanje - u ognju obnoć da vam osvijetli put kojim ćete ići, a obdan u oblaku.
34Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti,
34Jahve ču graju vašu i zakle se u svojoj srdžbi:
35Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu,
35'Ni jedan jedini od ovih ljudi, od ovoga opakog naraštaja, neće vidjeti ove dobre zemlje za koju sam se zakleo da ću je dati vašim ocima.
36asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nekuti iye wakatevera Jehovha nomoyo wose.
36Izuzimam Kaleba, sina Jefuneova. On će je vidjeti; njemu i njegovim potomcima dat ću zemlju kojom je išao, jer je vjerno slijedio Jahvu.'
37Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, Newewo haungapindi ikoko;
37Zbog vas se Jahve i na mene razljutio te mi rekao: 'Ni ti onamo nećeš ući.
38Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nekuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo.
38Ući će onamo Jošua, sin Nunov, koji te služi. Njega ti osokoli, jer će on uvesti Izraela u posjed.
39Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo.
39A i vaši mališani, o kojima rekoste da će postati roblje, sinovi vaši koji još ne znaju razlikovati dobro i zlo, oni će u nju ući; njima ću je u posjed dati.
40Asi kana murimwi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa dzvuku
40A vi se okrenite i zaputite u pustinju, prema Crvenome moru!'
41Zvino imwi mukapindura, mukati kwandiri, Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu. Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.
41Vi ste mi tada odgovorili riječima: 'Sagriješili smo protiv Jahve. Poći ćemo gore i boriti se kako nam je Jahve, Bog naš, zapovjedio.' Svaki od vas dohvati svoje oružje i nepromišljeno pođe gore u brda.
42Zvino Jehovha akati kwandiri, Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nekuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.
42Onda mi Jahve reče: 'Kaži im: Ne idite gore i ne stupajte u borbu da vas ne poraze vaši neprijatelji jer ja nisam među vama.'
43Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
43Tako sam vam i govorio, ali niste poslušali. Oprli ste se zapovijedi Jahvinoj i, puni drskosti, krenuli u brda.
44Zvino vaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma.
44Ali Amorejci, koji žive u onome gorju, udariše na vas, pognaše vas, za vama se natisnuše kao pčele te su vas tukli od Seira do Horme.
45Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera inzwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake.
45Vrativši se, plakali ste pred Jahvom, ali Jahve nije slušao vašega jauka niti je okrenuo svoga uha k vama.
46Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo.
46U Kadešu vam valjade ostati dugo vremena, onoliko koliko ste već ostali.