Shona

Croatian

Exodus

23

1Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama.
1"Nemojte davati lažne izjave! Ne pomaži zlikovcu svjedočeći krivo!
2Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa;
2Ne povodi se za mnoštvom da činiš zlo; niti svjedoči u parnici stajući na stranu većine protiv pravde.
3usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake.
3Ne smiješ biti pristran prema siromahu u njegovoj parnici.
4Kana ukasangana nenzombe kana dhongi rakarasika remuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari.
4Kad nabasaš na zalutalo goveče ili magare svoga neprijatelja, moraš mu ga natrag dovesti.
5Kana ukaona dhongi remuvengi wako rawira pasi nemutoro waro, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura.
5Ako opaziš magarca onoga koji te mrzi kako je pao pod svojim tovarom, nemoj ga ostaviti: zajedno s njegovim gospodarom moraš mu pomoći da se digne.
6Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake.
6Ne krnji prava svome siromahu u njegovoj parnici.
7Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nekuti handingaruramisiri akaipa.
7Stoj daleko od lažne optužbe; ne ubijaj nedužna i pravedna, jer ja zlikovcu ne praštam.
8Usagamuchira fufuro, nekuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama.
8Ne primaj mita, jer mito zasljepljuje i one koji najjasnije gledaju i upropašćuje pravo pravednika.
9Usatambudza mutorwa, nekuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeEgipita.
9Ne ugnjetavaj pridošlicu! TÓa znate kako je pridošlici; i sami ste bili pridošlice u zemlji egipatskoj."
10Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo.
10"Šest godina zasijavaj svoju zemlju i njezine plodove pobiri,
11Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi.
11a sedme je godine pusti da počiva neobrađena. Neka se s nje hrani sirotinja tvoga naroda, a što njoj ostane, neka pojede poljska živina. Radi tako i sa svojim vinogradom i svojim maslinikom.
12Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nedhongi raako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo.
12Šest dana obavljaj svoj posao, ali sedmoga dana od posala odustani, da ti otpočine vo i magarac i da odahne sin tvoje sluškinje i pridošlica.
13Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu.
13Pripazite na sve što sam vam rekao. Ne spominjite imena drugih bogova. Neka se to i ne čuje iz tvojih usta."
14Undiitire mutambo katatu pagore.
14"Triput na godinu održavaj u moju čast svetkovinu.
15Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Egipita); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu;
15Slavi Blagdan beskvasnoga kruha. U određeno vrijeme u mjesecu Abibu - jer si u njemu iz Egipta izišao - sedam dana jedi beskvasan kruh, kako sam ti naredio. Neka nitko ne stupa preda me praznih ruku!
16uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.
16Onda slavi Blagdan žetve - prvina što ih donose polja koja zasijavaš. Zatim Blagdan berbe na koncu godine, kad s polja pokupiš plodove svoga truda.
17Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore.
17Triput na godinu neka svi tvoji muški stupe pred Gospodara Jahvu.
18Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana.
18Krv žrtve koju u moju čast žrtvuješ nemoj prinositi s ukvasanim kruhom; salo od žrtve prinesene na moju svetkovinu ne ostavljaj za sutradan.
19Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
19Donosi u kuću Jahve, svoga Boga, najbolje prvine sa svoje zemlje. Ne kuhaj kozleta u mlijeku njegove majke."
20Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira.
20"Šaljem, evo, svog anđela pred tobom da te čuva na putu i dovede te u mjesto koje sam priredio.
21Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nekuti haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu, nekuti zita rangu riri maari.
21Poštuj ga i slušaj! Ne buni se protiv njega, jer vam neće opraštati prekršaje: tÓa moje je ime u njemu.
22Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako.
22Ako mu se budeš vjerno pokoravao i budeš vršio sve što sam naredio, ja ću biti neprijatelj tvojim neprijateljima i protivnik tvojim protivnicima.
23Nekuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKanani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza.
23Anđeo će moj ići pred tobom i dovesti te do Amorejaca, Hetita, Perižana, Kanaanaca, Hivijaca i Jebusejaca da ih uništim.
24Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo.
24Nemoj se klanjati njihovim kumirima niti im iskazuj štovanje; ne postupaj kako oni rade nego njihove kumire poruši i stupove im porazbijaj.
25Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu.
25Iskazujte štovanje Jahvi, Bogu svome, pa ću blagoslivati tvoj kruh i tvoju vodu i uklanjati od tebe bolest.
26Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako.
26U tvojoj zemlji neće biti pometkinje; ja ću učiniti punim broj tvojih dana.
27Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose.
27Pred tobom ću odaslati stravu svoju; u metež ću baciti sav svijet među koji dospiješ i učinit ću da svi tvoji neprijatelji bježe pred tobom.
28Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKanani, navaHeti pamberi pako.
28Stršljene ću pred tobom odašiljati da ispred tebe tjeraju u bijeg Hivijce, Kanaance i Hetite.
29Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira.
29Neću ih otjerati ispred tebe u jednoj godini, da zemlja ne opusti i divlje se životinje ne razmnože na tvoju štetu.
30Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako.
30Tjerat ću ih ispred tebe malo-pomalo dok ti potomstvo ne odraste, tako da zemlju zaposjedneš.
31Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nekuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako.
31Postavit ću ti granicu: od Crvenoga do Filistejskoga mora, od pustinje pa do Rijeke. Predat ću, naime, stanovništvo zemlje u tvoje šake, a ti ga ispred sebe tjeraj.
32Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo.
32Ne pravi savez ni s njima ni s njihovim kumirima.
33Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nekuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri.
33Neka ne ostanu u tvojoj zemlji da te ne navode na grijeh protiv mene. Ako bi štovao njihove kumire, to bi ti bila stupica."