Shona

Croatian

Ezekiel

16

1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1I dođe mi riječ Jahvina:
2Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro,
2Sine čovječji! Pokaži Jeruzalemu sve gadosti njegove!
3uti, Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti.
3Reci: Ovako Jahve Gospod govori Jeruzalemu, nevjernici: 'Podrijetlom i rodom iz zemlje si kanaanske, otac ti Amorejac, mati Hetitkinja.
4Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
4Kad si svijet ugledala, na dan rođenja tvojega pupka ti ne odrezaše niti te vodom opraše da te očiste; solju te ne osoliše niti te povojima poviše.
5Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva netsitsi newe; asi wakarashirwa kusango, nekuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.
5Nijedno se oko na te ne sažali niti se tko smilova da ti to učini, nego te na dan rođenja tvojega gadnu baciše napolje.
6Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, Rarama! Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, Rarama!
6A ja prođoh kraj tebe i vidjeh gdje se koprcaš u krvi. I rekoh ti dok si još u krvi bila: 'Živi!' U krvi ti tvojoj rekoh: 'Živi!
7Ndakakupamhidzira kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakange usina kufuka, wakashama.
7Razrasti se kao izdanak u polju!' I umnožih te, i ti se razraste i velika postade, i dođe vrijeme da sazreš. Dojke ti se raspupale, kosa ti narasla, ali si još gola i naga bila.
8Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
8Prođoh kraj tebe i u te se zagledah: i gle, dob tvoja - dob je ljubavi! Raširih na te skute svoje i pokrih ti golotinju. Prisegoh ti i sklopih Savez s tobom - riječ je Jahve Gospoda - i ti moja postade.
9Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta.
9Okupah te u vodi, krv saprah s tebe i uljem te pomazah.
10Ndakakufukidzawo nezvakarukwa,ndikakupfekedza shangu, shangu dzamatebwe, ndakasunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika.
10Obukoh te u šarene haljine, na noge ti obuh sandale od fine kože; opasah te bezom i pokrih te prijevjesom svilenim.
11Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako.
11Uresih te nakitima: na ruke ti stavih narukvice, oko vrata ogrlice;
12Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
12prstenom ti nos uresih, uši naušnicama, a glavu ti ovjenčah vijencem najljepšim.
13Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe.
13I tako se sva u srebru i zlatu pojavi, u haljini od beza, svilom izvezenoj. Za hranu ti dadoh najfinije brašno, med i ulje. Bila si tako lijepa, prelijepa, za kraljicu podobna!
14Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nekuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
14Glas o ljepoti tvojoj puče među narodima, jer ti bijaše tako lijepa u nakitu mojem što ga djenuh na tebe - riječ je Jahve Gospoda.
15Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake.
15Ali te ljepota tvoja zanijela, zbog glasa se svojega bludu podade: blud si svoj nudila obilno svakom prolazniku, njegova si bila.
16Wakatora dzimwe nguvo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika.
16Od haljina si svojih šarene uzvišice pravila i na njima se bludu odavala ...
17Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo;
17I nakite uze zlatne i srebrne, kojima te ja bijah uresio, i od njih načini sebi muške likove da s njima bludničiš.
18ukatora nguvo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuhwira zvangu pamberi pazvo.
18Uze šarene, vezene haljine da njima odjeneš kumire svoje i njima si prinosila moje ulje i moj kad.
19Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite bwema hunonhuhwira; ndizvo zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
19A hranu što ti je dadoh - najfinije brašno, med i ulje kojima te hranjah - pred njih si stavljala na ugodan miris. Da, tako to bijaše - riječ je Jahve Gospoda!
20Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here,
20Sinove si svoje i kćeri uzimala koje meni porodi i njima ih za hranu klala. Malo ti bijaše tvoga bludničenja,
21zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here?
21pa si čak i djecu moju davala da se njima na čast kroz oganj provedu!
22Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako.
22U svim tim gnusobama i bludu svojemu ne spomenu se dana mladosti svoje, kad si se gola i naga u krvi svojoj koprcala.
23Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23I povrh svega zla - Jao! Jao! riječ je Jahve Gospoda -
24Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha.
24sagradi sebi humke, posvud diže uzvišice.
25Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako.
25Na svim raskršćima podiže uzvišice i na njima blatiš svoju ljepotu, nudiš se svakom prolazniku množeć' svoje bludničenje.
26Wakafevawo navaEgipita, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
26Bludu se podade sa sinovima Egipta, snažna tijela, bludničenje si množila da me razjariš.
27Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
27Zato, evo, ruku digoh na te, smanjivši ti obrok hrane i predavši te bijesu tvojih mrziteljica, kćeri filistejskih, koje se stide sramotnoga tvojeg vladanja.
28Wakapatawo navaAsiria, nekuti wakange usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi zvakadaro hauna kugutsikana nazvo.
28Tjerala si blud i sa sinovima Asira i nisi se zasitila; i s njima si blud tjerala, ali se nisi zasitila.
29Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
29Umnožila si bludničenje svoje i sa zemljom kanaanskom, sa zemljom kaldejskom, ali se ni onda nisi zasitila.
30Moyo wako unoshaiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Jehovha Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari;
30O, kako li slabo bijaše tvoje srce - riječ je Jahve Gospoda - kad činjaše ono što rade bludnice najrazvratnije.
31zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo.
31Na svim raskrsnicama humak sebi podiže, posvuda sagradi sebi uzvišice. Ali ne kao druge bludnice, jer si prezirala plaću bludničku,
32Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake!
32nego kao preljubnica: mjesto muža, strance si primala.
33Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikamwi vako vose zvipo, uchivatenga, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kokupata kwako.
33Svima se bludnicama plaća, a ti si sama ljubavnike svoje plaćala i još si ih u bludnosti svojoj darovima mamila da ti dođu odasvuda.
34Naizvozvo pane kuparadzana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakapesana navamwe.
34Ti bijaše bludnica kakvih nema: nitko za tobom nije trčao da s tobom blud provodi, nego si sama davala plaću bludničku, a nisu je tebi plaćali. Toliko si bila opaka!
35Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha,
35Stoga, razvratnice, čuj riječ Jahvinu:
36zvanzi naIshe Jehovha, Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikamwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
36Ovako govori Jahve Gospod: Jer si svlačila svoju sramotu i u bludu golotinju otkrivala pred svima svojim ljubavnicima i gnusnim kumirima, i zbog krvi svojih sinova što si ih njima prinosila,
37naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikamwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kose.
37evo, skupit ću sve tvoje ljubavnike s kojima si se naslađivala, sve koje si voljela i koje si mrzila, skupit ću ih odasvud protiv tebe i razotkriti im tvoju golotinju, neka vide sramotu tvoju.
38Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voupombwe navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo.
38Sudit ću ti kao što se sudi preljubnicama i krvnicama i predati te bijesu njihovu.
39Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguvo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama.
39Predat ću te u ruke njihove da poruše tvoje humke, da razore uzvišice tvoje. I zderat će sa tebe haljine, oteti nakit i ostaviti te golu, sasvim nagu.
40Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo.
40A zatim će na te dovesti svjetinu da te kamenuje i da te sasiječe mačevima.
41Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo wechifeve.
41Kuće će ti ognjem spaliti i naočigled svim ženama izvršiti pravdu nad tobom. Tako ću dokrajčiti tvoje bludničenje, nećeš više davati plaću bludničku.
42Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa.
42Iskalit ću gnjev svoj nad tobom i povući ću svoju ljubomoru od tebe. Smirit ću se i neću se više gnjeviti.
43Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
43I jer se ne spomenu svoje mladosti, već me svim tim izazivaše, oborit ću ti na glavu sve postupke tvoje - riječ je Jahve Gospoda: nećeš više dodavati bestidnosti na sve svoje gadosti!
44Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.
44I sastavljač poslovica narugat će ti se poslovicom: 'Kakva mati, takva kći.'
45Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munin'ina wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori.
45Prava si kći svoje matere, koja ostavi muža i djecu; sestra si sestara svojih, koje ostaviše muževe svoje i djecu: Hetitkinja vam mati bijaše, otac Amorejac:
46Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munin'ina wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake.
46Samarija, sestra tvoja starija, sa svojim kćerima tebi slijeva stoji; Sodoma, tvoja mlađa sestra, sa kćerima svojim zdesna ti stoji.
47Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora.
47A ti ne samo da si njihovim putem hodila i činila njihove gadosti - to bi tebi bilo premalo - već bijaše od njih pokvarenija na svojim putovima.
48Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munin'ina wako Sodhoma, Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
48Života mi mojega - riječ je Jahve Gospoda - tvoja sestra Sodoma sa svojim kćerima ne učini što si ti počinila zajedno sa kćerima svojim.
49Tarira, zvakaipa zvaSodhoma muninina wako hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.
49Evo opačina sestre tvoje Sodome: gizdavo, u izobilju kruha i bezbrižno življaše ona i kćeri njezine, a sirotinju i bijednike ne pomagahu.
50Vakanga vane manyawi. vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa.
50Uzoholiše se i gadosti pred očima mojim činjahu, i zato ih zatrijeh, kao što vidje!
51Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanin'ina vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita.
51A sestra ti Samarija ne počini ni polovicu grijeha tvojih, i tako ti počini više gadosti nego one obje zajedno, opravdavši sestre svoje svojim gadostima.
52Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanin'ina vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanin'ina vako.
52Zato snosi sad sramotu grijeha kojima si sestre svoje opravdala; zbog grijeha kojima se više od njih nagrdi, one izađoše pravednije. Postidi se, dakle, i snosi sramotu svoju kojom sestre opravda.
53Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo;
53A ja ću okrenuti udes njihov, udes Sodome i kćeri njenih, udes Samarije i kćeri njenih; i tvoj ću udes okrenuti među njima,
54kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza.
54da snosiš sramotu svoju i da se postidiš za sve što si počinila, njima na utjehu.
55Vanin'ina vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare.
55Sestra tvoja Sodoma i kćeri njene vratit će se u stanje prijašnje; sestra tvoja Samarija i kćeri njene vratit će se u stanje prijašnje; ali i ti i kćeri tvoje vratit ćete se u stanje prijašnje.
56nekuti munin'ina wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako,
56Zar se nije spominjala sestra tvoja Sodoma dok ti bijaše ponosita,
57zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose.
57prije negoli se golotinja tvoja otkrila? Budi sada za ruglo kćerima edomskim, susjedama njenim i kćerima filistejskim koje ti se sa svih strana rugaju.
58Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
58Snosi, dakle, svoju sramotu i svoje gadosti - riječ je Jahve Gospoda!'
59nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano.
59Jer ovako govori Jahve Gospod: 'Postupit ću s tobom onako kako ti učini kad pogazi zakletvu i raskinu Savez.
60Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe.
60Ali ću se ja ipak spomenuti svojega Saveza s tobom što ga sklopih u dane mladosti tvoje i uspostavit ću s tobom Savez vječan.
61Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanin'ina vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako.
61I ti ćeš se opomenuti svojih putova i postidjet ćeš se kad primiš svoje sestre, stariju i mlađu, koje ću ti dati za kćeri, ali ne snagom tvog Saveza.
62Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha;
62Sklopit ću s tobom savez svoj i znat ćeš da sam ja Jahve,
63kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kokunyara kwako, kana ndakukangamwira zvose zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
63da se opomeneš i da se postidiš i da od sramote više ne otvoriš usta kad ti oprostim sve što učini! To je riječ Jahve Gospoda.'"