Shona

Croatian

Genesis

20

1Zvino Abhurahamu wakabvapo akananga kunyika yekuchamhembe, ­ndokugara pakati peKadheshi neShuri, akava mutorwa muGerari.
1Odande Abraham krene u krajeve Negeba i nastani se između Kadeša i Šura. Dok je boravio kao pridošlica u Geraru,
2Abhurahamu ndokuti maererano naSara mukadzi wake: Ihanzvadzi yangu. Zvino Abhimereki ma­mbo weGerari akatuma, ndokutora Sara.
2rekao je Abraham za svoju ženu Saru da mu je sestra. I Abimelek, kralj gerarski, uze Saru sebi.
3Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Tarira, wakafa nekuda kwemukadzi wa­watora; nekuti wakawanikwa kumurume.
3Ali Bog dođe Abimeleku noću u snu te mu reče: "Zbog žene koju si uzeo moraš umrijeti, jer je ona žena udata."
4Asi Abhimereki wakange asina kuswedera kwaari. Naizvozvo wakati: Ishe, muchaurayawo rudzi rwakarurama here?
4A nije se Abimelek k njoj približavao. Zato reče: "Gospodine, zar ćeš pravednika pogubiti?
5Haana here kuti kwandiri: Iha­nzvadzi yangu? Naiye amene haana here kuti: Ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo pakururama kwemoyo wangu, nepakuchena kwemaoko angu.
5Zar mi on nije rekao: 'Ona mi je sestra.' A ona mi je sama rekla: 'On je moj brat.' Čiste sam savjesti i neokaljanih ruku ovo učinio."
6Mwari ndokuti kwaari muchiroto: Hongu, ndinoziva kuti wa­kaita ichi pakururama kwemoyo wako; neniwo ndikakudzivisa kuti urege kundita­dzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
6Bog mu odvrati u snu: "Znam da si to učinio čiste savjesti; i ja sam te zadržavao da protiv mene ne griješiš; i nisam dopuštao da je dotakneš.
7Naizvozvo zvino dzosera mukadzi wemurume, nekuti muporofita; zvino uchakunyengeterera ugorarama; asi kana ukasamudzosera, ziva kuti uchafa zviro­kwazvo, iwe nevose vako.
7Sada vrati čovjeku ženu njegovu; prorok je on; molit će se za tebe da ostaneš na životu. Ako je ne vratiš, znaj da ćeš umrijeti, ti i svi tvoji."
8Abhimereki ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokudana varanda vake vose, akataura mashoko awa ose munzeve dzavo; varume ndokutya zvikuru.
8Rano ujutro Abimelek ustane, sazove sve svoje sluge i kaže im sve što je bilo, a ljudi se veoma uplaše.
9Abhimereki ndokudana Abhurahamu ndokuti kwaari: Chii chawaita kwatiri? Uye chii chandakutadzira, kuti uuise pamusoro pangu nepamusoro peu­she hwangu chivi chikuru? Waita kwandiri chisingafaniri kuitwa.
9Potom Abimelek dozva Abrahama te mu reče: "Što si nam učinio! Čime sam se ja ogriješio prema tebi da izložiš mene i moje kraljevstvo velikoj grehoti? Ponio si se prema meni kako ne valja.
10Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Wanga uchiti kudii, zvawaita chinhu ichi?
10Što si, dakle na umu imao", upita dalje Abimelek, "kad si tako radio?"
11Abhurahamu ndokuti: Nekuti nda­kafunga kuti: Zvirokwazvo kutya Mwari hakumo mu­nzvimbo ino; uye vachandiuraya nekuda kwemukadzi wangu.
11Abraham uzvrati: "Zbilja sam držao da nema Božjeg straha u ovome mjestu, pa će me ljudi ubiti zbog moje žene.
12Uyezve, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mukunda wamai vangu; akazova mukadzi wangu.
12A onda, ona je uistinu moja sestra: kći je moga oca, iako ne i moje majke, pa je pošla za me.
13Zvino zvakaitika Mwari paakandidzungaidza kubva paimba ya­baba vangu, kuti ndakati kwaari: Hewu moyo wakanaka wau­nofanira kundiitira, panzvimbo dzose patichasvika, uti pamusoro pangu: Ihanzvadzi yangu.
13A kad me Bog udaljio od doma očeva, rekoh joj: Ovu mi uslugu učini: kamo god dođemo, reci o meni da sam ti brat."
14Abhimereki ndokutora makwai ne­mombe nevaranda nevarandakadzi, ndokupa kuna Abhurahamu, ndokumudzosera Sara mukadzi wake.
14Abimelek uzme ovaca i goveda, sluga i sluškinja pa ih dade Abrahamu; vrati mu i njegovu ženu Saru.
15Zvino Abhime­reki wakati: Tarira, nyika yangu iri pa­mberi pako; gara pakanakira meso ako.
15Abimelek zatim reče: "Evo, moja ti je zemlja otvorena. Nastani se gdje ti se svidi!"
16Nekuna Sara wakati: Tarira, ndapa hanzvadzi yako makobiri esirivha ane chiuru che­zana; tarira, chifukidziro chemeso ako kune vose vanewe; nevose, saizvozvo wakadzorwa.
16A Sari reče: "Evo tisuću srebrnika što ih dajem tvome bratu: neka ti budu koprenom pred očima sviju što su s tobom. Ti si svakako opravdana."
17Zvino Abhurahamu wakanyengetera kuna Mwari; Mwari ndokuporesa Abhimereki ne­mukadzi wake nevarandakadzi vake kuti vabereke.
17Abraham se pomoli Bogu, i Bog ozdravi Abimeleka, njegovu ženu i njegove sluškinje, tako te opet mogahu rađati.
18Nekuti Jehovha wakange avhara zvizvaro zvose zveveimba yaAbhi­mereki nekuda kwaSara mukadzi waAbhurahamu.
18Jer Jahve bijaše zbog Sare, Abrahamove žene, zatvorio svaku utrobu u domu Abimelekovu.